Swedera Pedyo naMwari
“Ndinonyatsoziva Kurwadziwa Kwavo”
“MUTSVENE, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha.” (Isaya 6:3) Mashoko iwayo akafuridzirwa anoratidza kuti Jehovha Mwari akachena zvisingagoni kuenzaniswa. Ungabvunza kuti, ‘Kuva mutsvene kwaMwari kunoita here kuti asava nehanya uye asataurika naye? Mwari mutsvene akadaro anganyatsova nehanya neni, munhu asina kukwana, anoita zvivi here?’ Ngationgororei mashoko anotipa chivimbo akaudzwa Mosesi naMwari, akanyorwa pana Eksodho 3:1-10.
Rimwe zuva Mosesi paaifudza makwai, akaona chimwe chinhu chaishamisa zvikuru, gwenzi raibvira moto asi “rakanga risingatsvi.” (Ndima 2) Ashamiswa, akasvika pedyo kuti anyatsoongorora. Jehovha achishandisa ngirozi, akataura ari pakati pemoto kuna Mosesi achiti: “Usaswedera kuno. Bvisa hwashu dzako mutsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire inzvimbo tsvene.” (Ndima 5) Pafunge, nzvimbo yacho yakatsveneswa nokuti gwenzi raibvira moto raimiririra Mwari mutsvene!
Mwari mutsvene aiva nezvaaida kutaura naMosesi. Mwari akati: “Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” (Ndima 7) Mwari aiona kutambura kwevanhu vake, uye ainzwa kuteterera kwavo. Akanzwisisa kurwadziwa kwavaiita. Ona kuti Mwari akati: “Ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” Rimwe bhuku richitaura nezvemashoko okuti, “ndinonyatsoziva,” rinoti: “Mashoko acho anoreva manzwiro anoita munhu, unyoro, uye tsitsi.” Mashoko aJehovha kuna Mosesi anoratidza kuti iye ndiMwari ane hanya zvikuru.
Mwari aizoitei? Haana kungotarisa achinzwa tsitsi kana kungovanzwira urombo. Zvaakaona nokunzwa zvakamutuma kuti aite chimwe chinhu. Mwari akasarudza kununura vanhu vake kubva muIjipiti uye kuvaendesa “kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Ndima 8) Kuti Jehovha abudise vanhu vake muIjipiti akatuma Mosesi achiti: ‘Budisa vanhu vangu muIjipiti.’ (Ndima 10) Mosesi akaita basa iroro akavimbika akabudisa vaIsraeri muIjipiti muna 1513 B.C.E.
Jehovha haana kuchinja. Vanhu vari kumunamata vanogona kuva nechokwadi chokuti anoona kutambudzika kwavo uye anonzwa kukumbira kwavo rubatsiro. Anonyatsoziva kurwadziwa kwavo. Jehovha haangonzwiri urombo vashumiri vake vakazvipira. Asi Mwari munyoro anonzwa achida kuvabatsira “nokuti iye ane hanya” navo.—1 Petro 5:7.
Nyasha dzaMwari dzinotipa tariro. Achitibatsira, isu vanhu vasina kukwana tinogona kurarama tichitevedzera mitemo yake yakarurama uye yakachena obva atifarira. (1 Petro 1:15, 16) Mumwe mukadzi wechiKristu akanga akaora mwoyo akanyaradzwa nenyaya yaMosesi paakanga ari pagwenzi raibvira moto. Anoti: “Kana Mwari achigona kuti ivhu rive dzvene, saka ndingangove netariro. Pfungwa iyoyo yakandibatsira zvikuru.”
Unoda here kudzidza zvakawanda nezvaMwari mutsvene, Jehovha? Zvinoita kuti uve noukama hwakasimba naJehovha, nokuti “anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:14.