RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 10/15 p. 32
  • Wakaronga Nguva Yokudzidza Bhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakaronga Nguva Yokudzidza Bhaibheri Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Rubatsiro Kumhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kudzidza Bhaibheri Uri Woga Uye Semhuri Kunokosha!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 10/15 p. 32

Wakaronga Nguva Yokudzidza Bhaibheri Here?

GORE rapera Dare Rinodzora rakazivisa nezvokuchinja kwaizoita misangano yeungano, zvichizoita kuti pave nenguva yakawanda yokudzidza nokukurukura Bhaibheri semhuri. Kana uri musoro wemba, iva nechokwadi chokuti mune zuva ramakaronga rokudzidza Bhaibheri semhuri nemudzimai wako nevana, zvichienderana nezvichabatsira mumwe nomumwe wenyu. Vaya vakaroorana asi vasina vana vanofanira kushandisa nguva iyi kudzidza Bhaibheri pamwe chete. Vaya vasati vava nemba kana kuti vasina vanhu vavanochengeta vachakwanisa kushandisa nguva iyi zvakanaka kuti vadzidze Bhaibheri vari voga.

Vakawanda vakatenda chaizvo urongwa hwokuva nemanheru oKunamata Kwemhuri. Somuenzaniso Kevin, mumwe mukuru muungano, akanyora kuti: “Hatizivi kuti tingakuongai sei nokuda kwourongwa uhwu. Sevakuru, takakurukura mashandisiro atingaita usiku uhwu kuti tinyatsoita chaizvo zvakataurwa neDare Rinodzora, zvokudzidza nemhuri dzedu.”

Jodi, mudzimai womumwe mukuru muungano, akanyora kuti: “Tine vanasikana vatatu, mumwe ane makore 15, mumwe 11 uye mumwe 2. Munguva pfupi ichangopfuura takatanga kupinda neungano yemutauro wemasaini. Zvinoda nguva yakawanda kuti tigadzirire misangano yose. Kuchinja kwakaita misangano uku kwakaita kuti tive nemamwe manheru okudzidza semhuri!”

John naJoAnn, mapiyona enguva dzose akaroorana vakanyora kuti: “Kazhinji taidzidza Bhaibheri semhuri apo neapo nokuti taiva nezvimwe zvakawanda zvokuita zvine chokuita nokunamata. Kana tikashandisa nguva yacho maererano nezvinofanira kuitwa, urongwa uhwu hutsva chipo chaicho chinobva kuna Jehovha chinosimbisa pane zvokunamata.”

Mumwe mukomana ane makore okuma20 anonzi Tony anodzidza manheru eChipiri oga oga. Anoshandisa mamwe mazuva kuti agadzirire misangano yeungano. Zvisinei, Tony anoti, “Chipiri chinotondinonokera.” Nei? “Manheru iwayo ndiyo nguva inokosha yandinodzidza nezvaJehovha.” Tony anotsanangura kuti: “Kwemaawa anenge maviri, ndinodzidza nyaya dzinosimbisa ukama hwangu naJehovha. Kuva nenguva yakawanda yokudzidza kunoita kuti ndifungisise ndima dzeBhaibheri dzandinenge ndaverenga.” Zvinobatsirei? “Mazano aJehovha ari kudzika midzi mumwoyo wangu kupfuura zvandaiita kare.” Pane zvaanoona zvinoratidza kuti mazano aya ari kudzika midzi here? “Mubhuku raInsight, ndakaverenga nezveushamwari hwaDhavhidhi naJonatani. Ndakadzidza zvakawanda nezvaJonatani pamusoro pokusazvitsvakira zvakangomunakira. Zvaakaita zvakaita kuti ndinyatsoona zvazvinoreva kuva shamwari yechokwadi. Ndinotarisira kuti ndicharamba ndichiwana zvimwe zvinhu zvinokosha pandinodzidza manheru eChipiri.”

Hapana mubvunzo kuti vashumiri vaJehovha vose vachabatsirika zvikuru kana vakashandisa zvakanaka mukana wavapo wokudzidza Bhaibheri uye kunamata kwemhuri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe