RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 136
  • Mariya Ndiamai vaMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mariya Ndiamai vaMwari Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Nhema 5: Mariya Ndiye Amai Vamwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mariya (Amai vaJesu)
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 136
Mariya aina Jesu achiri kacheche

Mariya Ndiamai vaMwari Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Aiwa, Bhaibheri haridzidzisi kuti Mariya ndiamai vaMwari uyewo haritauri kuti vaKristu vanofanira kukudza kana kuti kunamata Mariya.a Chimbofunga izvi:

  • Mariya haana kumbotaura kuti aiva amai vaMwari. Bhaibheri rinotaura kuti akabereka “Mwanakomana woWokumusorosoro” kana kuti “Mwanakomana waMwari,” kwete Mwari pachake.—Ruka 1:32, 35.

  • Jesu Kristu haana kumbotaura kuti Mariya aiva amai vaMwari uye kuti vanhu vaifanira kumukudza. Akatotsiura mukadzi aikudza Mariya nekuda kwekumubereka kwaakaita, achiti: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:27, 28.

  • Mashoko ekuti “Amai vaMwari” uye “Theotokos” (Mutakuri waMwari) haawaniki muBhaibheri.

  • Mashoko ekuti “Mambokadzi Wekudenga” muBhaibheri haatauri nezvaMwari asi vanamwarikadzi venhema vainamatwa nevaIsraeri vakanga vatsauka. (Jeremiya 44:15-19) “Mambokadzi Wekudenga” anogona kunge aiva mwarikadzi wevaBhabhironi ainzi Ishtar (Astarte).

  • VaKristu vekutanga vakanga vasinganamati Mariya, kana kumuremekedza zvakapfurikidza. Mumwe munyori wenhoroondo yezvakaitika kare akati vaKristu vekutanga “vaizoramba chero kachitendero kaigona kumuka uye vanogona kunge vaityira kuti kuremekedza Mariya zvakapfurikidza kwaizoita kuti vamwe vafunge kuti vainge vava kutomuona samwarikadzi.”—Rinodaro bhuku rinonzi In Quest of the Jewish Mary.

  • Bhaibheri rinoti Mwari akagara ariko. (Pisarema 90:1, 2; Isaya 40:28) Sezvo asina paakatangira, haangavi naamai. Uyewo zvanga zvisingaiti kuti Mariya atakure Mwari mudumbu rake nekuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari haatokwani kunyange mumatenga.—1 Madzimambo 8:27.

Mariya ndiamai vaJesu kwete “Amai vaMwari”

Mariya aiva muJudha uye aiva wedzinza raDhavhidhi. (Ruka 3:23-31) Aifarirwa naMwari nekuti aiva nekutenda uye ainge akazvipira kwaari. (Ruka 1:28) Mwari akamusarudza kuti ave amai vaJesu. (Ruka 1:31, 35) Mariya nemurume wake Josefa vakazova nevamwe vana.​—Mako 6:3.

Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti Mariya akazova mudzidzi waJesu, hapana zvimwe zvakawanda zvinotaurwa nezvake.—Mabasa 1:14.

Nei vamwe vachiti Mariya ndiamai vaMwari?

Uchapupu hwakawanikwa hunoratidza kuti Mariya akatanga kunamatwa makore ekuma300 C.E. ava kunopera. Panguva iyi chechi yeRoma ndipo payakatanga kunzi ndiyo chechi yaifanira kunamatwa nenyika dzese dzaitongwa neRoma. Izvi zvakaita kuti vakawanda vaiva vahedheni vazviti vava vaKristu. Chechi yakanga yava kutendawo mudzidziso isiri muBhaibheri yeUtatu.

Dzidziso yeUtatu yakaita kuti vakawanda vaiva muchechi vafunge kuti kana Jesu ari Mwari, Mariya ndiamai vaMwari. Muna 431 C.E., vatungamiriri vechechi muEfeso vakazivisa zviri pamutemo kuti Mariya aiva “Amai vaMwari.” Chisarudzo ichi chakaitwa nevatungamiriri vechechi kuEfeso chakaita kuti vanhu varemekedze Mariya zvakanyanyisa. Vanhu vaimbova vahedheni pavakabatana nechechi, vakatanga kushandisa zvidhori nemifananidzo yaMariya uye vakatanga kusiyana navanamwarikadzi vavo vainzi vaibatsira pakubereka, vakadai saAtemisi (anodanwa kuti Diana nevaRoma) uye Isis.

Muna 432 C.E., Pope Sixtus III akapa murayiro wekuti pave nechechi inovakwa muRoma kuitira kukudza “Amai vaMwari.” Yakavakirwa pedyo nepaimbova netemberi yakanga yavakirwa kukudza Lucina, mwarikadzi wekubereka wevaRoma. Mumwe munyori akatsanangura chechi iyi achiti “chiratidzo chichagara kwenguva refu chekuchinja kwaAmai Vakuru vetwuzvitendero twevahedheni twuchibatana nechitendero chaMariya, pashure pekunge Roma yagamuchira chiKristu.”—Rinodaro bhuku rinonzi Mary—The Complete Resource.

a Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti Mariya ndiamai vaMwari. Vanomuti “Mambokadzi Wekudenga” kana kuti Theotokos, shoko rechiGiriki rinoreva kuti “Mutakuri waMwari.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe