RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 4/1 p. 19
  • Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Mukai!—2002
  • Kudza Mwanakomana, Mumiriri Mukuru waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 4/1 p. 19

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?

▪ Pasina kuti pamunhondo pamusasa, ndizvozvo. Vanhu vakawanda vanowanzova nemazita anopfuura rimwe chete. Izvozvo ndizvo zvazvakaita nemazita ari muBhaibheri. Somuenzaniso, tateguru Jakobho anonziwo Israeri. (Genesisi 35:10) Muapostora Petro anoshevedzwa nemazita mashanu, pamwe anonzi Simiyone, Simoni, Petro, Kefasi, uye Simoni Petro. (Mateu 10:2; 16:16; Johani 1:42; Mabasa 15:7, 14) Tingava sei nechokwadi chokuti Mikaeri nderimwe zita raJesu? Funga nezveuchapupu hunotevera huri muMagwaro.

Bhaibheri rinotaura kashanu nezvechisikwa chomudzimu chinonzi Mikaeri. Rinowanika katatu mubhuku raDhanieri. Pana Dhanieri 10:13, 21, tinoverenga kuti ngirozi yakanga yatumwa yakanunurwa naMikaeri, anonzi “mumwe wemachinda makuru” uye “muchinda wenyu.” Uyezve, pana Dhanieri 12:1, tinodzidza kuti munguva yokuguma, “Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anomira nokuda kwevanakomana vevanhu vako.”

Mikaeri anotaurwazve pana Zvakazarurwa 12:7, iyo inorondedzera “Mikaeri nengirozi dzake” vachirwa hondo inokosha inoguma nokudzingwa kudenga kwaSatani Dhiyabhorosi nengirozi dzake dzakaipa.

Ona kuti pose pataurwa nezvaMikaeri pamusoro apa, paratidza kuti ingirozi inenge ichirwira vanhu vaMwari uye ichivadzivirira, uye ichitomirisana nemuvengi mukuru waJehovha, Satani.

Judha ndima 9 inoti Mikaeri i“ngirozi huru.” MuBhaibheri hamumbotaurwi nezvengirozi huru dzakawanda asi imwe chete. Imwezve vhesi inotaura nezvengirozi huru ndi1 VaTesaronika 4:16, Pauro paanorondedzera Jesu akamutswa, achiti: “Ishe [Jesu] achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru nebhosvo raMwari.” Saka Jesu Kristu pachake ndiye ari kunzi ngirozi huru.

Tichifunga nezvezvataurwa, tingagumisa kuti chii? Jesu Kristu ndiye Mikaeri ngirozi huru. Mazita ose ari maviri, rokuti Mikaeri (rinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?”) nerokuti Jesu (rinoreva kuti “Jehovha Muponesi”) anonyanya kutaura nezvebasa rake somunhu anotungamirira pakutsigira uchangamire hwaMwari. VaFiripi 2:9 inoti: “Mwari akamukwidziridza [iye Jesu akapiwa mbiri] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose.”

Zvinokosha kuziva kuti upenyu hwaJesu hahuna kutanga paakaberekwa semunhu wenyama. Jesu asati aberekwa, Mariya akashanyirwa nengirozi yakamuudza kuti aizobata pamuviri pachishandiswa mudzimu mutsvene uye kuti aifanira kuzotumidza mwana wacho kuti Jesu. (Ruka 1:31) Panguva youshumiri hwake, Jesu akataura kakawanda kuti akamborarama asati auya pasi pano.—Johani 3:13; 8:23, 58.

Saka Mikaeri ngirozi huru ndiJesu asati ava munhu wenyama. Pashure pokunge amutswa uye adzokera kudenga, Jesu akatangazve basa rake saMikaeri, ngirozi huru, “kuti Mwari Baba vakudzwe.”—VaFiripi 2:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe