RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 121
  • Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Mukai!—2002
  • Chokwadi Nezvengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 121
Mikaeri ngirozi huru aine uto rengirozi

Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?

Mhinduro yeBhaibheri

Zviri pachena kuti Mikaeri, uyo anonzi “Mikaeri Musande” nezvimwe zvitendero, ndiro zita rakapiwa Jesu asati auya panyika uye adzokera kudenga.a Mikaeri akanetsana naSatani pashure pekunge Mosesi afa uye ndiye akabatsira imwe ngirozi kuti isvitse mashoko aibva kuna Mwari kumuprofita Dhanieri. (Dhanieri 10:13, 21; Judha 9) Mikaeri anoita zvinoenderana nezvinorehwa nezita rake, iro rinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?”​—kuburikidza nekudzivirira utongi hwaMwari uye kurwa nevavengi vaMwari.​—Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 12:7.

Ona kuti nei zviine musoro kuti titi Jesu ndiye Mikaeri ngirozi huru.

  • Mikaeri ndiye “ngirozi huru.” (Judha 9) Zita rekuremekedza rekuti “ngirozi huru,” kureva “mukuru wengirozi,” rinongowanikwa mumavhesi maviri emuBhaibheri. Mumavhesi acho ese, shoko racho harisi muuzhinji, zvichiratidza kuti kunongova nengirozi imwe chete ine zita iroro. Imwe yemavhesi acho inoti Ishe Jesu akamutswa “achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru.” (1 VaTesaronika 4:16) Jesu anoshevedzera “nenzwi rengirozi huru” nekuti ndiye Mikaeri, ngirozi huru.

  • Mikaeri anotungamirira uto rengirozi. “Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni,” Satani. (Zvakazarurwa 12:7) Mikaeri akapiwa simba rakakura munzvimbo yokumusoro inogara zvisikwa zvine miviri yatisingagoni kuona, nekuti anonzi “mumwe wemachinda makuru” uye “muchinda mukuru.” (Dhanieri 10:13, 21; 12:1) Mazita aya okuremekedza anoratidza kuti Mikaeri ndiye “mukuru mukuru wemauto engirozi,” sekutaurwa kwazvinoitwa nemuongorori weTestamende Itsva anonzi David E. Aune.

    Bhaibheri rinotaurawo nezverimwe zita rimwe chete remunhu ane simba pamusoro peuto rengirozi. Rinotaura ‘nezvepacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto, sezvaanouya kuzotsiva.’ (2 VaTesaronika 1:7, 8; Mateu 16:27) Jesu “akaenda kudenga . . . uye ngirozi nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake naMwari.” (1 Petro 3:21, 22) Zvaisazova nemusoro kuti Mwari aite kuti Jesu akwikwidzane naMikaeri pakutungamirira ngirozi tsvene. Saka zvine musoro kuti titaure kuti mazita acho ari maviri okuti Jesu uye Mikaeri ndeemunhu mumwe chete.

  • “Nguva yokutambudzika” isina kumbobvira yavapo paichasvika, Mikaeri “achasimuka”. (Dhanieri 12:1) Mubhuku raDhanieri, mashoko ekuti “achamuka” anowanzoshandiswa achireva kusimuka kunoita mambo kuti aite chimwe chinhu chinokosha. (Dhanieri 11:2-4, 21) Jesu Kristu, anonzi “Shoko raMwari” achaita chimwe chinhu chinokosha ‘saMambo wemadzimambo’ kuti aparadze vavengi vose vaMwari uye kuti achengetedze vanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 19:11-16) Achaita izvozvo panguva ichava “nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika” ​—Mateu 24:21, 42.

a Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu richishandisa mazita akasiyana siyana, vakadai saJakobho (ainziwo Israeri), Petro (ainziwo Simoni), uye Tadhiyosi (ainziwo Judhasi).​—Genesisi 49:1, 2; Mateu 10:2, 3; Mako 3:18; Mabasa 1:13

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe