RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 7/15 p. 28
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivisirei Kunamata Zvidhori?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Dzivisa Kunamata Zvidhori Kworudzi Rwuri Rwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kutenda Kwavo Kwakabuda Muchoto
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Koshesa Ushamwari Hwako naJehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 7/15 p. 28

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana 1 Petro 4:3, tinoverenga kuti vamwe vaKristu vakanga vabatanidzwa mu“kunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.” Ko, handizvo here kuti kunamata zvidhori kwose hakubvumirwi nomutemo, kunoshorwa uye kunorambidzwa naMwari?

Hungu, mukuona kwaMwari, kunamata zvidhori kwose hakubvumirwi nomutemo. Vaya vanotsvaka nyasha dzake havanganamati zvidhori.—1 VaKorinde 5:11; Zvakazarurwa 21:8.

Zvisinei, zvinoratidza sokuti muapostora Petro akanga achitaura nezvokunamata zvidhori neimwewo nzira. Chimwe chikonzero ndechokuti, pamarudzi ekare akawanda, kunamata zvidhori kwakanga kwakakurumbira uye kusingadzorwi nomutemo nevane simba. Kureva kuti, mutemo wenyika wakanga usingarambidzi kunamata zvidhori kwakadaro. Kumwe kunamata zvidhori kwakanga kuchitova rutivi rwomutemo wenyika kana kuti wehurumende. Mupfungwa iyoyo, vamwe vakanga vabatanidzwa ‘mukunamata zvidhori kusingarambidzwi nomutemo’ vasati vava vaKristu. (New World Translation, ya1950) Somuenzaniso, zvinogona kucherechedzwa kuti Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akamisa chifananidzo chokunamata chendarama, asi vashumiri vaJehovha Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego vakaramba kuchinamata.—Dhanieri 3:1-12.

Mumamwe maonero, mimwe mitambo yaisanganisira zviito zvakashata kwazvo zvaipesana nomutemo wose wakagara uripo kana kuti nezvinhu zvinotarisirwa kuitwa mutsika zvinobva muhana yatakaberekwa tinayo. (VaRoma 2:14, 15) Muapostora Pauro akanyora nezvemiitiro yakashata yakanga ‘yakasiyana nemasikirwo evanhu’ uye “inonyadzisa,” uye iyoyi kakawanda yakaitwa mumitambo yezvechitendero. (VaRoma 1:26, 27) Varume nevakadzi vakanga vachinamata zvidhori zvisiri pamutemo vakanga vasiri kuchengeta kurambidza kwomutemo wemasikirwo evanhu. Zvaiva zvakanyatsokodzera kuti vaya vaiva vaKristu vasiye miitiro iyoyo yakaipa.

Kuwedzera pane zvadudzwa izvi, kunamata zvidhori ikoko kwakanga kwakakurumbira kune vakanga vasiri vaJudha kwairambidzwa naJehovha Mwari. Nokudaro kwakanga kusiri pamutemo.a—VaKorose 3:5-7.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko echiGiriki ari pana 1 Petro 4:3 anoreva zvakananga kuti “kunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.” Mashoko acho akashandurwa zvakasiyana-siyana mumaBhaibheri echiShona netsanangudzo dzakadai sedzinoti “kunamata zvifananidzo zvisakafanira,” “kunamata mifananidzo isina kufanira,” “kutamba mapira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe