Waizviziva Here?
Ko gedhi reguta raigara richitaurwa nezvaro muBhaibheri raiva chii?
▪ Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, maguta akawanda akanga akakomberedzwa nemasvingo aidzivirira. Mukati memagedhi akawanda maiva nenzvimbo dzaiungana vanhu, vachitengeserana uye vachidya nyaya. Zviziviso zvaipiwa munzvimbo idzodzi, uye vaprofita ndimo mavaitaura mashoko avo. (Jeremiya 17:19, 20) Bhuku rinonzi The Land and the Book rinoti, “zvinoita sokuti zvinhu zvose zvaiva nechokuita nokutengeserana zvaiitirwa pedyo nemagedhi eguta kana kuti mukati.” MuIsraeri yekare, magedhi eguta akanga akangoita senzvimbo dzinoitirwa zvinhu zvakasiyana-siyana mumataundi mazuva ano.
Somuenzaniso Abrahamu akatenga nzvimbo yaaizoviga hama dzake kuna Efroni, “vanakomana vaHeti vachiona pakati pavose vaipinda pagedhi reguta rake.” (Genesisi 23:7-18) Uye Bhoazi akakumbira varume vakuru gumi vekuBhetrehema kuti vagare pagedhi reguta vachiona paaironga nezvaRute nenhaka yomurume wake akanga afa, zvichienderana nezvaidiwa nomutemo kana paine hama yomufi yaida kugara nhaka. (Rute 4:1, 2) Varume vakuru veguta pavaitonga, vaigara pagedhi reguta kuti vateerere nyaya dzinenge dzaitika, vaite zvisarudzo uye vape mitongo.—Dheuteronomio 21:19.
Ofiri yainzi neBhaibheri ndiko kwaibva ndarama yemhando yepamusoro yaiva kupi?
▪ Bhuku raJobho ndiro rinotanga kutaura “ndarama yokuOfiri” richiienzanisa ne“ndarama chaiyo.” (Jobho 28:15, 16) Papera makore anenge 600 kubva pakafa Jobho, Mambo Dhavhidhi akaunganidza “ndarama yokuOfiri” kuitira kuti agovakira Jehovha temberi muJerusarema. Mwanakomana wake Soromoni akaunzawo ndarama kubva kuOfiri.—1 Makoronike 29:3, 4; 1 Madzimambo 9:28.
Maererano nezvinotaurwa neMagwaro, Soromoni aiva neboka rengarava dzaakagadzira muEziyoni-gebheri dzaiva paGungwa Dzvuku, dzaiunza ndarama kubva kuOfiri. (1 Madzimambo 9:26) Nyanzvi dzinofunga kuti Eziyoni-gebheri iri kumusoro kweGulf of Aqaba iyo yava kunzi Elat neAqaba. Ngarava dzaigona kusvika kunzvimbo dzose dziri muGungwa Dzvuku dzichibva ikoko, kana kuti kunzvimbo dzokutengeserana dziri pamhenderekedzo dzegungwa muAfrica kana kuti kuIndia, nzvimbo dzinofungidzirwa kuti ndiko kune Ofiri. Vamwe vanofunga kuti Ofiri yaiva kuArabia, uko kwakawanikwa migodhi yendarama yaishandiswa kare uye ichiri kucherwa nanhasi.
Kunyange hazvo vamwe vachifunga kuti migodhi yendarama yaSoromoni dzinongovawo ngano, mumwe muongorori wezvaiitika kuIjipiti anonzi Kenneth A. Kitchen anonyora kuti: “Ofiri pachayo haisi ngano. Chimwe chimedu chezviumbwa chiri muchiHebheru chomuzana remakore rechisere [B.C.E.] chakanyatsonyorwa zvakajeka mashoko anoti: ‘Ndarama yokuOfiri yeBheti-horoni—mashekeri 30.’ Pano zviri kunyatsoratidza kuti kuOfiri kwaiwanikwa ndarama zvechokwadi, kungofanana ne‘Ndarama yoku‛Amau,’ kana kuti ‘Ndarama yokuPunt’ kana kuti ‘Ndarama yokuKush’ zvaiva zvakanyorwa mumabhuku okuIjipiti, zita rimwe nerimwe richitorwa panzvimbo yaicherwa ndarama yacho kana kuti mhando yenzvimbo yacho kana zvayakaita.”
[Mufananidzo uri papeji 15]
Abrahamu ari pagedhi reguta, achida kutenga munda
[Mufananidzo uri papeji 15]
Chipenga chiri mumutauro wechiHebheru chakanyorwa zita rokuti Ofiri
[Kwazvakatorwa]
Collection of Israel Antiquities Authority, Photo © The Israel Museum, Jerusalem