RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 2/8 pp. 30-31
  • Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nharo Dzokuti Mikayeri Ndiani
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Ndiye Mikaeri Ngirozi Huru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Iwe Unoyeuka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 2/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani?

MAEREANO neBhaibheri, kune mamiriyoni engirozi dzakawanda dzinogara munzvimbo yomudzimu. (Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa 5:11) Kubva kwokutanga kusvikira kwokupedzisira, Magwaro anotaura kakawanda nezvengirozi dzinoramba dzakavimbika kuna Mwari. Asi, mbiri chete pangirozi idzi ndidzo dzinotaurwa nemazita. Imwe yacho ingirozi Gabrieri, akatumwa nemashoko pachake kubva kuna Mwari kuvanhu vatatu vakasiyana kwenhambo yemakore 600. (Dhanieri 9:20-22; Ruka 1:8-19, 26-28) Imwe ngirozi inotaurwa nezita muBhaibheri ndiMikayeri.

Zvakajeka kuti Mikayeri ingirozi ine nzvimbo huru. Somuenzaniso, mubhuku raDhanieri, Mikayeri anotsanangurwa seari kurwira vanhu vaJehovha pamadhimoni akaipa. (Dhanieri 10:13; 12:1) Mutsamba yakafuridzirwa yaJudha, Mikayeri anonangana naSatani pakuitirana nharo pamusoro pomutumbi waMosesi. (Judha 9) Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti Mikayeri anorwisana naSatani nemadhimoni ake ndokuvakandira kunze kwedenga. (Zvakazarurwa 12:7-9) Hapana imwe ngirozi inoratidzwa kuti ine simba rakadaro uye chiremera pavavengi vaMwari. Ndokusaka zvisingashamisi zvino kuti Bhaibheri rinotaura zvakakodzera nezvaMikayeri se“ngirozi huru,” shoko rokuti “huru,” richireva “mukuru” kana kuti “anokosha.”

Nharo Dzokuti Mikayeri Ndiani

Zvitendero zvechiKristudhomu, pamwe nechiJudha nechiIslam, zvine pfungwa dzinopesana pamusoro penyaya dzengirozi. Dzimwe tsanangudzo hadzina kujeka. Somuenzaniso, The Anchor Bible Dictionary rinoti: Pangava nengirozi huru imwe uye/kana kuti boka duku rengirozi huru (kakawanda ina kana nomwe).” Maererano neThe Imperial Bible-Dictionary, Mikayeri “izita rechisikwa chikuru kupfuura munhu, icho pave pane pfungwa mbiri dzinopesana pamusoro pacho, ingava yokuti ndiShe Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, kana kuti mumwe wedzinowanzonzi ngirozi huru nomwe.”

Mungano dzechiJudha ngirozi huru nomwe idzi ndiGabriel, Jeremiel, Michael, Raguel, Raphael, Sariel, naUriel. Kune rimwe divi, chiIslam, chinodavira ngirozi huru ina, dzinoti, Jibril, Mikal, Izrail, naIsrafil. ChiKaturike chinodavirawo ngirozi huru ina: Michael, Gabriel, Raphael, naUriel. Ko Bhaibheri rinotii? Kune ngirozi huru dzakawanda here?

Mhinduro yeBhaibheri

Kunze kwaMikayeri, hakuna imwe ngirozi huru inotaurwa muBhaibheri, uyewo magwaro haamboshandisi shoko rokuti “ngirozi huru” muzvakawanda. Bhaibheri rinotsanangura Mikayeri sengirozi huru, zvichireva kuti iye chete ndiye anodanwa kudaro. Saka zvakakodzera kugumisa kuti Jehovha Mwari akapa simba kune chimwe, uye chimwe chete chezvisikwa zvake zvokudenga, simba rokudzora dzimwe ngirozi dzose.

Kunze kwoMusiki pachake, munhu mumwe bedzi akavimbika ndiye anotaurwa seane ngirozi dziri pasi pake—anova Jesu Kristu. (Mateu 13:41; 16:27; 24:31) Muapostora Pauro akataura zvakananga nezva“She Jesu . . . nengirozi dzake dzine simba.” (2 VaTesaronika 1:7) Uye Petro anotaura nezvaJesu akamutswa achiti: “Ari kuruoko rworudyi rwaMwari, nokuti akaenda kudenga; uye ngirozi nevane simba nemasimba zvakaiswa pasi pake.”—1 Petro 3:22.

Nepo pasina mashoko muBhaibheri anonyatsoratidza Mikayeri ngirozi huru saJesu, pane rugwaro rumwe chete runobatanidza Jesu nezvokuva munzvimbo yengirozi huru. Mutsamba yake kuvaTesaronika, muapostora Pauro akaprofita kuti: “Ishe achaburuka kudenga achidanidzira nesimba, nenzwi rengirozi huru nehwamanda yaMwari, uye vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka.” (1 VaTesaronika 4:16) Murugwaro urwu Jesu anotsanangurwa seanenge atora simba rake saMambo Mesiya waMwari. Asi, anotaura “nenzwi rengirozi huru.” Cherechedzawo kuti ane simba rokumutsa vakafa.

Ari panyika somunhu, Jesu akamutsa vanhu vakasiyana-siyana. Mukuita kudaro, akashandisa inzwi rake kutaura achirayira. Somuenzaniso, pakumutsa mwanakomana akanga afa wechirikadzi yeNaini, akati: “Jaya, ndinoti kwauri, Muka!” (Ruka 7:14, 15) Gare gare, ava kuda kumutsa shamwari yake Razaro, Jesu “akadanidzira nenzwi guru kuti: ‘Razaro, buda!’” (Johani 11:43) Asi pazviitiko izvi, inzwi raJesu rakanga riri inzwi romunhu akakwana.

Iye pachake amutswa, Jesu akakwidziridzwa “kunzvimbo yepamusoro” kudenga sechisikwa chomudzimu. (VaFiripi 2:9) Achisiri munhuzve, akabva ava nenzwi rengirozi huru. Saka apo hwamanda yaMwari yakadanidzira kune vaya “vakafa vari pamwe naKristu” kuti vamutsirwe kudenga, Jesu aka“danidzira nesimba,” panguva ino “nenzwi rengirozi huru.” Zvakakodzera kugumisa kuti ngirozi huru chete ndiyo inogona kudanidzira “nenzwi rengirozi huru.”

Hungu, kune zvimwe zvisikwa zvengirozi zvine nzvimbo huru, dzakadai semaserafi nemakerubhi. (Genesi 3:24; Isaya 6:2) Asi, Magwaro anotaura nezvaJesu Kristu akamutswa somukuru wengirozi dzose—Mikayeri ngirozi huru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe