RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 5/1 pp. 25-29
  • Kunyaradza Vane Chirwere Chisingarapiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyaradza Vane Chirwere Chisingarapiki
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Muropa
  • Ona Munhu Wacho Kwete Chirwere
  • Gadzirira Kupa Nzeve
  • Nzwisisa Zvinenge Zvichidiwa
  • Kunyaradza Munhu Ava Kuda Kufa
  • Hama Yako Painobatwa Nechirwere Chisingarapiki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Kukunda Kunoita Mhuri Chirwere Chisingaperi
    Mukai!—2000
  • Nzira Yokubata Nayo Nemirangariro
    Mukai!—1997
  • Paunorwarirwa
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 5/1 pp. 25-29

Kunyaradza Vane Chirwere Chisingarapiki

“Pandakatanga kuziva kuti Amai vangu vaiva nechirwere chisingarapiki, ndakapererwa. Ndakashungurudzika, uye handina kuzvidavira kuti amai vangu vandaidisisa vakanga vava kuzofa.”—Grace, wokuCanada.

KANA mumwe munhu watinoda akanzi ane chirwere chisingarapiki, vomumhuri yake uye shamwari dzake vangarwadziwa zvikuru uye vangapererwa. Zvinogona kunetsa vamwe kuti voudza here murwere chokwadi pamusoro pourwere hwake. Vamwe vanonetseka kuti zvingavaomera kuona munhu wavanoda achitambura uye kuti zvimwe anganyara nemhaka yezvinokonzerwa nechirwere chacho. Vamwe vanonetseka kuti havazozivi zvokutaura kana zvokuita kana murwere ava kufa.

Chii chaunofanira kuziva nezvezvaungaita kana wanzwa mashoko asingafadzi akadaro? Ungava sei “shamwari yechokwadi” inonyaradza uye inotsigira munguva iyi inoshungurudza?—Zvirevo 17:17.

Zviri Muropa

Zviri muropa kuti ushungurudzike kana munhu waunoda akabatwa nechirwere chisingarapiki. Pasinei nokuti vanachiremba vanogara vachitaura nevarwere nezvorufu uye kuona vanhu vachifa, vanonetsekawo kana kunzwa vasina zvavanogona kuita panyaya yezvinodiwa nomunhu ane chirwere chisingarapiki.

Zvimwe iwewo haukwanisi kudzora manzwiro aunoita paunoona munhu waunoda achitambudzika. Hosa, anogara kuBrazil uye ane munun’una wake aiva nechirwere chisingarapiki, anoti, “Zvakaoma chaizvo kuona munhu waunoda achigara achirwadziwa.” Paakaona hanzvadzi yake yava nemaperembudzi, murume aiva akavimbika Mosesi akateterera achiti: “Haiwa Mwari, ndapota! Ndapota, muporesei!”—Numeri 12:12, 13.

Tinonetseka nokutambura kunoita munhu watinoda anenge achirwara nokuti takasikwa mumufananidzo waMwari ane tsitsi, Jehovha. (Genesisi 1:27; Isaya 63:9) Jehovha anonzwa sei nezvokutambura kwevanhu? Chimboona zvakaitwa naJesu munhu ainyatsoratidza unhu hwaBaba vake. (Johani 14:9) Jesu paakaona vanhu vairwara, “akasiririswa” navo. (Mateu 20:29-34; Mako 1:40, 41) Sezvakambokurukurwa munyaya yapfuura mumagazini ino, pakafa Razaro shamwari yaJesu uye paakaona kurwadziwa norufu kwakaita mhuri uye shamwari dzacho, akanetseka zvikuru uye “akasvimha misodzi.” (Johani 11:32-35) Chokwadi Bhaibheri rinotsanangura rufu somuvengi uye rinovimbisa kuti pasina nguva kurwara uye kufa zvichange zvisisipo.—1 VaKorinde 15:26; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvinonzwisisika kuti unganzwa uchida kupomera mumwe munhu mhosva nemhaka yemashoko anorwadza okuti waunoda ane chirwere chisingarapiki. Zvisinei mumwe chiremba anonzi Dr. Marta Ortiz, uyo akanyora zvaakadzidza uye zvaakatsvakurudza nezvenyaya yokutarisira munhu ane chirwere chisingarapiki, anopa zano rokuti: “Usapa vamwe mhosva, vangava vanachiremba, vakoti kana kuti iwe pachako, nemhaka yemamiriro ezvinhu omurwere. Izvi zvinongowedzera kushungurudzika uye zvinoita kuti vanhu vose vasaisa pfungwa dzavo panyaya inokosha: zvinodiwa nomurwere wacho.” Matanho api aungatora kuti ubatsire munhu waunoda kuti atsungirire urwere hwake uye agamuchire kuti achazofa?

Ona Munhu Wacho Kwete Chirwere

Chokutanga, usafunga nezvokupera kwaanenge aita nemhaka yechirwere asi ona munhu wacho. Ungazviita sei? Mumwe mukoti anonzi Sarah anoti: “Ndinombotora nguva ndichiona mifananidzo yomurwere paakanga achakasimba. Ndinonyatsoteerera paanondiudza nezvezvaaimboita. Izvi zvinondibatsira kuziva nezvoupenyu hwomunhu uyu uye kuti ndisanyanya kufunga nezvezvaari iye zvino.”

Mumwewo mukoti anonzi Anne-Catherine anotsanangura zvinomuita kuti asangoona kupera kwaita murwere. Anoti: “Ndinotarisa munhu wacho mumaziso ndoita zvose zvandinokwanisa kuti murwere agadzikane.” Rimwe bhuku rinotaura nezvokutarisira vane zvirwere zvisingarapiki rinoti: “Zvinowanzoitika kuti unzwe usina kugadzikana paunoona munhu waunoda aperezeka nechirwere kana kuti aremadzwa netsaona. Kana zvadaro, unofanira kumuona semaziviro chaiwo awagara uchimuita.”—The Needs of the Dying—A Guide for Bringing Hope, Comfort, and Love to Life’s Final Chapter.

Chokwadi, kuti udaro zvinoda kuzvidzora uye kutsunga. Georges, mumwe mukuru wechiKristu anogara achishanyira varwere vakadai anoti, “Hatifaniri kurega kuda shamwari dzedu nemhaka yokurwara kwadzinenge dzichiita.” Kana ukaisa pfungwa dzako pamunhu kwete pachirwere zvichabatsira iwe nomurwere wacho. Yvonne, akambotarisira vana vane chirwere chekenza, anoti, “Kuziva kuti unogona kubatsira varwere kuramba vaine chiremera kunogona kukubatsira kuti usanyanya kufunga nezvokupera kwavari kuita.”

Gadzirira Kupa Nzeve

Vanhu vangazeza kushanyira mumwe munhu ava kufa kunyange vachimuda chaizvo. Nei? Vanonetseka kuti havazozivi zvokutaura. Zvisinei, Anne-Catherine achangobva kutarisira shamwari yaiva nechirwere chisingarapiki, anotaura kuti pane nguva yokunyarara. Anoti: “Hatingonyaradzi nemashoko chete asiwo nezvatinoita uye zvatinofunga. Kutora chigaro ndokugara, toswedera pedyo nomurwere tomubata ruoko, tochema paanotiudza manzwiro aari kuita, zvose izvi zvinoratidza kuti tine hanya.”

Munhu waunoda uyu angadawo kutaura manzwiro ake, achidurura zviri pamwoyo pake akasununguka. Zvisinei, kazhinji munhu anorwara anozviona kuti hama dzake dziri kushushikana uye kuti dziri kudzivisa kutaura naye zvakawanda. Hama neshamwari dzingasada kutaurawo nyaya dzingada kunzwiwa nomurwere, kunyange kutomuvanzira mashoko ane chokuita nourwere hwake. Kusabuda pachena kwakadaro kungaguma nei? Mumwe chiremba anotarisira vanhu vane zvirwere zvisingarapiki anotsanangura kuti kuedza kuvanza chokwadi “kunoita kuti musiye nyaya inokosha, yokutaura nomurwere nezvechirwere chacho uye kutora zvinhu sezvazviri.” Saka kana murwere wacho achida hake, anofanira kubvumirwa kutaura akasununguka nezvourwere hwake uye rufu rungaitika.

Vashumiri vaMwari vekare havana kuzeza kuudza Jehovha Mwari zvavainzwa, pavakanga vatarisana norufu. Somuenzaniso, Mambo Hezekiya aiva nemakore 39 paakaziva kuti aizofa, akataura zvaimunetsa. (Isaya 38:9-12, 18-20) Saizvozvowo, vanhu vane zvirwere zvisingarapiki vanofanira kubvumirwa kutaura kusuruvara kwavanenge vachinzwa kuti upenyu hwavo hwava kudimburirwa. Zvimwe vangashushikana kuti havachakwanisi kuita zvavanga vakaronga, zvakadai sokushanya, kuva nevana, kuona vazukuru vachikura kana kuti kuwedzera kushumira Mwari. Vangave vachityira kuti hama neshamwari dzichasuduruka nokuti vanenge vachitya uye vasingazivi zvokuita. (Jobho 19:16-18) Vangashushikana mupfungwa nemhaka yokutya kurwadziwa, kutadza kuzvitarisira, kana kuti kutya kufa pasina hama yepedyo.

Anne-Catherine, anoti: “Zvinokosha kuti ubvumire shamwari yako kutaura zviri pamwoyo, usingamudimburiri kana kumutonga kana kumushora. Ndiyo nzira yakanakisisa yokuziva zvaanenge ari kunzwa uye yokunzwisisa zvaari kuda, zvaari kutya uye zvaari kutarisira.”

Nzwisisa Zvinenge Zvichidiwa

Kana mishonga uye marapiro zvikatadza kushanda kune mumwe wako obva anyanya kutambudzika, zvingakuvhiringidza zvokuti ungakanganwa zvinenge zvichinyanya kudiwa nomurwere. Zvinokosha kuita zvinosarudzwa nomurwere.

Mune dzimwe tsika, mhuri ingavanzira murwere chokwadi nezvourwere hwake, kunyange kusatomubatanidza pazvisarudzo zvokurapwa kwake ichityira kumuremedza. Mune dzimwewo tsika, pangamuka chimwe chinetso. Somuenzaniso, mumwe mukoti anonzi Jerry anoti, “Vanenge vauya kuzoona murwere vane tsika yokutaura nezvomurwere pavanenge vari padivi pomubhedha wake, sokunge kuti haapo.” Muzviitiko zvacho zvose, maitiro akadaro anoita kuti murwere ashayiwe chiremera.

Chimwe chinhu chinodiwa kuva netariro. Munyika dzine mishonga inonyatsorapa, kazhinji kuwana mushonga unoshanda kunoita kuti munhu ave netariro. Michelle, ave achibatsira amai vake pavakaita kenza katatu, anoti: “Kana Amai vachida kuedza mamwe marapiro kana kuti kuona mumwe chiremba, ndinovabatsira pane zvavanenge vachitsvaka. Ndakatoona kuti ndinofanira kuona zvinhu sezvazviri asiwo ndichitaura zvinovaka.”

Zvakadini kana pasina tarisiro dzokuwana mushonga unorapa? Yeuka kuti munhu ane chirwere chisingarapiki angada kutaura akasununguka nezvorufu rwake. Georges, mukuru wechiKristu ambotaurwa, anoti: “Zvinokosha zvikuru kusavanzira murwere kana rufu rwava pedyo. Izvi zvinoita kuti munhu wacho aronge zvinhu zvake ogadzirira kufa kwake.” Kugadzirira kwakadaro kungaita kuti murwere anzwe sokuti aita zvaaifanira kuita asati afa uye azorodzwe kuti haasi kuzosiyira vamwe mutoro.

Ichokwadi kuti zvakaoma kutaura nezvenyaya dzakadaro. Asi kusavanzirana kwakadaro kunozarura mukana wokutaura zviri kutsi kwomwoyo. Munhu ava kufa angashuva kuyanana nevaanga asingawirirani navo, kutaura zvinhu zvaanozvidemba, kana kukumbira kuregererwa. Kukurukura kwakadaro kungawedzera kusimbisa ukama hwako naye.

Kunyaradza Munhu Ava Kuda Kufa

Unganyaradza sei munhu ava kuda kufa? Dr. Ortiz, ambotaurwa, anoti: “Rega murwere ataure zviri pamwoyo wake kokupedzisira. Nyatsoteerera. Kana zvichiita, edza kuita zvinodiwa nomurwere. Kana zvisingaiti kuita zvakumbirwa nomurwere, muudze.”

Kana murwere ava kufa, ndipo paanganyanya kuda kuti hama dzake dzive pedyo. Georges anoti, “Batsira murwere kuti akurukure nehama dzake, kunyange kana akataura zvishoma nokuti anenge ava kupera simba.” Kunyange kufona chaiko, kungaita kuti mukurudzirane nokunyengetera pamwe chete. Mumwe mukadzi wokuCanada anonzi Christina, akafirwa nehama dzake nhatu zvakatevedzana anoyeuka kuti, “Pavakanga vava pedyo nokufa, vaida chaizvo kusimbiswa neminyengetero yehama dzavo dzechiKristu.”

Unofanira kutya here kuchema pamberi pomunhu waunoda? Kwete. Kana ukachema, unenge uchitoita kuti munhu ava kufa ave nomukana wokuvawo munyaradzi. Bhuku riya rinonzi The Needs of the Dying rinoti: “Zvinobaya mwoyo chaizvo kunyaradzwa nomunhu ava kufa, uye izvi zvingave zvichikosha zvikuru kwaari.” Paanonyaradza vamwe, munhu iyeye anenge ari kutarisirwa anokwanisa kuita zvaaimboita seshamwari, sababa kana kuti saamai.

Zvinonzwisisika kuti mamiriro ezvinhu angakutadzisa kuva newaunoda pamaawa ake okupedzisira ari mupenyu. Zvisinei, kana uchikwanisa kuva neshamwari yako painenge iri muchipatara kana kuti kumba, mubate ruoko rwake kusvikira kumagumo. Nhambo dzokupedzisira dzakadai dzinokupa mukana wawaisazova nawo wokutaura zviri pamwoyo wako. Kunyange kana ava kufa wacho akasataura chinhu usarega kumuoneka uye kumuudza kuti unomuda uye kuti unotarisira kuzomuonazve kana amutswa.—Jobho 14:14, 15; Mabasa 24:15.

Kana ukanyatsoshandisa nhambo iyi yokupedzisira, hauzozvidembi gare gare. Kutaura chokwadi, nhambo iyi yokuparadzana zvinorwadza inozokunyaradza paunofunga nezvayo. Unenge waratidza kuva shamwari yechokwadi “pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Kana ukaisa pfungwa dzako pamunhu kwete pachirwere zvichabatsira iwe nomurwere wacho

[Bhokisi/Mufananidzo zviri papeji 29]

Kuremekedza Kwatingaita Chiremera Chomurwere

Munyika dzakawanda, pane zvinoitwa zvinobatsira kuti kodzero dzomunhu ane chirwere chinouraya afe murugare uye aine chiremera. Gwaro rakafanonyorwa rinobatsira pakuremekedza kodzero idzodzo uye rinobvumira murwere kufira kwaanenge achinyatsotarisirwa, kungava kumba kana kuti kuchipatara.

Gwaro rakafanonyorwa rinobatsira pane zvinotevera:

• Rinoita kuti murwere arambe achikurukurirana navanachiremba uye nehama dzake

• Rinoita kuti murwere asarudze marapirwo aanoda pane kuti mhuri imusarudzire

• Rinoderedza mikana yokurapwa kwausingadi, kusingabatsiri, kunokuvadza uye kunodhura

Gwaro rakafanonyorwa kuti rinyatsobatsira ringasanganisira zvinotevera:

• Zita romunhu ane kodzero yokusarudza kurapwa kwaunofanira kuitwa

• Kurapa kwaunoda kana kwausingadi kana urwere hwakomba

• Kana zvichiita, zita rachiremba anoziva zvawakasarudza

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ziva nezvoupenyu hwomunhu uyu uye usanyanya kufunga nezvezvaari iye zvino

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe