RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 3/1 pp. 8-10
  • Kuva Mumwe Wevana vaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Mumwe Wevana vaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzaniswa Kwakaitwa Mhuri yaMwari
  • Kuunganidza Vana Vakaparadzaniswa
  • Vana vaMwari Vepasi Pano
  • Kubatanidzwazve naBaba Vako Vokudenga
  • Kuziva Mhuri Yako Chaiyo
  • Koshesa Nzvimbo Yako Mumhuri yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ndakachengeta Chipikirwa Changu
    Mukai!—1992
  • Chinangwa chaJehovha Chinobudirira Zvine Mbiri
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Donzo raJehovha Rinowana Rubudiriro Rune Mbiri
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 3/1 pp. 8-10

Kuva Mumwe Wevana vaMwari

MAKORE anenge 30 pashure peHondo yokuKorea, nhepfenyuro yokuKorea yakatanga chirongwa chokubatsira vanhu kuti vawane vomumhuri dzavo vakanga vatsakatika muhondo. Zvakaguma sei? Vanhu vanopfuura 11 000 vakaonanazve nevadiwa vavo, vachisvimha misodzi, kuchema, kumbundirana nezvimwewo. Pepanhau rinonzi Korea Times rinoti: “Vanhu vokuKorea havasati vamboerekana vangosvimha misodzi zvakadaro uye panguva imwe chete.”

KuBrazil, Cézar akapiwa kune mumwe munhu ari mucheche kuti abhadhare chikwereti. Kwapera makore gumi, akafara zvikuru paakawana amai vake chaivo zvokuti akasiya vabereki vake vokurera vaiva shoroma kuti anogara navo.

Vomumhuri vanofara chaizvo pavanoonanazve pashure pokunge vamboparadzaniswa uye mumwe ambotsakatika! Bhaibheri rinorondedzera nezvokuparadzaniswa kwevanhu zvinosuruvarisa kubva mumhuri yaMwari. Rinotiudzawo kuti iye zvino vari kubatanidzwa sei zvinofadza. Izvi zvakaitika sei? Uye ungaita sei kuti ufarewo navo?

Kuparadzaniswa Kwakaitwa Mhuri yaMwari

NezvoMusiki, Jehovha Mwari, munyori wepisarema akati: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Jehovha ndiye Baba vemhuri yezvisikwa zvose zvakangwara zvakatendeka. Mhuri iyoyo inosanganisira chikamu chokudenga chinoumbwa nengirozi, vanakomana vake vomudzimu, uye chikamu chepasi pano chinoumbwa nevanhu, vana vake vepasi pano.

Sezvarondedzerwa munyaya yapfuura, mwanakomana waMwari wokutanga Adhamu paakapanduka, vanhu vakabva vaparadzaniswa zvinorwadza naBaba vavo vane rudo uye noMusiki wavo. (Ruka 3:38) Izvi zvakaitika nokuti paakapanduka, Adhamu akarasa ropafadzo yokuti iye nevana vake vaakanga asati abereka vave vana vaMwari. Achishandisa mushumiri wake Mosesi, Mwari akarondedzera zvakaguma zvaitika achiti: “Ivo vakaita zvakaipa; havasi vana va[Mwari], urema ndohwavo.” “Urema” kana kuti chivi, chakaparadzanisa vanhu naMwari, uyo ari mutsvene uye akakwana munzira dzose. (Dheuteronomio 32:4, 5; Isaya 6:3) Saka zvakaita sokuti vanhu vakarasika, vakava nherera.—VaEfeso 2:12.

Kuti riratidze kuti vanhu vakanga vaparadzaniswa naMwari zvakadini, Bhaibheri rinotaura nezvevaya vasiri vomumhuri yaMwari richiti “vavengi.” (VaRoma 5:8, 10) Zvavakaparadzaniswa naMwari, vanhu vari kutambura nokutonga kune utsinye kwaSatani uye migumisiro yakaipa yechivi nokusakwana. (VaRoma 5:12; 1 Johani 5:19) Vanhu vanotadza vangava mumhuri yaMwari here? Vanhu vasina kukwana vanganyatsova vana vaMwari, sezvakanga zvakaita Adhamu naEvha vasati vatadza here?

Kuunganidza Vana Vakaparadzaniswa

Norudo, Jehovha akaita urongwa hwokuti vanhu vasina kukwana vanomuda vabatsirwe. (1 VaKorinde 2:9) Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Mwari akanga achizviyananisa nenyika achishandisa Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo.” (2 VaKorinde 5:19) Sezvatsanangurwa munyaya yapfuura, Jehovha Mwari akatipa Jesu Kristu kuti atidzikinure muzvivi zvedu. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Achionga, muapostora Johani akanyora kuti: “Onai kuti rudo rukuru zvakadini rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; uye ndizvo zvatiri.” (1 Johani 3:1) Saka vanhu vakapiwazve mukana wokuva mumhuri yaJehovha.

Kunyange zvazvo vanhu vose vari mumhuri yaMwari vachabatana zvinonakidza vachitarisirwa naBaba vavo vokudenga, ona kuti Bhaibheri rinovarondedzera sei sezvavanoiswa mumapoka maviri. Tinoverenga kuti: “Chinoenderana nezvakamufadza [Mwari] zvaakafunga mumwoyo make kuti atarisire zvinhu panonyatsokwana nguva yakatarwa, kureva kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” (VaEfeso 1:9, 10) Nei Mwari achitarisira zvinhu nenzira iyoyo?

Kutaura zvazviri, kuronga kunoita Jehovha vana vake kuti vave mapoka maviri kunoita kuti mhuri yake iwirirane. Hazvina kuoma kunzwisisa kuti nei zvakadaro. Mhuri yaMwari yakakura zvokuti ingafananidzwa norudzi. Murudzi chero rupi zvarwo, pane vashomanana vanosarudzwa kuti vaumbe hurumende kuitira kuti vamwe vose vave nemitemo yavanotevedzera. Chokwadi, hapana hurumende yevanhu yati yaunza rugare, asi Mwari anopa mhuri yake hurumende yakakwana. Boka rokutanga, “zvinhu zviri kumatenga,” rinosanganisira vana vaMwari vanosarudzwa naJehovha kuti vave hurumende, kana kuti Umambo hwokudenga. Vari ikoko, “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.”—Zvakazarurwa 5:10.

Vana vaMwari Vepasi Pano

Jehovha ari kuunganidzawo “zvinhu zviri panyika,” kureva mamiriyoni evanhu vari munyika yose, kuti vapedzisire vava vana vake vepasi pano. SaBaba vane mutsa, anovadzidzisa nzira dzake dzorudo, zvokuti kunyange zvazvo vachibva kumarudzi akawanda, vakabatana zvikuru. Kunyange vanhu vanoda zvechisimba, vane udyire, vane unzenza, uye vasingateereri Mwari vari kukokwa kuti ‘vayananiswe naMwari.’—2 VaKorinde 5:20.

Zvakadini nevaya vanoramba kukokwa naMwari kuti vayananiswe naye sevana vake? Kuti ave nechokwadi chokuti mumhuri yake mune rugare nokuwirirana, Jehovha achatora matanho akaoma okubata nevakadaro. Pachava ne“zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Mwari achabvisa vanhu vanopandukira panyika. Izvozvo zvichazorodza zvikuru vaya vanoteerera!—Pisarema 37:10, 11.

Pachazova nemakore ane chiuru orugare, umo vose vanogamuchira rudo rwaMwari vachadzorerwa zvishoma nezvishoma upenyu hwakakwana huya hwakaraswa naAdhamu. Kunyange vakafa vachamutswa. (Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:6; 21:3, 4) Saka Mwari achazadzikisa zvaakapikira zvokuti: “Zvisikwa [vanhu] zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:21.

Kubatanidzwazve naBaba Vako Vokudenga

Cézar nezviuru zvevanhu vokuKorea vataurwa pakutanga kwenyaya ino vaifanira kuita chimwe chinhu kuti vanakidzwe nokubatanidzwazve nemhuri dzavo. Vanhu vaya vaiva muKorea vaifanira kupinda muurongwa hwacho, uye Cézar akasiya vabereki vaimurera. Saizvozvowo, ungafanira kutsunga kuita chimwe chinhu kuti uyananiswe naBaba vako vokudenga, Jehovha Mwari, uye kuti unakidzwe nokuva mumhuri mavo. Unofanira kuitei?

Kuti uswedere pedyo naMwari saBaba vako, unofanira kudzidza Shoko rake Bhaibheri, kuitira kuti uve nokutenda kwakasimba maari nomuzvipikirwa zvake. Uchadzidza kuti kuvimba nezvaunoudzwa naMwari kuti uite kunokubatsira. Uchafanirawo kubvuma kururamiswa uye kurangwa naMwari, nokuti Bhaibheri rinoti kuvaKristu: “Mwari ari kukubatai sezvaanoita vanakomana. Nokuti ndoupi mwanakomana uyo baba vasingarangi?”—VaHebheru 12:7.

Kutora matanho akadaro kuchachinja mararamiro aunoita. Bhaibheri rinoti: “Munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:23, 24) Zvadaro tevedzera zano romuapostora Petro rokuti: “Sevana vanoteerera, regai kuzvienzanisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pakusaziva kwenyu.”—1 Petro 1:14.

Kuziva Mhuri Yako Chaiyo

Cézar paakaonanazve naamai vake chaivo, akafara kuziva kuti aitovawo nomukoma nehanzvadzi. Saizvozvowo, paunoswedera pedyo naBaba vako vokudenga, uchaona kuti une hama dzakawanda muungano yechiKristu. Sezvaunowadzana nadzo, uchawirirana nadzo kupfuura vomumhuri mako chaivo.—Mabasa 28:14, 15; VaHebheru 10:24, 25.

Unokokwa kuti ubatanidzwe naBaba vako chaivo uye hama nehanzvadzi dzako chaidzo. Uchafara zvikuru sezvakaita Cézar nezvimwe zviuru zvevanhu vokuKorea pavakaonanazve nemhuri dzavo.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Cézar pazera remakore 19 aina amai vake chaivo

[Mifananidzo iri papeji 10]

Tora matanho okuswedera pedyo naMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe