Mambo Dhavhidhi Aive Nyanzvi Yemimhanzi
HAKUNA rimwe zita muBhaibheri rinotiyeuchidza nezvemimhanzi kupfuura raDhavhidhi, murume anozivikanwa zvikuru akararama makore anenge 3 000 akapfuura. Kutaura zvazviri, tinoziva zvakawanda nezvemimhanzi yaiimbwa kareko kubva pane yakanyorwa naDhavhidhi muBhaibheri—kubva panguva iya yaaiva mufudzi kusvikira paakava mambo uye munhu anogona kuronga.
Tinogona kudzidza zvakawanda pamimhanzi iri muBhaibheri nokuna Dhavhidhi. Somuenzaniso, vaishandisa zviridzwa zvorudzii, uye vaiimba nziyo dzorudzii? Mimhanzi yaishanda sei muupenyu hwaDhavhidhi, uye pamwero mukuru kurudzi rwevaIsraeri?
Basa Remimhanzi muIsraeri Yekare
Kuimba mashoko erwiyo kunowanzoyeuchidza nezvemutinhimira unenge uripo. MuBhaibheri mune mashoko enziyo dzakawanda asi dzisingazivikanwi kuti dzaiimbwa sei. Inofanira kunge yainakidza, kunyange kutobaya mwoyo. Madetemberwe emhando yepamusoro akaitwa bhuku reMapisarema anoratidza kuti mimhanzi yacho yaiva yakanaka kwazvo.
Bhaibheri rinongotaura zvishoma chete nezvezviridzwa zvaishandiswa. (Ona bhokisi rinoti “Zviridzwa Zvaishandiswa Munguva Inotaurwa muBhabheri.”) Kunyange mhando yorudimbwa rwaishandiswa naDhavhidhi hainyatsozivikanwi. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakagadzira zviridzwa zvakawanda, kusanganisira rudimbwa runokosha rusingachawanzooneki.—2 Makoronike 9:11; Amosi 6:5.
Zvisinei, pane chinhu chimwe chete chechokwadi. Mimhanzi yaikosha chaizvo muupenyu hwevaHebheru, kunyanya pavainamata Mwari. Mimhanzi yaiimbwa paigadzwa madzimambo, yaishandiswa mumhemberero dzechitendero, uye munguva yehondo. Yaiita kuti vanhu vaiva pamizinda yemadzimambo nepamichato vafare uyewo kunyange paiungana mhuri. Uye yaizorodza paiitwa mitambo yemazambiringa neyekukohwa zviyo. Hazvifadzi hazvo kuti mimhanzi yaishandiswawo munzvimbo dzaiitirwa zvakaipa. Paifa munhu, mimhanzi yainyaradza vapenyu.
MuIsraeri, yaishandiswawo mune zvimwe. Zvaizivikanwa kuti mimhanzi yaiita kuti pfungwa dzevaprofita dzigadzirire uye dzide kugamuchira zvinhu zvokunamata. Erisha akawana mirayiridzo yakabva kuna Jehovha pakaridzwa chiridzwa chine tambo. (2 Madzimambo 3:15) Mimhanzi yaishandiswawo kuratidza zviitiko zvinokosha. Mwaka mitsva nemhemberero zvaiziviswa nokuridzwa kwemabhosvo maviri esirivha. Pazuva reJubheri, kurira kwehwamanda kwaizivisa kusunungurwa kwevaranda uye kudzoswa kweminda nedzimba kuvaridzi vazvo vainge vambozvitorerwa. Varombo ivavo vanofanira kunge vaifara chaizvo pavainzwa mimhanzi yokuzivisa kusunungurwa kwavo nokudzorerwa kwezvinhu zvavo!—Revhitiko 25:9; Numeri 10:10.
Vamwe vaIsraeri vanofanira kunge vaigona kuimba chaizvo. Kutaura zvazviri, mufananidzo waMambo Saniheribhi wokuAsiriya uri pamudhuri unotoratidza achikumbira muripo kuna Mambo Hezekiya wevaimbi vechirume nechikadzi. Zvinoita sokuti vaiva nyanzvi chaidzo. Asi panyanzvi dzose dzokuimba Dhavhidhi ndiye aipfuura vose.
Muimbi Aishamisa
Dhavhidhi aishamisa pakuti aiimba uye aidetemba. Zvinonzi ndiye akanyora inopfuura hafu yemapisarema. Paaiva mukomana, aiva mufudzi, uye pfungwa dzake dzakapinza dzakanga dzizere nezvaaiona kumafuro eBhetrehema. Aiziva kufadza kwazvinoita kuteerera kushoshoma kwenzizi uye kubararadza kwemakwai achiteerera inzwi romufudzi wawo. Abayiwa mwoyo “nemimhanzi” yaibudiswa nezvinhu zvainge zvakamupoteredza, aibva atora rudimbwa rwake otanga kuimba achirumbidza Mwari. Zvinofanira kunge zvainakidza chaizvo kunzwa mimhanzi yakanyorwa naDhavhidhi iri muPisarema 23!
Paaiva jaya, Dhavhidhi airidza rudimbwa zvainwisa mvura zvokuti akanzi aikwanisa kuridzira mambo Sauro, uyo akamutora kuti amushandire. Sauro paakanga achinetseka mupfungwa, Dhavhidhi akaenda kwaari ndokumuridzira mimhanzi norudimbwa rwake yakazorodza mwoyo wamambo. Pfungwa dzakaipa dzaiva naSauro dzakapera, uyewo haana kuzoshungurudzwa.—1 Samueri 16:16.
Mimhanzi yaidiwa naDhavhidhi kwazvo uye yaimupa mufaro, dzimwe nguva yaikonzera matambudziko. Rimwe zuva, Dhavhidhi naSauro pavakadzoka kubva kuhondo vakunda vaFiristiya, mambo akanzwa nziyo dzokukunda uye kufara dzichiimbwa. Vakadzi vaiimba vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvake.” Sauro paakanzwa izvi akatsamwa kwazvo uye akava negodo zvokuti “akaramba achitarira Dhavhidhi achinyumwira kubvira pazuva iroro zvichienda mberi.”—1 Samueri 18:7-9.
Mimhanzi Yaikurudzira Dhavhidhi
Mimhanzi yakanyorwa naDhavhidhi yaitaura nezvaMwari yaive iri yemhando yepamusoro. Nziyo dzake dzinosanganisira mapisarema anoda kufungisisa uye okufudza. Aisanganisira mashoko okurumbidza uye enhoroondo dzezvinhu zvainge zvakaitika kare, omufaro wemunguva yokukohwa kusvika kumufaro wokutsaurirwa kwetemberi, okuyeuka zvakaitika kare kusvika kune etariro, okukumbira kusvika kune okuteterera. (Ona Mapisarema 32, 23, 145, 8, 30, 38, 72, 51, 86 nemashoko awo epamusoro.) Pakafa Sauro nemwanakomana wake Jonatani, Dhavhidhi akanyora rwiyo rwemariro, rwainzi “Rwiyo rwoUta,” rwaitanga nemashoko aiti: “Haiwa iwe Israeri, runako rwaurayirwa munzvimbo dzako dzakakwirira.” Akaimba zvichiratidza kuti aive akaora mwoyo. Dhavhidhi aiziva kutaura achibudisa manzwiro akasiyana-siyana, nemashoko kana kuti achiita zvokuimba achishandisa rudimbwa rwake.—2 Samueri 1:17-19.
Dhavhidhi zvaaive munhu aifara, aifarira mimhanzi yaiita kuti munhu apombonoke, ine mutinhimira kwazvo. Paakaunza areka yesungano kuZioni, akasvetuka ndokutamba nesimba rake rose achipemberera chiitiko chacho. Nhoroondo yacho yeBhaibheri inoratidza kuti mumhanzi wacho unofanira kunge wainakidza chaizvo. Unogona kufungidzira here zvaiitika? Akashorwa nomudzimai wake, Mikari. Asi Dhavhidhi haana kuita basa nazvo. Aida Jehovha, uye mumhanzi uyu, waiita kuti anzwe manyukunyuku nomufaro, wakaita kuti asvetuke achitambira Mwari wake.—2 Samueri 6:14, 16, 21.
Zvichiita sokuti akanga asina kugutsikana nezvose izvi, Dhavhidhi akazvisiyanisa nevamwe nokugadzira zviridzwa zvitsva. (2 Makoronike 7:6) Chaizvoizvo, Dhavhidhi aifanira kunge aiva nyanzvi pakugadzira zviridzwa, kudetemba, kunyora nekuimba. Zvisinei, Dhavhidhi akatoitawo zvimwe zvinhu zvinonwisa mvura.
Kuimba Uye Mimhanzi Yepatemberi
Dhavhidhi ndiye akatanga uye akasiya nhaka yokuimba nokuronga zvemimhanzi muimba yaJehovha. Akaronga kuti Asafi, Hemani naJedhutuni (angadaro ainziwo Etani) vatungamirire boka revaimbi 4 000. Dhavhidhi akaitawo kuti vashande nenyanzvi 288 dzaidzidzisa nekutarisira boka rose. Pamhemberero huru nhatu dzaiitwa gore negore patemberi, vanhu vose ava 4 000 vaiimba nekuridza zviridzwa vaiunganawo vachiimba. Chimbofungidzira kuremekedzeka kwaita kwaya iyoyo yaiimba zvainwisa mvura!—1 Makoronike 23:5; 25:1, 6, 7.
Varume chete ndivo vaiimba patemberi. Chirevo chokuti, ‘Rwiyo Rwevasikana’ chiri mumashoko epamusoro muPisarema 46, chinopa pfungwa yemanzwi matete kana kuti yechiridzwa chinobudisa mutinhimira mutetetete. Manzwi avo aipindirana, sezvinoratidzwa pana 2 Makoronike 5:13: ‘Inzwi revaimbi vacho rainzwika soremunhu mumwe chete.’ Nziyo dzacho dzingangove dzaiimbwa nemagitare, zvakadai sedziri muPisarema 3 uye mamwe mapisarema akawanda aDhavhidhi, uye dzimwe nguva dzaisanganisira mashoko okuora mwoyo, sedziri muPisarema 42:5, 11 uye 43:5. Nziyo dzaiva nemakwaya kana kuti vashauri vaiimba vachidairirwa nevamwe, dzaifarirwa chaizvo. Ndiwo maimbirwo akaitwa Pisarema 24, uye hapana mubvunzo kuti rakanyorwa panguva iya Dhavhidhi yaakaunza areka yesungano kuZioni.—2 Samueri 6:11-17.
Zvisinei, vaRevhi vakanga vasiri ivo chete vaiimba. Vanhu vose vaiimbawo panguva yavaienda kuJerusarema kumitambo yaitwa gore negore. Zvichida izvi ndizvo zvinorehwa nemashoko okuti ‘Rwiyo Rwokukwira kuJerusarema.’ (Pisarema 120 kusvika ku134) Somuenzaniso, muPisarema 133, Dhavhidhi akarumbidza ukama uhwo vaIsraeri vakaravidza panguva iyoyo. Anotanga nemashoko anoti: “Tarirai! Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” Edza kufungidzira mimhanzi yairidzwa paiimbwa rwiyo urwu!
Mimhanzi Yaishandiswa Pakunamata Jehovha
Chikamu gumi muzana cheBhaibheri inziyo dzokurumbidza, uye bhuku rePisarema rinokurudzira vanhu vose kurumbidza Mwari. (Pisarema 150) Mimhanzi ine simba rokuita kuti munhu akanganwe matambudziko oupenyu, uye kuimba kunogona kushanda semushonga unorapa mwoyo yakakuvadzwa. Zvisinei, Bhaibheri rinokurudzira vaya vanenge vachifara kuti vaimbe mapisarema.—Jakobho 5:13.
Munhu anogona kuratidza kuti anotenda uye kuti anoda Mwari nokuimba. Jesu asati aurayiwa, iye nevaapostora vake vakaimba pavakapedza kudya. (Mateu 26:30) Mwanakomana waDhavhidhi uyu anofanira kunge aive neinzwi rakanaka kwazvo—aiziva kuimba kwevanakomana vaMwari vokudenga! Kunenge kuti vaiimba Hareruya, Pisarema 113 kusvika 118. Kana zvakadaro, paaiva nevaapostora, vakanga vasingazivi zvose zvakanga zvoda kuitika, Jesu anofanira kunge aiimba nenzwi guru: “Ndinoda, nokuti Jehovha anonzwa Inzwi rangu, kuteterera kwangu. . . . Tambo dzorufu dzakandikomba Uye mamiriro ezvinhu anotambudza eSheori akandiwana. . . . ‘Aa, Jehovha, pukunyutsai mweya wangu!’”—Pisarema 116:1-4.
Vanhu havasi ivo vakatanga zvemimhanzi. Bhaibheri rinoratidza kuti kudenga kunoimbwa uye kuti kune zvisikwa zvomudzimu zvinoridza rudimbwa rwokufananidzira uye zvinoimba zvakatenderedza chigaro chaJehovha. (Zvakazarurwa 5:9; 14:3; 15:2, 3) Jehovha Mwari akapa vanhu mimhanzi, akaita kuti mumwoyo yavo ide mimhanzi uye vave nechido chisingadzivisiki chokutaura zvavanofunga nokuridza zviridzwa zvokuimbisa kana kuti nokuimba. Kutaura zvazviri, kumunhu ane kutenda mimhanzi chipo chinobva kuna Mwari.—Jakobho 1:17.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
“Pazuva ramunofara nepamwaka yemitambo yenyu . . . munofanira kuridza mabhosvo.”—NUMERI 10:10
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]
“Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.
Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; Anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji.”—PISAREMA 23:1, 2
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
‘Vaiva zviuru zvina sevarumbidzi vaJehovha vachiridza zviridzwa zviya zvakanzi naDhavhidhi, Ndakazvigadzirira kurumbidza.’—1 MAKORONIKE 23:4, 5
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
Dhavhidhi aibudisa manzwiro ake nenzira dzakasiyana-siyana, achishandisa mashoko kana kuti achiita zvokuimba
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Rumbidzai Jah! Murumbidzei negandira nokutamba muchitenderera. chose chinofema—ngachirumbidze Jah.”—PISAREMA 150:1, 4, 6
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28]
Zviridzwa Zvaishandiswa Munguva Inotaurwa muBhaibheri
Zviridzwa zvine tambo zvaisanganisira zvaiva netambo nhatu, rudimbwa, uye zvaiva netambo gumi. (Pisarema 92:3) Zvaigadzirwa kuti zvirire seAramoti uye seSheminiti, mashoko angave achiratidza gitare rinobudisa mutinhimira wakakwirira newakaderera. (1 Makoronike 15:20, 21, mashoko omuzasi) Zviridzwa zvaive zvakagadzirwa nebhurasi uye zvokufuridza zvaisanganisira mutopota, nyere, hwamanda, nemabhosvo, zvairidzwa ‘zvainzwika kwazvo.’ (2 Makoronike 7:6; 1 Samueri 10:5; Pisarema 150:3, 4) Pakatsaurirwa temberi, mabhosvo nevaimbi zvakaita kuti ‘manzwi acho anzwike senzwi romunhu mumwe chete.’ (2 Makoronike 5:12, 13) Izvi zvinoratidza kuti zvingangove zvairira zvakafanana uye kuti painge pasina dhisikodhi. Zviridzwa zvinenge ngoma zvaisanganisira makandira nematare anoridzwa, nezvimwewo zvinoridzwa, kusanganisira “zviridzwa zvemarudzi ose zvomuti womujunipa.” Paivawo nemakwakwakwa esimbi—madiki ‘airira zvinonakidza.’—2 Samueri 6:5; Pisarema 150:5.
[Mifananidzo]
Pamusoro: Mifananidzo yakabva kuArc of Titus, Rome, Italy, iri kuratidza mabhosvo akatorwa kutemberi yokuJerusarema muna 70 C.E. Mari yekare yokuma130 C.E., ichiratidza zviridzwa zvevaJudha
[Kwazvakatorwa]
Coins: © 2007 by David Hendin. All rights reserved.