Munhu Akachinja Nyika
Mabhiriyoni evanhu akararama panyika pano ndokuzofa. Vakawanda vacho havana chavangayeukwa nacho. Zvisinei, kune vashoma vane zvavakaita zvinowanika munhoroondo—zvichida zvimwe zvacho zvine zvazvinoita muupenyu hwako hwezuva nezuva.
UNOMUKA mangwanani wogadzirira kuenda kubasa. Unobatidza magetsi paunenge uchigadzirira. Paunenge uri mubhazi unotora bhuku kana magazini kuti uverenge. Unoyeuka kunwa mushonga kana mapiritsi anorwisa utachiona. Zuva rako harisati ranyatsotanga, uye watotanga kubatsirwa nezvakaitwa nevanhu vashoma vanoyeukwa.
Michael Faraday Akaberekwa muna 1791, nyanzvi iyi yokuEngland ndiyo yakatanga kugadzira electric motor uye gwenya remagetsi. Zvinhu zvaakagadzira zvakaita kuti vanhu vakwanise kushandisa magetsi akawanda zviri nyore.
Ts’ai Lun Aiva mukuru-mukuru mumuzinda wamambo wekuChina, anonzi ndiye akatanga kugadzira pepa munenge muna 105 C.E. zvakazoita kuti pagadzirwe mapepa akawanda.
Johannes Gutenberg Munenge muna 1450 nyanzvi iyi yokugadzira zvinhu yokuGermany yakagadzira muchina wokutanga wokudhinda mabhuku ichishandisa tapureta yaigona kufambiswa. Muchini uyu wokudhinda wakaita kuti kudhinda kusadhura zvichiita kuti nyaya dzakawanda dzinotaura zvinhu zvakasiyana-siyana dzikwanise kuwanika.
Alexander Fleming Muna 1928, mutsvakurudzi uyu wokuScottland akawana mushonga unorwisa utachiona waakatumidza kuti penicillin. Mishonga inorwisa utachiona yava kushandiswa mazuva ano munyika yose kurapa zvirwere zvinokonzerwa noutachiona.
Hapana mubvunzo kuti zvinhu zvakatangwa uye zvakagadzirwa nevanhu vashoma zvakaita kuti mabhiriyoni evanhu abatsirike kana kuti ave neutano huri nani.
Asi pane mumwe munhu akasiyana nevamwe vose. Haazivikanwi nezvinhu zvesayenzi zvaakagadzira kana mishonga yaakatanga kuwana. Asi munhu uyu aibva mumhuri yainge isina kubudirira akafa makore 2 000 akapfuura ndokusiya shoko—shoko rine simba retariro uye rinonyaradza. Kana tikaongorora zvakaitwa neshoko rake muupenyu hwevanhu munyika yose, vakawanda vanogona kubvuma kuti chokwadi ndiye munhu akachinja nyika.
Munhu iyeye aiva Jesu Kristu. Ishoko ripi raakaparidza? Uye shoko iroro ringaitei muupenyu hwako?