RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 9/1 p. 3
  • Mwari Anovimbisa Kukupa Pfuma Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anovimbisa Kukupa Pfuma Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Anotikomborera Nepfuma Here?
    Mukai!—2003
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 9/1 p. 3

Mwari Anovimbisa Kukupa Pfuma Here?

‘Mwari anoda kuti upfume—uve nemota dzakawanda mugaraji, bhizimisi rinobudirira. Ingotenda maari chete, vhura chikwama chako umupe mari yose yaunayo.’

NDIWO mashoko anogara achitaurwa nemamwe mapoka ezvitendero zviri kuBrazil, maererano nerimwe pepanhau rinodhindwa ikoko. Vakawanda vanokoshesa chaizvo mashoko aya. Paongororo yakaitwa kuUnited States pavanhu vanoti vaKristu, magazini inonzi Time inoti: “Vanhu 61 muzana vaitenda kuti Mwari anoda kuti vanhu vapfume. Uye 31 muzana . . . vakabvuma kuti kana ukapa Mwari mari yako, Mwari anokukomborera neimwe yakawanda.”

Dzidziso dzakadai, dzinowanzonzi dzidziso dzokupfumiswa naMwari, dziri kuwedzera chaizvo kunyanya munyika dziri kuLatin-America, dzakadai seBrazil, uye vanhu vakawanda vari kuenda kumachechi anovimbisa kuti Mwari anokomborera nepfuma. Asi Mwari anombovimbisa here kuti anokomborera vaya vanomushumira nokuvapa pfuma? Vose vaishumira Mwari kare vaiva vakapfuma here?

Ichokwadi kuti muMagwaro echiHebheru, tinowanzoverenga nezvaMwari achikomborera vanhu nokuvapa pfuma. Somuenzaniso, pana Dheuteronomio 8:18, tinoverenga kuti: “Unofanira kuyeuka Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuti uwane pfuma.” Izvi zvaipa vaIsraeri chivimbo chokuti kana vaizoteerera Mwari, aizoita kuti rudzi rwavo rwubudirire.

Zvakadini nevashumiri vaMwari somunhu mumwe nomumwe? Murume akanga akatendeka Jobho akanga akapfuma chaizvo, uye pashure pokunge Satani aita kuti ave murombo, Jehovha akapazve Jobho upfumi hwake “zvapetwa nekaviri.” (Jobho 1:3; 42:10) Uyewo Abrahamu akanga akapfuma. Pana Genesisi 13:2 panoti “akanga ane mapoka ezvipfuwo nesirivha nendarama zvizhinji kwazvo.” Mauto akanga abatana emadzimambo mana oKumabvazuva paakatapa Roti mwana womukoma wake, Abrahamu “akaunganidza varume vake vakarovedzwa, varanda mazana matatu negumi nevasere vakaberekerwa muimba yake.” (Genesisi 14:14) Zvaaiva ne‘varume vakarovedzwa’ 318 vaikwanisa kushandisa zvombo, zvinoratidza kuti mhuri yaAbrahamu yakanga yakakura kwazvo. Kukwanisa kuchengeta mhuri yakakura zvakadaro zvinoratidza kuti aiva murume akapfuma kwazvo, aine zvipfuwo zvakawanda.

Ichokwadi kuti vashumiri vaMwari vakawanda vekare vakadai saAbrahamu, Isaka, Jakobho, Dhavhidhi, Soromoni, kungodudza vashoma chete, vaiva vakapfuma. Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti Mwari achapfumisa munhu wose anomushumira? Ukuwo, zvinoreva here kuti kana munhu ari murombo haasi kukomborerwa naMwari? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe