Unogona Kufara Pasinei Nokuodzwa Mwoyo
NDIANI asati amboodzwa mwoyo? Kunyange Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari, vakaodzwa mwoyo zvinorwadza. Somuenzaniso, vakanunura vaIsraeri muuranda muIjipiti vakavakomborera zvikuru. Asi Bhaibheri rinoti: “Vaiedza Mwari vamuedzazve, uye vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.” (Pisarema 78:41) Kunyange zvakadaro, Jehovha ndi“Mwari anofara” nguva dzose.—1 Timoti 1:11.
Kutaura zvazviri, pane zvakawanda zvingatiodza mwoyo. Tingaita sei kuti zvisatitadzisa kufara? Tingadzidzei pane zvaiitwa naJehovha Mwari paaiodzwa mwoyo?
Zvinhu Zvinoodza Mwoyo
Shoko raMwari rinoti tose tinowirwa ne“nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Tisingazvitarisiri, kuparwa kwemhosva, tsaona, kana kuti chirwere zvingatishungurudza, uye zvingatiodza mwoyo. Bhaibheri rinotiwo: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware.” (Zvirevo 13:12) Kunyatsotarisira chimwe chinhu chakanaka nechido kungaita kuti tifare zvikuru, asi kana chikasakurumidza kuitika, tinganzwa taodzwa mwoyo zvikuru. Somuenzaniso, Duncan,a ainakidzwa chaizvo nokuva mumishinari, asi pashure pokunge vapedza makore akawanda vari mamishinari, iye nomudzimai wake vaifanira kudzokera kumusha kwavo. Anoti: “Kokutanga muupenyu hwangu, ndakapererwa nezano rose. Ndakanga ndisisina zvinangwa. Hapana chakanga chichiri kukosha.” Munhu anogona kuodzwa mwoyo zvinorwadza kwenguva yakareba, sezvakaitika kuna Claire. Anotsanangura kuti: “Pamuviri pangu pakapfupfudzika pava nemwedzi minomwe. Pava nenguva yakareba izvi zvaitika, asi kunyange iye zvino, pandinoona mumwe mukomana achipa hurukuro pachikuva, ndinofunga kuti, ‘Dai mwanakomana wangu atokurawo kudai.’”
Zvingakurwadzawo kana mumwe munhu akakuodza mwoyo, zvakadai sepanorambana mukomana nomusikana, kurambana kwevakaroorana, kupanduka kwomwana, kusavimbika kwomunhu waunoziva, kana kuti shamwari isingaongi. Zvatiri kurarama nevanhu vasina kukwana uye munguva dzakaoma, zvinhu zvingaita kuti tiore mwoyo hazviperi.
Zvatinotadza kuita isu zvingatiodzawo mwoyo. Somuenzaniso, kana ukafoira zamanishoni, ukatadza kuwana basa raunoda, kana kuti kurambwa nomunhu waunenge uchida, unganzwa sokuti hapana chakanaka chaunomboitawo. Tingaodzwawo mwoyo kana mumwe munhu watinoda akarega kuva muKristu. Mary anoti: “Zvaiita sokuti mwanasikana wangu akanga ari kuita zvakanaka. Ndaiona sokuti ndakanga ndamuratidza muenzaniso wakanaka. Asi paakasiya Jehovha Mwari nezvataikoshesa semhuri, ndakanzwa sokuti yaiva mhosva yangu. Kubudirira kwandaiita mune zvimwe zvose muupenyu kwaisagona kutsiva izvi. Ndakaora mwoyo zvikuru.”
Tingakurira sei kuora mwoyo kwakadaro? Kuti tiwane mhinduro yacho, ngatimboonai muenzaniso wakaratidzwa naJehovha paainge aodzwa mwoyo.
Funga Kuti Ungagadzirisa Sei
Jehovha Mwari norudo akapa vanhu vaviri vokutanga zvavaida, asi havana kuzvionga ndokupanduka. (Genesisi, zvitsauko 2 ne3) Zvadaro mwanakomana wavo Kaini akatanga kuva nemaonero akaipa. Kaini akaponda munun’una wake, achiita seasina kunzwa zvaakanga anyeverwa naJehovha. (Genesisi 4:1-8) Ungafungidzira here kuti Jehovha akaodzwa mwoyo zvakadini?
Nei kuora mwoyo ikoko kusina kutadzisa Mwari kufara? Nokuti akanga aita chinangwa chokuti nyika izare nevanhu vakakwana uye akaramba achishanda kuti chinangwa ichocho chibudirire. (Johani 5:17) Kuti azadzise chinangwa ichocho, akaita kuti pave nechibayiro chorudzikinuro uye pave noUmambo hwake. (Mateu 6:9, 10; VaRoma 5:18, 19) Jehovha Mwari haana kuramba achifunga nezvechinetso chacho, asi kuti angachigadzirisa sei.
Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tinyanye kufunga nezvezvinhu zvakanaka pane kufunga nezvezvingadai zvakaitwa kana kuti zvataifanira kuita. Rinoti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.”—VaFiripi 4:8.
Kuona Kuora Mwoyo Zvakanaka
Pane zvinhu zvingaitika zvingabva zvanyatsochinja upenyu hwedu. Somuenzaniso, basa ringaerekana rapera, watakaroorana naye angaerekana afa, kana kuti tingangoerekana tisisina ropafadzo dzataimbova nadzo muungano. Tingaerekana tisisina utano hwakanaka, tisisina imba, tisisina shamwari. Tingaita sei zvinhu pazvinochinja saizvozvo?
Vamwe vakaona kuti zvinobatsira kuronga zvinhu zvinokosha muupenyu. Duncan, ambotaurwa, anoti: “Ini nomudzimai wangu patakaziva kuti taisazombokwanisa kudzokerazve kubasa redu roumishinari, takarwadziwa zvokurwadziwa zviya. Takapedzisira taronga zvinhu zviviri zvaikosha: kutarisira Amai uye nepataigona napo, kuramba tiri muushumiri hwenguva yakazara. Patinenge tiine zvatinofanira kusarudza, tinotanga taona kuti hazvizokanganisi here zvinhu izvi zvinokosha. Izvi zvinoita kuti zvinhu zvose zvive nyore.”
Zvinoita sokuti vakawanda vedu patinoodzwa mwoyo tinobva tanyanya kuona dambudziko racho segomo chairo. Somuenzaniso, zvatinoedza kuita pakurera mwana, kuva nezvinodiwa kuti tiwane basa ratinoda, kana kuti kuparidza mashoko akanaka mundima yokumwe kungasaguma sezvatingada. Saka tingafunga kuti, ‘Handina chiyamuro.’ Asi sezvo kutanga kwevanhu kunoodza mwoyo kusina kuratidza kuti Mwari akundikana, hatisi vanhu vasina chiyamuro nokungoti tinenge tamboodzwa mwoyo nokukundikana kwedu.—Dheuteronomio 32:4, 5.
Zviri nyore kuti tigumbuke kana vanhu vatiodza mwoyo. Asi Jehovha haadaro. Mambo Dhavhidhi akamuodza mwoyo paakaita upombwe ndokubva aurayisa murume womukadzi wacho. Asi Jehovha akaona kuti Dhavhidhi akanga apfidza nomwoyo wose uye akaramba achishandisa Dhavhidhi somushumiri wake. Saizvozvowo, Mambo Jehoshafati akatendeka akakanganisa paakabatana nevavengi vaMwari. Muprofita waJehovha akati: “Jehovha akutsamwirai nokuda kweizvi. Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri.” (2 Makoronike 19:2, 3) Jehovha aiziva kuti kukanganisa kamwe chete kwaisareva kuti Jehoshafati aiva mutengesi. Saizvozvowo, hatizorasikirwi neshamwari dzedu kana tikasanyanya kugumbuka padzinokanganisa. Shamwari dzinotiodza mwoyo dzingave dzichine unhu hwakanaka.—VaKorose 3:13.
Dzimwe nguva tingaodzwa mwoyo, asi sango rinopa waneta. Tingaora mwoyo patinoita chivi. Asi tinogona kugadzirisa kana tikaita zvakakodzera uye totsunga kuenderera mberi. Mambo Dhavhidhi paakaora mwoyo chaizvo nezvaakaita, akanyora kuti: “Mapfupa angu akasakara nokugomera kwandaiita zuva rose. . . . Ndakazoreurura chivi changu kwamuri [Jehovha], uye . . . , imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.” (Pisarema 32:3-5) Kana tikaona kuti hatina kuita zvataitarisirwa naMwari, tinofanira kukumbira kuregererwa naMwari tochinja nzira dzedu uye totsunga kunyatsotevera zano raMwari mune ramangwana.—1 Johani 2:1, 2.
Gadzirira Iye Zvino Kuodzwa Mwoyo
Chokwadi ndechokuti tose zvedu tine zvichatiodza mwoyo pane imwe nguva. Tingaitei kuti tigadzirire? Bruno, mumwe murume wechiKristu akura akataura zvinonakidza, pashure pokunge aodzwa mwoyo zvakaita kuti upenyu hwake huchinje. Akati: “Chainyanya kundibatsira kuti ndisaramba ndakaora mwoyo ndechokuti ndakaramba ndichiita zvandaiita ndisati ndaora mwoyo kuti ndirambe ndakasimba pakunamata. Ndakanga ndadzidza kuti nei Mwari achirega mamiriro ezvinhu aya akaipa achiramba aripo. Ndakanga ndapedza makore akawanda ndichiumba ukama hwakasimba naJehovha. Ndakafara kwazvo kuti ndakanga ndaita izvozvo. Kunyaradzwa nokuziva kuti aiva neni kwakandibatsira kutsungirira kuora mwoyo kwandakanga ndaita.”
Patinenge tichifunga nezveramangwana, tinogona kuva nechokwadi chokuti: Kunyange zvazvo tingaita zvingatiodza mwoyo kana kuti tingaodzwa mwoyo nevamwe, Mwari haazombotiodzi mwoyo. Kutaura zvazviri, Mwari akati zita rake rokuti Jehovha rinoreva kuti “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Izvozvo zvinoita kuti tive nechivimbo chokuti achava zvose zvinodiwa kuti azadzikise zvaakapikira. Akavimbisa kuti achashandisa Umambo hwake kuti kuda kwake kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende . . . kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu.”—Mateu 6:10; VaRoma 8:38, 39.
Tinogona kutarisira ramangwana nechivimbo chokuti chipikirwa chaMwari chaakaita achishandisa muprofita Isaya chichazadzika, chokuti: “Tarirai ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva; zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isaya 65:17) Zvinofadza zvikuru kutarisira kuti nguva iri kuuya patinenge tisingachambofungi nezvokuodzwa mwoyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Hatisi vanhu vasina chiyamuro nokungoti tinenge tamboodzwa mwoyo nokukundikana kwedu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tinyanye kufunga nezvezvinhu zvakanaka pane kufunga nezvezvingadai zvakaitwa
[Mifananidzo iri papeji 15]
Mwari anofara, pasinei nokukanganisa kunoita vanhu, nokuti chinangwa chake chichatozadzika chete
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuronga zvinhu zvinokosha pakunamata kunobatsira kurarama nokuora mwoyo