Nhema 5: Mariya Ndiye Amai Vamwari
Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?
“Kunamatwa kwaamai vaMwari kwakawedzera . . .ruzhinji rwevahedheni parwakatendeuka ruchipinda muchechi. . . . Zvavaitenda uye kuziva kuti vaifanira kunamata [vahedheni vakanga vatendeuka kuva vaKristu] zvakanga zvavapo kwezviuru zvemakore kuburikidza nerimwe boka rechitendero ramwarikadzi aiva ‘amai vakuru’ uye ‘mwari mhandara.’”—The New Encyclopædia Britannica (1988), Volume 16, peji 326 uye 327.
Bhaibheri rinotii?
“Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. . . . Saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.”—Ndisu tatsveyamisa mabhii; Ruka 1:31-35, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Ndima yacho yeMagwaro inoratidza zvakajeka kuti Mariya aiva amai ve“Mwanakomana waMwari,” kwete Mwari. Angave aive akatakura Munhu ‘aisakwana kunyange mumatenga’ here? (1 Madzimambo 8:27) Haana kumbotaura izvozvo. Dzidziso yoUtatu ndiyo yakaita kuti vanhu vasanyatsoziva Mariya. Nokumuti Theotokos (shoko rechiGiriki rinoreva kuti, “Mutakuri waMwari”), kana “Amai vaMwari,” Council of Ephesus, muna 431 C.E., yakaita kuti Mariya anamatwe. Muguta reEfeso maiitirwa dare racho, kwemazana emakore mainamatwa mifananidzo chaizvo uye maipembererwa mwarikadzi wembereko ainzi Atemisi.
Saka zvinhu zvakawanda zvaiitwa pakunamata mufananidzo waAtemisi “wakadonha uchibva kudenga,” zvakadai sepakufora, zvakabatanidzwawo pakunamata Mariya. (Mab. 19:35) Imwe tsika yakapinda mudzidziso yechiKristu yaiva yokushandiswa kwemifananidzo yaMariya nemimwewo pakunamata.
Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Mateu 13:53-56; Mako 3:31-35; Ruka 11:27, 28
CHOKWADI:
Mariya aiva amai veMwanakomana waMwari, kwete vaMwari. Dzidziso yenhema yoUtatu yakaita kuti Mariya anamatwe saAmai vaMwari