Shoko Raiva ‘Mwari Wemasimbaose’ Here Kana Kuti Raiva ‘rakaita samwari’?
VASHANDURI veBhaibheri vanofanira kufunga mubvunzo iwoyo pavanenge vachishandura ndima yokutanga iri muEvhangeri yaJohani. MuBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva, ndima yacho yakashandurwa kuti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari.” (Johani 1:1) Mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko okupedzisira endima yacho nechinangwa chokubudisa pfungwa yokuti Shoko rakanga “rakaita samwari,” kana zvimwewo zvinoenderana. (A New Translation of the Bible, by James Moffatt; The New English Bible) Zvisinei, maBhaibheri akawanda anoshandura mashoko okupedzisira aJohani 1:1 achiti: “Shoko raiva Mwari.”—The Holy Bible—New International Version; The Jerusalem Bible.
Girama yomutauro wechiGiriki nendima dzakapoteredza zvinonyatsoratidza kuti mashoko iwayo akashandurwa zvakarurama muBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva, uye kuti “Shoko” harifaniri kuonekwa sa“Mwari” Wemasimbaose uyo anotaurwa kwokutanga mundima yacho. Asi sezvo mutauro wechiGiriki wakanga usingashandisi mashoko anoratidza kana munhu achitaura nezvechinhu seboka kana kuti achichitaura zvakananga, vamwe vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvendima iyi. Ndosaka zvichinakidza chaizvo kuverenga Bhaibheri rakashandurwa mumutauro waitaurwa kareko mumazana emakore iwayo akapfuura.
Mutauro wacho indimi yomutauro weCoptic unonzi Sahidic. Mutauro weCoptic waitaurwa muIjipiti mumazana emakore akapfuura nguva pfupi Jesu apedza ushumiri hwake pasi pano, uye pamutauro uyu, ndimi yeSahidic ndiyo yakanga iri yokutanga kunyorwa. NezvemaBhaibheri ekare omutauro weCoptic, duramazwi The Anchor Bible Dictionary rinoti: “Sezvo [Septuagint] ne[Magwaro echiKristu echiGiriki] aishandurirwa mumutauro weCoptic muzana remakore rechitatu C.E., shanduro yeCoptic yakabva pa[manyoro echiGiriki] ekare zvikuru kupfuura uchapupu hwakawanda huripo.”
Shanduro yeSahidic Coptic inonakidza nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, sezvaratidzwa pamusoro apa, inoratidza kuti vaKristu vainzwisisa sei dzidziso dzeBhaibheri makore okuma 300 asati asvika, panguva iya dzidziso yoUtatu payakatanga kushandiswa nevafundisi. Chechipiri, girama yeCoptic yakada kufanana chaizvo negirama yomutauro weChirungu pachinhu chimwe chete chinokosha. Shanduro dzokutanga dzeMagwaro echiKristu echiGiriki dzaiva mumutauro weSyriac, Latin, neCoptic. Kungofanana nechiGiriki chaitaurwa kareko, mitauro yeSyriac neLatin, haina mashoko anoratidza zvakananga chinhu chaicho chinenge chichirehwa. Zvisinei, mutauro weCoptic unoratidza izvozvo. Uyezve, imwe nyanzvi inonzi Thomas O. Lambdin mubhuku rake rinonzi Introduction to Sahidic Coptic, anoti: “Mutauro weCoptic unoshandisa mashoko anoratidza kana munhu achitaura nezvechinhu seboka kana kuti achichitaura zvakananga, izvi ndizvowo chaizvo zvinoita mutauro weChirungu.”
Saka, shanduro yeCoptic inopa uchapupu hunonakidza hunoratidza manzwisisirwo aiitwa rugwaro rwaJohani 1:1 kareko. Uchapupu hupi hwatinowana? Muchikamu chokupedzisira chaJohani 1:1, shanduro yeSahidic Coptic inoshandisa shoko rinomirira boka rezvinhu painoti “mwari.” Saka, ndima yacho painoshandurwa muChirungu chemazuva ano inoti: “Uye Shoko raiva mwari.” Zviri pachena kuti vashanduri vekare vaiziva kuti mashoko aJohani akanyorwa pana Johani 1:1 akanga asingarevi kuti Jesu aifanira kuonekwa saMwari Wemasimbaose. Shoko raiva rakaita samwari, kwete Mwari Wemasimbaose.