Vakaitirwa Chisimba Vakatsigirwa
MUSI waMay 3, 2007, Dare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope muStrasbourg, kuFrance, rakaita chisarudzo chaibvumiranwa nevose chokudzivirira Zvapupu zvaJehovha zvokuRepublic of Georgia. Dare iri rakaona kuti Zvapupu izvi zvakanga zvisiri kubatwa zvakanaka uye kuti kodzero yazvo yokunamata zvakasununguka yakanga iri kuvhiringidzwa. Dare iri rakatsiurawo hurumende yaimbotonga muGeorgia nemhaka yokungopeta maoko ichirega kusunga vanhu vaikonzera mhirizhonga. Chii chakaita kuti rizosarudza izvi?
Musi waOctober 17, 1999, Zvapupu zvaJehovha 120 zveUngano yeGldani, iri muguta guru racho Tbilisi, zvakanga zvakaungana murunyararo zvichinamata. Vasingafungiri, mhomho yaitungamirirwa naVasili Mkalavishvili, uyo akabviswa kuti asave mupristi wechechi yeOrthodox, yakapinda nechisimba munzvimbo yavainamatira. Mhomho iyi yaiva netsvimbo nemichinjikwa yesimbi, yakarova zvine utsinye vaivapo, ichikuvadza vakawanda vacho zvakaipisisa. Mumwe mukadzi akatokuvadzwa zvachose ziso rake nokurohwa ikoko. Vangangopfuura 16 vaifanira kurapiswa. Zvimwe Zvapupu pazvakanomhan’ara kukamba yemapurisa kuti zvibatsirwe, mukuru wemapurisa wazvakataura naye akati angadai akatovaita zvinopfuura ipapo! Mumwe murume aiva nemhomho iyi akatora mifananidzo yevhidhiyo yebongozozo racho uye yakazobudiswa paTV kuti nyika yose ione uye ichiratidza kuti nhubu dzacho dzaiva vanaani.a
Zvapupu zvakanga zvakuvadzwa zvakamhan’ara mhosva yacho asi mhomho iyi hapana zvayakamboitwa. Mupurisa akatumwa kuti aferefete nyaya iyi akati aipinda chechi yeOrthodox, saka akati aizotsigira chechi yake. Kupeta maoko kwakaitwa nemapurisa uye hurumende kwakaita kuti vanonyanyisa mune zvechitendero vaite madiro ndokuramba vachirwisazve kanopfuura zana.
Nokudaro musi waJune 29, 2001, Zvapupu zvaJehovha zvakamhan’ara nyaya iyi kuDare Rekodzero Dzevanhu rokuEuropeb. Dare iri rakazopa mutongo waro wokupedzisira musi waMay 3, 2007, uye rakatsanangura richidonongodza bongozozo racho uye rakashora kupira gotsi kunyaya iyi kwakanga kwaitwa nevakuru-vakuru vehurumende. Dare racho rakati: “Vakuru-vakuru vehurumende . . . vaifanira kumhanya-mhanya kuti vawane chokwadi” nezvebongozozo racho. Uye chisarudzo chacho chakatiwo, “Kupeta maoko kunoitwa nehurumende kana zvinhu zvakadai zvaitika kunongoratidza ruzhinji kuti Hurumende haina simba rokuchengetedza mutemo uye kuti haigoni kuita kuti vanhu vayo vateerere mitemo yayo.”
Dare rakapedzisa richiti: “Sezvo kurwiswa kwakaitwa vamhan’ari musi waOctober 17, 1999 kuriko kurwisa kukuru kwokutanga kwakaitirwa Zvapupu zvaJehovha, kungopeta maoko kwakaitwa nehurumende kwakaita kuti chisimba chiitwe muzvitendero munyika yose yeGeorgia, chichiitwa nemhomho iyoyo.”
Saka vakaitirwa chisimba vakatsigirwa uye hurumende yeGeorgia yakanzi ibhadhare faindi uye iripe vanhu vari muUngano yeGldani. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zviri muGeorgia zvichifara kuti hazvichanyanyi kuitirwa chisimba uye utsinye, zvinofarawo kuti chisarudzo cheDare iri chakasimbisa kodzero yazvo yokuungana kuti zvinamate murunyararo. Nemhaka yeizvi, zvinotenda nomwoyo wose Baba vazvo vokudenga, Jehovha Mwari, avo vakazvichengeta nokuzvidzivirira paiitika zvose izvi.—Pisarema 23:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko, ona Awake! yaJanuary 22, 2002, mapeji 18-24, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Dare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope isangano reDare reEurope rinotonga kuputswa kweMitemo yeEurope Inodzivirira Kodzero Dzevanhu Norusununguko Runokosha. Georgia yakatanga kushandisa mitemo iyi musi waMay 20, 1999, uye inofanira kutevedzera zvainotaura.