RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 4/1 p. 20
  • ‘Umambo Hwako Huchasimba’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Umambo Hwako Huchasimba’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 4/1 p. 20

Swedera Pedyo Namwari

‘Umambo Hwako Huchasimba’

2 Samueri 7:1-16

KUBVIRA kare vatongi vave vachibviswa pazvigaro. Vamwe vaiita zvokunzi havachadiwi nevanhu pakuvhota asi vamwe vaitoita zvokubviswa nechisimba. Zvakadini naJesu Kristu, Mambo woUmambo hwaMwari hwokudenga? Pane chingamutadzisa kutonga saMambo waMwari akagadzwa here? Mhinduro yacho inogona kuwanikwa mumashoko akataurwa naJehovha kuna Mambo Dhavhidhi weIsraeri yakare ari muchitsauko 7 chebhuku ra2 Samueri.

Panotanga chitsauko chacho, tinoona kuti Dhavhidhi ari kunyara chaizvo paanoona kuti iye samambo ari kugara mumuzinda wakanaka, asi areka yaMwari iri mutendewo zvaro.a Dhavhidhi anoratidza chido chake chokuvakira Jehovha imba yakanaka, kana kuti temberi. (Ndima 2) Asi Dhavhidhi haasi iye achavaka imba yacho. Achishandisa muprofita Natani, Jehovha anoudza Dhavhidhi kuti mwanakomana wake ndiye achazovaka temberi.—Ndima 4, 5, 12, 13.

Jehovha anofadzwa chaizvo nechido chaDhavhidhi chomwoyo wose. Aona kuzvipira kwaDhavhidhi uye maererano nouprofita hwaakanga agara ataura, Mwari anoita sungano naye yokuti achaita kuti pave nomumwe munhu mudzinza raDhavhidhi achazotonga nokusingaperi. Natani anoudza Dhavhidhi vimbiso yaMwari kwaari yokuti: “Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.” (Ndima 16) Ndiani mugari wenhaka yesungano iyi achatonga nokusingaperi?—Pisarema 89:20, 29, 34-36.

Jesu wekuNazareta akanga ari muzukuru waDhavhidhi. Ngirozi payaizivisa kuzvarwa kwaJesu yakati: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Naizvozvo sungano yakaitwa naDhavhidhi yakazadziswa naJesu Kristu. Saka anotonga nokuti vimbiso yakaitwa naMwari inomupa kodzero yokutonga nokusingaperi kwete nokuti akasarudzwa nevanhu. Ngatiyeukei kuti zvinovimbiswa naMwari nguva dzose zvinoitika.—Isaya 55:10, 11.

Pane zvidzidzo zviviri zvinokosha zvatinogona kudzidza kubva muna 2 Samueri chitsauko 7. Chokutanga, tinogona kuva nechivimbo chokuti hapana chinhu uye munhu angatadzisa Jesu Kristu kutonga. Saka tine chokwadi chokuti achazadzisa chinangwa chaakataura chokutonga kwake, chiya chokunyatsoita zvinodiwa naMwari pasi pano sezviri kuitwa kudenga.—Mateu 6:9, 10.

Chechipiri, nyaya iyi inotidzidzisa chidzidzo chinonyevenutsa mwoyo nezvaJehovha. Yeuka kuti Jehovha akaona uye akakoshesa zvaida kuitwa naDhavhidhi zvaiva mumwoyo make. Kuziva kuti Jehovha anoona uye anokoshesa kuzvipira kwatinoita panyaya yokumunamata chinhu chinofadza. Dzimwe nguva, zvinhu zvatisingagoni kugadzirisa zvakadai sokurwara kana kuti kukwegura, zvingatitadzisa kuita zvose zvinenge zvichida kuitwa nomwoyo wedu pakushumira Mwari. Kana zvakadaro, ngatinyaradzwe nokuziva kuti Jehovha anoona kunyange zvatinenge tichida kuita zvinenge zviri mumwoyo wakazara nokuzvipira pakumunamata.

[Mashoko Omuzasi]

a Areka yesungano yaiva bhokisi dzvene rakanga rakavakwa maererano nemirayiro yaJehovha uye maererano nepurani yake. Yairatidza kuvapo kwaJehovha pakati pevaIsraeri vekare.—Eksodho 25:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe