Vaverengi Vanobvunza Kuti
Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Muchinjikwa Pakunamata?
Zvapupu zvaJehovha zvinodavira zvakasimba kuti kufa kwaJesu Kristu kwakaita kuti pave norudzikinuro runoita kuti vaya vanotenda maari vawane upenyu husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Zvisinei, havadaviri kuti Jesu akafira pamuchinjikwa, sezvinowanzoratidzwa nemifananidzo yakawanda. Vanodavira kuti Jesu akafira padanda rakati twi risina rimwe rakachinjikwa pariri.
Kushandiswa kwomuchinjikwa kwakatanga kare kuMesopotamia, zviuru zviviri zvemakore Kristu asati auya pasi pano. Michinjikwa yaitemerwa pazviumbwa zvematombo zvokuScandinavia munguva yeBronze Age, mazana emakore Jesu asati amboberekwa. Vanhu vakanga vasiri vaKristu ivavo vaishandisa muchinjikwa “sechiratidzo chemashiripiti . . . chaidzivirira, chaiunza rombo rakanaka,” akanyora kudaro Sven Tito Achen, munyori wenhau dzakaitika wokuDenmark, mubhuku rinonzi Symbols Around Us (Zviratidzo Zvakatipota). Ndokusaka New Catholic Encyclopedia ichibvuma kuti: “Muchinjikwa waizivikanwa chiKristu chisati chavapo uye mutsika dzisiri dzechiKristu, kwawaimiririra chimwe chinhu chakasikwa chiri kudenga.” Saka nei machechi akasarudza muchinjikwa kuti uve chiratidzo chinoyera chokunamata kwawo?
W. E. Vine, nyanzvi inoremekedzwa yokuBritain, anotaura mashoko aya makukutu: “Pakati pezana remakore rechitatu A.D. . . . vahedheni vaigamuchirwa mumachechi . . . uye vaibvumirwa kuramba vachishandisa zviratidzo zvavo zvechihedheni. Saka zviratidzo zvemabhii okuti Tau kana kuti T, . . . zvaiva nedanda rakachinjika rakadzikiswa zvishoma, zvakatanga kushandiswa.”—Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words.
Vine anotaurazve kuti shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “muchinjikwa” neshoko rechiito rokuti “kurovera padanda” anoreva “danda rakati twi . . . rakasiyana nechiratidzo chinoshandiswa nemachechi chematanda maviri akachinjikana.” Richibvumiranawo nazvo, bhuku rinonzi Oxford University’s Companion Bible rinoti: “Uchapupu hunoratidza kuti . . . Ishe akaurayirwa padanda rakati twi, kwete pamatanda maviri akachinjikwa.” Zviri pachena kuti machechi anoshandisa tsika isiri yomuBhaibheri.
Munyori wenhau dzakaitika Achen, ambotaurwa, anoti: “Mazana maviri emakore Jesu atofa kunenge kuti vaKristu vakanga vasingamboshandisi muchinjikwa.” Anotizve, kuvaKristu vekare muchinjikwa “unofanira kunge waivafungidza rufu uye zvakaipa, sezvinoitika patinoona muchina unodimbura misoro yevanhu uye chigaro chemagetsi chinourayirwa vanhu.”
Chinonyanya kukosha ndechokuti, pasinei nokuti chii chakashandiswa kutambudza uye kuuraya Jesu, mufananidzo wacho kana kuti chiratidzo chacho hazvifaniri kushandiswa nevaKristu pakunamata. Bhaibheri rinorayira kuti: “Tizai kunamata zvidhori.” (1 VaKorinde 10:14) Jesu pachake akataura zvaizozivisa kuti ava ndivo vateveri vake vechokwadi. Akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.
Muzvose zvine chokuita nokunamata, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera Bhaibheri sezvaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga pane kutevedzera zvinoitwa nevanhu vose. (VaRoma 3:4; VaKorose 2:8) Nemhaka yeizvi havashandisi muchinjikwa pakunamata.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Mufananidzo unoratidza mambo wechihedheni wokuasiriya akapfeka muchinjikwa, munenge muna 800 B.C.E.
[Kwazvakatorwa]
Photograph taken by courtesy of the British Museum