Kutambura Zvakuri Munyika Yose, Kunodawo Kugadziriswa Munyika Yose
VANHU vari kutambura kwose kwose, uye vakawanda vanobatsira vaya vanotambura. Somuenzaniso vanoshanda muzvipatara vanoshanda maawa akawanda vachibatsira vanorwara kana vanenge vakuvara. Vanodzima moto, mapurisa, vanodzika mitemo, uye vanonunura vanhu panjodzi vanoedza kupedza kutambura uye kuita kuti vamwe vasatambura. Zvavanoita izvozvo zvinobatsira vanhu chaizvo, asi hapana munhu kana sangano rinogona kupedza kutambura munyika yose. Asi Mwari anokwanisa uye achapedza kutambura munyika yose.
Vimbiso iyi inowanika mubhuku rokupedzisira reBhaibheri: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Chimbofunga kuti vanhu vakawanda sei vachabatsirwa nevimbiso iyi. Vimbiso yacho inotsanangura muchidimbu chinangwa chaMwari chokugumisa kutambura kwose. Achazviita nokubvisa hondo, nzara, zvirwere, uyu kusaruramisira zviri panyika pamwe chete nevanhu vose vakaipa. Hapana munhu anogona kuzviita.
Zvichaitwa noUmambo hwaMwari
Mwari achazadzisa zvaakavimbisa achishandisa munhu wechipiri ane simba kupfuura vose—Jesu Kristu akamutswa. Nguva yokuti Jesu atonge nyika yose ari Mambo pasina anomudzivisa yava kusvika. Vanhu vanenge vasingachatongwe nemadzimambo evanhu, mapurezidhendi, kana kuti nevezvematongerwo enyika. Asi vanenge vava kutongwa naMambo mumwe chete nehurumende imwe chete yoUmambo hwaMwari.
Umambo ihwohwo huchatsvaira hurumende dzose dzevanhu. Kare kare, Bhaibheri rakanga rambotaura kuti: “Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:44) Vanhu vomunyika yose vachabatana vachitongwa nehurumende imwe chete yakarurama yoUmambo hwaMwari.
Jesu paiva munhu panyika pano, akataura kakawanda nezveUmambo ihwohwo. Akataura nezvahwo mumunyengetero wokuenzanisira, achirayira vadzidzi vake kunyengetera seizvi: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Ona kuti Jesu akaratidza kuti Umambo ihwohwo hwakabatana nokuita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika, uye kuti Mwari anoda kubvisa kutambura munyika yose.
Umambo hwaMwari hwakarurama huchaunza zvikomborero zvisina kumbounzwa nehurumende dzevanhu. Yeuka kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake sorudzikinuro kuti vanhu vawane upenyu husingaperi. Umambo uhwu hwakanaka pahunenge hwava kutonga, vanhu vachasvika pakuva vakakwana. Zvozoguma nei? Jehovha “achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.
Vamwe vangabvunza kuti: ‘Nei Mwari asina chaati aita kusvika pari zvino? Ari kumirirei?’ Jehovha angadai akabvisa kutambura kana kuita kuti vanhu vasatambura kare kare. Pane kudaro, akabvumira kuti kutambura kupfuurire, kwete nechikonzero choudyire, asi kuti vana vake vari panyika vabatsirwe nokusingaperi. Vabereki vane rudo vangabvumira kuti vana vavo vamboomerwa kana vachiziva kuti zvichazovabatsira kwenguva refu. Saizvozvowo, pane zvikonzero zvakanaka nei Jehovha akabvumira vanhu kuti vambotambura zvishoma, uye zvikonzero zvacho zvinotsanangurwa muBhaibheri. Zvinosanganisira zvinhu zvakadai sekodzero yokuzvisarudzira, chivi uye nyaya ine chokuita nekodzero yaJehovha yokutonga. Bhaibheri rinotsanangurawo kuti kwekanguva kadiki chisikwa chemudzimu chakaipa chakabvumirwa kutonga nyika.a
Kunyange zvazvo tisina pokunyora pakakwana pamapeji ano kuti titsanangure zvikonzero izvozvo, pane zvinhu zviviri zvechokwadi zvingatipa tariro uye zvingatikurudzira. Chokutanga ndeichi: Jehovha achatikomborera zvikuru kupfuura kutambura kwatingave takaita. Kupfuura izvozvo, Mwari anotivimbisa kuti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isaya 65:17) Mwari achabvisa zvachose uye nokusingaperi kusuruvara uye kutambura kunokonzerwa nokumbobvumira uipi.
Chechipiri: Mwari ane nguva yake yaakatara isingachinji yokugumisa kutambura. Yeuka kuti muprofita Habhakuki akabvunza kuti Jehovha aizobvumira chisimba nokukakavara kusvika rini. Jehovha akapindura kuti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa . . . Hazvizononoki.” (Habhakuki 2:3) Sezvatichaona munyaya inotevera, ‘nguva yakatarwa’ iyoyo yava pedyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko anonyatsoratidza zvikonzero nei Mwari achibvumira kutambura, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 7]
Magwaro Anoratidza Kuti Kune Ramangwana Rakajeka
PANENGE PASISINA HONDO:
“Uyai, onai mabasa aJehovha, maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika. Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”—Pisarema 46:8, 9.
VADIWA VEDU VAKAFA VACHAMUTSWA:
“Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.
VANHU VOSE VACHAVA NEZVOKUDYA:
“Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.
KUNENGE KUSISINA ZVIRWERE:
“Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.
VANHU VAKAIPA VANENGE VASISIPO:
“Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”—Zvirevo 2:22.
RUGARE RUCHAVAPO:
“Tarirai! Mambo [Kristu Jesu] achatonga kuti pave nokururama; uye machinda, achatonga semachinda kuti pave nokururamisira.”—Isaya 32:1.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu zvose zvingave zvakambotitambudza