RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 3/1 pp. 4-7
  • Kuponeswa Kwaungaitwa Norufu rwaJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuponeswa Kwaungaitwa Norufu rwaJesu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaita Kuti Rufu Rutonge Vanhu
  • Zvichaitwa naJesu Pakununura Vanhu Kuchaitwa naMwari
  • Uchabatsirwa Norudzikinuro rwaKristu Here?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 3/1 pp. 4-7

Kuponeswa Kwaungaitwa Norufu rwaJesu

MAKORE anenge 2 000 akapfuura, musi wePaseka yechiJudha yegore ra33 C.E., mumwe murume akanga asina mhosva akafa kuitira kuti vamwe vararame. Murume iyeye aimbova ani? Aiva Jesu wokuNazareta. Uye ndiani anobatsirwa nezvaakaita izvozvo? Vanhu vose zvavo. Imwe ndima yeBhaibheri inonyatsozivikanwa inotaura muchidimbu nezvorudzikinuro irworwo runopa upenyu ichiti: “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Kunyange zvazvo vakawanda vachiziva rugwaro irworwo, vashoma vanonyatsonzwisisa zvarunoreva. Zvinovanetsa kuti, ‘Nei tichida chibayiro chaKristu? Rufu rwomunhu mumwe chete runganunura sei vanhu pakufa zvachose?’ Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi zvakajeka uye zvinogutsa.

Zvakaita Kuti Rufu Rutonge Vanhu

Vamwe vanhu vanofunga kuti vanhu vakasikirwa kuti vararame nguva pfupi panyika, voedzwa, vofara, vozofa uye vobva vazoenda kunzvimbo iri nani. Maererano nemafungiro aya, rufu chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vanofa nechikonzero chakasiyana neizvozvo. Rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Ndima iyi inoratidza kuti chivi ndicho chinoita kuti vanhu vafe. Zvisinei, “munhu mumwe chete” iyeye akaita kuti vanhu vose vave nechivi ndiani?

Bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti vasayendisiti vakawanda vanodavira kuti vanhu vose vakabva kumunhu mumwe chete, uye Bhaibheri rinotaura zvakajeka nezvo“munhu mumwe chete” iyeye. Pana Genesisi 1:27, tinoverenga kuti: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.” Saka Bhaibheri rinoti vanhu vaviri vokutanga ndivo vairatidza kubwinya kwezvisikwa zvepanyika zvaMwari Wemasimbaose.

Nhoroondo iri muna Genesisi inotaura mamwe mashoko nezvoupenyu hwevanhu pashure pokunge Jehovha Mwari asika munhu wokutanga. Sezvineiwo, munhoroondo iyoyo yose, Mwari haana kutaura nezvorufu kunze kwepaakati irwo mugumisiro wokusateerera. (Genesisi 2:16, 17) Aida kuti vanhu vagare panyika iri paradhiso yakanaka kwazvo, vachifara uye vaine utano hwakanaka nokusingaperi. Akanga asingadi kuti vakwegure uye vagume vafa. Saka rufu rwakazosvika sei pakutonga vanhu?

Genesisi chitsauko 3 inotaura nezvokuti vanhu vaviri vokutanga vakasarudza nemaune kusateerera aivapa upenyu, Jehovha Mwari. Naizvozvo, Mwari akavatonga sezvaakanga afanovaudza. Akaudza murume wacho kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Sezvakanga zvataurwa naMwari, vanhu vaviri vasina kuteerera vakazofa.

Zvisinei, izvi hazvina kungokanganisa vaviri ava vokutanga. Kusateerera kwavo kwakaparadza tariro youpenyu hwakakwana hungadai hwakararamwa nevana vavo. Jehovha akabatanidza vana ivavo vakanga vasati vaberekwa muchinangwa chake paakaudza Adhamu naEvha kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” (Genesisi 1:28) Nokufamba kwenguva, vanhu vaizozadza pasi vonakidzwa chaizvo noupenyu vasingafi. Asi tateguru vavo Adhamu, “munhu mumwe chete,” akavatengesa kuti vave varanda kuchivi, zvichiita kuti vazongoguma vafa. Muapostora Pauro, muzukuru womunhu wokutanga, akanyora kuti: “Ini ndiri wenyama, ndakatengeswa kuti ndive muranda wechivi.”—VaRoma 7:14.

Sezvakangoita nhubu dzakakanganisa mifananidzo inodhura munguva pfupi yapfuura, Adhamu akakanganisa zvakakomba chisiko chaMwari chinoshamisa, ivo vanhu. Vana vaAdhamu vakabereka vana vavo uye vazukuru, zvichingodaro. Chizvarwa chimwe nechimwe chakaberekwa, chikakura, chikaberekawo vana, chikazofa. Nei vose vakafa? Nokuti vose vakabva kuna Adhamu. Bhaibheri rinoti: “Vazhinji vakafa nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe chete.” (VaRoma 5:15) Urwere, kukwegura, kuwanzoda kuita zvinhu zvakaipa, uye kufa ndiyo migumisiro inosuruvarisa yokutengesa kwakaita Adhamu mhuri yake. Mhuri iyoyo inosanganisira isu tose.

Mutsamba yaakanyorera vaKristu vokuRoma, muapostora Pauro akataura nezvemamiriro ezvinhu anosiririsa evanhu vasina kukwana, kusanganisira iye, uye kushungurudzwa kwavanoitwa nokurwisana nechivi. Akati: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana rufu urwu?” Uyu mubvunzo wakanaka, handiti? Ndiani aizonunura Pauro nevamwe vose vaida kununurwa pakuitwa varanda vechivi norufu? Pauro akapindura achiti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:14-25) Chokwadi, Musiki wedu akaita urongwa hwokutinunura achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu.

Zvichaitwa naJesu Pakununura Vanhu Kuchaitwa naMwari

Jesu akarondedzera zvaachaita pakununura vanhu kuti vasava varanda vechivi. Akati: ‘Mwanakomana womunhu akauya kuzopa upenyu hwake kuti hudzikinure vanhu vazhinji.’ (Mateu 20:28, Bhaibheri Rinoyera) Upenyu hwaJesu hunotidzikinura sei? Kufa kwake kunotibatsira sei?

Bhaibheri rinorondedzera Jesu richiti “akaramba asina chivi” uye “akaparadzaniswa nevatadzi.” Muupenyu hwake hwose, Jesu akanyatsoteerera Mutemo waMwari. (VaHebheru 4:15; 7:26) Naizvozvo, Jesu haana kufa nemhaka yechivi nokusateerera sezvakaita Adhamu. (Ezekieri 18:4) Asi Jesu akabvuma rufu rwaakanga asina kukodzera kufa kuitira kuti aite zvaidiwa naBaba vake zvokununura vanhu pachivi norufu. Sezvataurwa pamusoro apa, Jesu akabvuma kuuya kuzo“pa upenyu hwake kuti hudzikinure vanhu.” Achiratidza rudo rusina rwakaenzana narwo, Jesu akabvuma kuti “aravire rufu nokuda kwevanhu vose.”—VaHebheru 2:9.

Upenyu hwakapiwa naJesu sechibayiro hwakanga hwakanyatsoenzana noupenyu hwakaraswa naAdhamu paakatadza. Kufa kwaJesu kwakaguma nei? Jehovha akagamuchira chibayiro chacho so“rudzikinuro runoenzanirana navose.” (1 Timoti 2:6) Kutaura zvazviri, Mwari akashandisa kukosha kwechibayiro choupenyu hwaJesu kuti atenge, kana kudzikinura vanhu kuti varege kuva varanda vechivi norufu.

Bhaibheri rinotaura rataurazve nezvorudo rukuru urwu rwakaratidzwa noMusiki wevanhu. Pauro akayeuchidza vaKristu kuti va“katengwa nomutengo.” (1 VaKorinde 6:20; 7:23) Petro akanyorera vaKristu kuti Mwari haana kushandisa ndarama nesirivha, asi ropa roMwanakomana wake kuti avanunure paupenyu hwaizoguma norufu. (1 Petro 1:18, 19) Nechibayiro chorudzikinuro chaKristu, Jehovha akaronga kununura vanhu kuti vasafa zvachose.

Uchabatsirwa Norudzikinuro rwaKristu Here?

Achifunga nezvokubatsirwa kusingatauriki kwatinoitwa norudzikinuro rwaKristu, muapostora Johani akanyora kuti: “[Jesu Kristu] chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu, kwete zvedu chete asiwo zvenyika yose.” (1 Johani 2:2) Chokwadi, vanhu vose vanogona kubatsirwa norudzikinuro rwaKristu. Izvi zvinoreva here kuti munhu wose anobva angobatsirwa nechibayiro ichi chinokosha asina zvaaita? Aiwa. Yeuka nezvenyaya yokununurwa yambotaurwa munyaya yokutanga. Vaya vaiedza kununura vashandi vomumugodhi vakadzikisa keji yaienda kwavaiva, asi mumwe nomumwe wavo aifanira kupinda mukeji yacho. Saizvozvowo, vaya vanoda kubatsirwa nechibayiro chorudzikinuro chaKristu havagariri maoko vachingomirira kuti vakomborerwe naMwari. Vane zvavanofanira kuita.

Mwari anoda kuti tiitei? Johani 3:36 inotiudza kuti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” Mwari anoda kuti titende muchibayiro chaKristu. Asi hazvigumiri ipapo. “Neizvi tinoziva kuti tasvika pakumuziva [Jesu], ndokunge taramba tichichengeta mirayiro yake.” (1 Johani 2:3) Saka zviri pachena kuti, kuti tinunurwe muchivi norufu tinofanira kutenda murudzikinuro rwaKristu uye kuteerera zvinorayirwa naKristu.

Imwe nzira inokosha yokuti tiratidze kuti tinotenda murudzikinuro rwaJesu ndeyokuonga rufu rwake nokuruyeuka, sokurayira kwaakaita. Asati afa, Jesu akatanga urongwa hwokudya kwokufananidzira nevaapostora vake vakatendeka, uye akavaudza kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa chaizvo ukama hwazvo noMwanakomana waMwari, uye zvinoteerera murayiro iwoyo. Gore rino, Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu chichachengetwa musi woMugovera, March 22, zuva ranyura. Tinokukoka nomwoyo wose kuti upinde musangano uyu unokosha uchiteerera murayiro waJesu. Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvinogona kukuudza nguva nenzvimbo zvomusangano wacho. PaChirangaridzo uchadzidza zvakawanda zvaunofanira kuita kuti rudzikinuro rwaKristu rukusunungure pazvinetso zvinokonzerwa nechivi chaAdhamu.

Vanhu vashoma mazuva ano vanoonga kuzvibayira kwakakura kwakaitwa noMusiki wavo noMwanakomana wake kuti avanunure pakuparadzwa. Vaya vanotenda chibayiro ichi vanofara zvikuru. Muapostora Petro akanyora nezvevaKristu vaainamata navo kuti: “Munotenda maari [Jesu] uye muri kufara zvikuru nomufaro usingatauriki unoshamisa, zvamunogamuchira mugumo wokutenda kwenyu, iko kuponeswa kwemweya yenyu.” (1 Petro 1:8, 9) Kana ukada Jesu Kristu uye ukatenda chibayiro chake chorudzikinuro, ungafara iye zvino uye ungatarisira kuponeswa pachivi norufu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe