Dzidzisai Vana Venyu
Jeremiya Haana Kukanda Mapfumo Pasi
UNOMBONZWA wakaora mwoyo uye uchida kukanda mapfumo pasi here?—a Vakawanda vanonzwa saizvozvo. Ndozvakaita Jeremiya paaiva muduku. Zvisinei, haana kurega zvaitaurwa kana kuti zvaiitwa nevamwe zvichimukandisa mapfumo pasi pakushumira Mwari. Ngatimbotaura nezvaJeremiya kuti aikosha zvakadii kuna Mwari, kunyange ainzwa achida kukanda mapfumo pasi.
Jeremiya asati aberekwa, Mwari wechokwadi, Jehovha, akamusarudza kuti ave muprofita aizondonyevera vanhu kuti vakanga vasiri kufadza Mwari. Unoziva here kuti Jeremiya akazoudzei Jehovha makore akazotevera?— “Tarirai handigoni kutaura, nokuti ndinongovawo hangu mukomana.”
Unofunga kuti Jehovha akapindura sei Jeremiya?— Nomutsa asi zvine simba, akati: “Usati, ‘Ndinongovawo hangu mukomana.’ Asi unofanira kuenda kuna vose vandichakutuma kwavari; uye unofanira kutaura zvose zvandichakurayira. Usatya.” Nei aisafanira kutya? “Ini ndinewe kuti ndikununure,” akadaro Jehovha.—Jeremiya 1:4-8.
Kunyange zvakadaro, Jeremiya akazomboora mwoyo. “Ndakava chinhu chinosekwa zuva rose; munhu wose ari kundinyomba,” akadaro. Saka akasarudza kurega. “Handisi kuzotaura nezvake [Jehovha], uye handisi kuzotaurazve nezita rake,” akadaro. Asi akazonyatsokanda mapfumo pasi here?
Jeremiya akati, “Mumwoyo mangu zvakava somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu; ndakaneta nokuramba ndakanyarara, uye handina kukwanisa kuzvitsungirira.” (Jeremiya 20:7-9) Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva Jeremiya aitya, kuda kwaaiita Jehovha hakuna kuita kuti akande mapfumo pasi. Ngationei kuti Jeremiya akadzivirirwa sei nokuti haana kukanda mapfumo pasi.
Jehovha akaudza Jeremiya kuti anyevere vanhu kuti Jerusarema raizoparadzwa kana vaizorega kuchinja mararamiro avo akaipa. Jeremiya paakavanyevera saizvozvo, vanhu vakatsamwa ndokuti: “Murume uyu akafanirwa nomutongo worufu.” Zvisinei, Jeremiya, akavakumbira kuti ‘vateerere inzwi raJehovha.’ Akabva ati: ‘Mukandiuraya, muri kuisa ropa risina mhosva pamuri, nokuti chokwadi Mwari akandituma kuti nditaure nemi.’ Unoziva here chakazoitika?—
Bhaibheri rinoti: “Machinda nevanhu vose vakabva vati kuvapristi nokuvaprofita: ‘Hapana mutongo worufu wakafanira murume uyu, nokuti ataura kwatiri achishandisa zita raJehovha Mwari wedu.’” Saka Jeremiya haana kukandiswa mapfumo pasi nokutya, Jehovha akamudzivirira. Regai tione zvakaitika kuna Urija, mumwe aivawo muprofita waJehovha, akaita zvakasiyana naJeremiya.
Bhaibheri rinoti, ‘Akaramba achiprofitira guta reJerusarema maererano nemashoko ose aJeremiya.’ Asi Mambo Jehoyakimu paakatsamwira Urija, unoziva here zvakaitwa naUrija?— Akatya, ndokurega kuita zvaidiwa naMwari, uye akatizira kuIjipiti. Saka mambo akatuma varume ikoko kunomutsvaga uye kuti vadzoke naye. Pavakadaro, unoziva here zvakaitwa namambo uyu akaipa?—Akauraya Urija nebakatwa!—Jeremiya 26:8-24.
Nei Jeremiya akadzivirirwa naJehovha asi Urija asina?— Ichokwadi kuti Jeremiya angave aitya sezvaiita Urija, asi Jeremiya haana kurega kushumira Jehovha uye kutiza. Haana kukanda mapfumo pasi. Ungati chii chatinodzidza kubva pane zvakaitwa naJeremiya?— Kuti dzimwe nguva tingaona zvakaoma kuita zvatinokumbirwa naMwari, asi nguva dzose tinofanira kuvimba naye tomuteerera.
a Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye ukurudzire mwana kuti ataurewo.