Bhaibheri iShoko raMwari Here?
“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”—2 TIMOTI 3:16, 17.
CHOKWADI mashoko akataurwa nomuapostora Pauro anoratidza kuti Bhaibheri rinokosha kwazvo! Apa akanga achitaura nezvechikamu cheBhaibheri chaivapo pamazuva iwayo—mashoko emagwaro akanyorwa anowanzonzi nevanhu Testamende Yekare. Asi zvaakataura zvinongoshanda zvakafanana kumabhuku ose 66, kusanganisira aya akanyorwa nevadzidzi vakatendeka vaJesu muzana remakore rokutanga C.E.
Unonyatsokoshesa Bhaibheri sezvaiitwa naPauro here? Unofunga kuti vakanyora Bhaibheri vakafuridzirwa naMwari here? VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaibvuma kuti rakafuridzirwa. VaKristu vechokwadi vakagara vachitenda izvozvo kwemazana emakore akatevera. Somuenzaniso, muzana remakore rechina mufundisi weChirungu ainzi John Wycliffe, aiona Bhaibheri se“murayiro usingatsaudziri chokwadi.” Richitaura nezvemashoko aPauro ataurwa pamusoro apa, The New Bible Dictionary, rinotaura kuti “zvarakafuridzirwa naMwari, zvinongoita kuti munhu avimbe kuti zvose zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi.”
Kuchinja Kwakaitika Pamaonerwe eBhaibheri
Zvisinei, munguva ichangopfuura iyi, zvakaonekwa kuti vanhu havachanyanyi kuvimba neBhaibheri. Bhuku rinonzi The World’s Religions, rinoti, “Nemuromo, vaKristu vose [vachiri] kubvuma kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinokosha pakuvatungamirira muzviito uye pakutanga dzidziso dzavo.” Zvisinei, pavanenge vava kuita zvinhu zvavo, havarishandisi. Iye zvino vanhu vakawanda vanoona Bhaibheri se“bumbirowo zvaro retsika dzevanhu risina kuvimbika.” Kunyange zvazvo vachibvuma kuti vanyori veBhaibheri vaiva varume vaitenda kwazvo, vanoona vanyori ivavo sevanhu vaikanganisa vaiedza kutsanangura zvinhu zvakadzama zvokunamata asi vakanga vasina ruzivo uye nzwisiso sezvatava nazvo mazuva ano.
Kutaura chokwadi, vanhu vashoma chaizvo mazuva ano vanorega Bhaibheri richitungamirira mafungiro avo nezviito. Somuenzaniso, kangani paunonzwa vanhu vachiti zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzetsika zvava zvechinyakare uye hazvibatsiri? Vakawanda vanonzwa vakasununguka kudira mvura mitemo yeBhaibheri uye chokwadi charo chinokosha—kana kusatomborishandisa zvachose pavanoda kuita zvinhu zvavo kunyange zvakaipa. Vamwe vanozviti vaKristu vanorega nemaune kuteerera Bhaibheri pazvinhu zvarinotaura nezveufeve, upombwe, kusavimbika, uye kudhakwa.—1 VaKorinde 6:9, 10.
Nei zvakadai? Zana remakore rechi20 richangotanga, chimwe chikonzero chacho chakataurwa neimwe nyanzvi yokucherwa kwematongo inonzi Sir Charles Marston mubhuku rake rinonzi The Bible Is True. Akati vanhu vaingokurumidza “kubvuma vasingapikisi mashoko akawanda okufungidzira anotaurwa nevanyori vemazuva ano” vakashora Bhaibheri vachiti harina kuvimbika. Izvi zvichiri kuitika here mazuva ano? Unofanira kuona sei pfungwa nedzidziso dzinotaurwa nenyanzvi dzinoti Bhaibheri harina kuvimbika? Ona kuti nyaya inotevera inotii nezvazvo.