Ichokwadi Kuti Bhaibheri iShoko raMwari Rakafuridzirwa
PAURO aimborevei chaizvo paakati Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari’? (2 Timoti 3:16) Pauro, paakanyora nechiGiriki mashoko aya, akashandisa shoko rinoreva kuti “Mwari akafemera.” Pauro aireva kuti Mwari achishandisa mudzimu wake mutsvene akatungamirira vanyori veBhaibheri kuti vangonyora zvinhu zvaaida kuti vanyore.
Muapostora Petro akati vanyori veBhaibheri ava, “vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:21) Saka, muapostora Pauro aigonawo kurondedzera mabhuku eBhaibheri se“zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu.”—2 Timoti 3:15.
Vanhu vakawanda vanonyatsoramba kuti Mwari haasi iye akanyora Bhaibheri. Nezvevatsoropodzi, nyanzvi yokuchera matongo inonzi Sir Charles Marston yakati “vakaramba vasingaremekedzi zvinotaurwa neBhaibheri” zvokuti vakatsoropodza Bhaibheri vachiti harina kuvimbika. Vamwe vanoriramba vachiti rinongova zvaro “bhuku rengano.”
Chimbofunga Nezveuchapupu Uhwu
Saka Bhaibheri rinogona kuvimbwa here? Zvinokosha kuti usarudze zvakarurama panyaya iyi. Nei? Nokuti kana mashoko ari muBhaibheri akabva kuna Mwari, hungava upenzi kana kuti zvinotova nengozi kusambofunga nezvaro. Chido chako chokuti rikutungamirire pane zvaunoita nezvaunotenda chinogona kuderera kana ukangoona mashoko aro seevanhu pane kuva Shoko raMwari.—1 VaTesaronika 2:13.
Ungasarudza sei kuti uvimbe neBhaibheri? Ungasarudza sei kuvimba nevanhu vaunosangana navo? Chokwadi ndechokuti zvakaoma chaizvo kunyatsovimba nomunhu wausinganyatsozivi. Paunozonyatsoziva vanhu nokufamba kwenguva ndipo paunozoona kuti vakavimbika here zvechokwadi. Ndiwo maziviro aunogona kuita Bhaibheri. Usangobvuma mashoko okufungidzira anotaurwa kana dzidziso dzisina padzakavakirwa dzinoita kuti usavimba neBhaibheri. Wana nguva yokuongorora uchapupu hunotsigira zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti ‘rakafuridzirwa naMwari.”
Bhaibheri Rinotsoropodzwa “Neshamwari” Dzaro
Usatadziswa kuongorora Bhaibheri nechikonzero chokuti kunyange vaya vanozviti i“shamwari” dzeBhaibheri vanoriti harisi rechokwadi uye harina kuvimbika. Mazuva ano, vakawanda vanotaura nezveBhaibheri kunyange zvazvo vachiti vaKristu, “vanotaura nezveMagwaro vachiti akanyorwa nevanhu,” rinodaro duramazwi rinonzi New Dictionary of Theology.
Vakawanda vanoongorora zvechitendero vanokakavadzana nezvevanhu vakanyora mabhuku eBhaibheri. Somuenzaniso, vamwe vanoti, muprofita Isaya haana kunyora bhuku raIsaya. Vanoti bhuku iri rakanyorwa papera makore akawanda Isaya afa. Bhuku rinonzi Concise Bible Commentary, rakanyorwa naLowther Clarke rinototi bhuku iri “rakanyorwa nevanhu vakawanda uye vezvizvarwa zvakawanda.” Asi mashoko aya anorerutsa chokwadi chokuti Jesu Kristu nevadzidzi vake vakadzokorora mashoko airatidza kuti Isaya ndiye akanyora bhuku iri.—Mateu 3:3; 15:7; Ruka 4:17; Johani 12:38-41; VaRoma 9:27, 29.
Zvakatoipisisa ndezvokuti vanotsoropodza Bhaibheri, vakadai saJ. R. Dummelow vanoti uprofita huri mubhuku raDhanieri “hunongova nhoroondo yezvinhu zvakaitika kare hwakanyorwa nemunyori achiita sokuti uprofita.” Apazve, vanongoramba uchapupu hwaJesu Kristu pachake. Jesu akanyevera nezve“chinhu chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa, chakataurwa nezvacho pachishandiswa muprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene.” (Mateu 24:15) Zvine musoro here kuti muKristu atende kuti Jesu Kristu pachake aizonyengerwawo, kuti aizotsigira nhoroondo yezvakaitika kare yakazonyorwa sokunge kuti uprofita? Chokwadi akanga asingazombodaro.
Zvine Zvazvinobatsira Here Kuziva Akanyora Bhaibheri?
Ungabvunza kuti, “Asi zvine zvazvinombobatsira here kuziva akanyora mabhuku eBhaibheri?” Hungu zvinobatsira chaizvo. Ungavimba negwaro rinoratidza kuti ndiyo wiri yokupedzisira uye ine mashoko akataurwa neshamwari asi zvikazooneka kuti haasi iye akainyora here? Ngatiti nyanzvi dzakakuudza kuti ndeyekunyepera, uye kuti shamwari dzine vavariro yakanaka ndidzo dzakanyora zvadzaifunga kuti ndizvo zvaidiwa neshamwari yako. Izvozvo hazvingaiti kuti gwaro racho risakosha here? Ungava nechivimbo here negwaro racho kuti riri kutaura zvaiva pamwoyo peshamwari yako?
Ndizvo zvakaita Bhaibheri. Hazvishamisi kuti vanhu vakawanda kwazvo kunyange vaya vanozviti vaKristu—havazezi kusashandisa zvarinotaura panyaya dzokuvimbika, dzepabonde, uye zvichingodaro. Kangani kawakanzwa vanhu vachiti, “Ah, asi izvo zviri muTestamende Yekare!”—sokunge kuti hainyanyi kukosha. Uye vanoita izvi pasinei nokuti muapostora Pauro akarondedzera Testamende Yekare achiiti “zvinyorwa zvitsvene” ‘zvakafuridzirwa naMwari.’
Ungapikisa uchiti, “Chokwadi haungaregi kufunga nezveuchapupu hunotaurwa nenyanzvi dzose.” Hungu haufaniri hako kurega kufunga nezvazvo! Somuenzaniso, tinoonga chaizvo nyanzvi dzakavimbika dzakatibatsira kuona ndima dzeBhaibheri dzepakutanga. Zviri pachena kuti pane zvishomanana zvakakanganisika mundima dzeBhaibheri paraikopwa mumazana ose emakore aya. Kunyange zvakadaro yeuka kuti: Kuziva kuti pane zvishoma zvakanganisika paikopwa Bhaibheri nokuramba Bhaibheri rose sebhuku rakanyorwa nevanhu zvinhu zviviri zvakatosiyana zvikuru.
Ramba Uchitenda “Zvinyorwa Zvitsvene”
Nguva pfupi asati ataura kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, Pauro akanga audza Timoti kuti nei rugwaro irworwo rwakafuridzirwa rwaikosha. “Mumazuva okupedzisira,” akadaro, “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Timoti 3:1, 13) Mumazuva aPauro, ‘vanhu vaiita sevakangwara’ vakanga vava kutoshandisa “mashoko okunyengetedza” kutsausa vanhu uye kuita kuti vasanyanya kutenda muna Jesu Kristu. (1 VaKorinde 1:18, 19; VaKorose 2:4, 8) Achida kumudzivirira, muapostora Pauro akakurudzira Timoti kuti ‘arambire pazvinhu zvaakadzidza kubvira paucheche nezvinyorwa zvitsvene.’—2 Timoti 3:14, 15.
Zvinokosha kuti uitewo saizvozvo ‘mumazuva ano okupedzisira.’ Usarerutsa ngozi yokutsauswa ‘nemashoko okunyengetedza’ chaizvo anotaurwa nevanhu vakachenjera zvikuru. Asi, sezvakaitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, zvidzivirire nokuvimba kwazvo nezvaunodzidza muBhaibheri, riri Shoko raMwari rakafuridzirwa zvechokwadi.
Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti utende zvinotaurwa neBhaibheri. Somuenzaniso, zvinogona kukuratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvave zvakavimbika sei munhoroondo yose yezvakaitika kare; kuti Bhaibheri rinobvumirana sei nesayenzi parinotaura nezvesayenzi; kuti zvose zvarinotaura zvinobvumirana sei kubvira kwarinotangira kusvika kwarinoperera; kuti uprofita hwaro hwakazadzika sei uye nezvimwe zvakawanda chaizvo. Kana uchida kuziva nezvazvo nyorera vabudisi vemagazini ino uudzwe mamwe mashoko abatsira mamiriyoni evanhu vane mwoyo yakatendeseka kuona kuti chokwadi Bhaibheri iShoko raMwari.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Unosarudza sei kuvimba nevanhu vaunosangana navo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Tinoonga chaizvo nyanzvi dzakavimbika dzakatibatsira kuona ndima dzeBhaibheri dzepakutanga.