RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 11/1 pp. 16-17
  • Nezvetariro Yevakafa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nezvetariro Yevakafa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichirwara uye Tichifa?
  • Nei Jesu Akafa?
  • Chii Chinoitika Kumunhu Kana Afa?
  • Vakafa Vane Tariro Yei?
  • Chii Chichaitika Kana Tikafa?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chakaita Kuti Jesu Asamhanya-mhanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 11/1 pp. 16-17

Zvatinodzidziswa naJesu

Nezvetariro Yevakafa

Jesu akamutsa vanhu vatatu zvichiratidza kuti pane tariro yokuti vakafa vachamutswa. (Ruka 7:11-17; 8:49-56; Johani 11:1-45) Kuti tinzwisise kuti pane tariro yevakafa, tinofanira kutanga tanzwisisa chinokonzera rufu nokwarwakabva.

Nei Tichirwara uye Tichifa?

Jesu paaikanganwira vanhu zvivi zvavo, vaipora. Somuenzaniso, mumwe murume akanga akaoma rutivi rwomuviri paakaendeswa kuna Jesu, akati: “‘Ndezvipi zviri nyore, kuti, Zvivi zvako zvakanganwirwa, kana kuti, Simuka ufambe? Zvisinei, kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba rokukanganwira zvivi panyika—’ akabva ati kune akanga akaoma rutivi rwomuviri: ‘Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.’” (Mateu 9:2-6) Saka chivi ndicho chiri kukonzera kurwara norufu. Takagara nhaka chivi kubva kune munhu wokutanga, Adhamu.—Ruka 3:38; VaRoma 5:12.

Nei Jesu Akafa?

Jesu haana kumboita chivi. Saka, akanga asingakodzeri kufa. Nokutifira, Jesu akabhadhara muripo wezvivi zvedu. Akati ropa rake raizo“dururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.”—Mateu 26:28.

Jesu akatiwo: ‘Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mateu 20:28) Jesu akati muripo waakabhadhara unonzi “rudzikinuro” nokuti waisunungura vamwe kuti vasafa. Jesu akatiwo: ‘Ini ndakauya kuti ivo vave noupenyu uye kuti vave nahwo huri huzhinji.’ (Johani 10:10) Kuti tinyatsonzwisisa nezvetariro yevakafa, tinofanirawo kuziva kuti vari mumamiriro ezvinhu akadini.

Chii Chinoitika Kumunhu Kana Afa?

Pakafa shamwari yaJesu Razaro, Jesu akatsanangura zvinoitika kumunhu kana afa. Akati kuvadzidzi vake: “‘Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko [kuBhetani] kunomumutsa muhope.’ . . . Vakafunga kuti akanga achitaura pamusoro pokuzorora akarara. Naizvozvo, panguva iyoyo, Jesu akavataurira asingambovanzi kuti: ‘Razaro afa.’” Saka, Jesu akajekesa kuti vakafa vakarara, havana chavanoziva.—Johani 11:1-14.

Razaro akanga ava nemazuva mana afa paakazomutswa neshamwari yake Jesu. Asi Bhaibheri haritauri kuti Razaro ane zvaakataura zvinoratidza kuti zvinhu zvainge zvakaita sei panguva yacho. Paainge akafa, Razaro haana chaaiziva.—Muparidzi 9:5, 10; Johani 11:17-44.

Vakafa Vane Tariro Yei?

Vakafa vachamutswa vaine tariro yokurarama nokusingaperi. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.”—Johani 5:28, 29.

Tariro iyi inoratidza kuti Mwari anotida. Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16; Zvakazarurwa 21:4, 5.

Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 6 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe