RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 pp. 26-29
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 pp. 26-29

Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

ZVII zvakaitwa nemunhu aimbova muchikwata chematsotsi uye ainge akapindwa muropa nembanje kuti asiye tsika dzakaipa? Nei munhu airidza nebhendi akagera bvudzi rake refu ndokuchinja maonero aaiita mumhanzi waaida? Chii chakaita kuti munhu aisada kunzwa zvechitendero uye aisaremekedza hurumende azova mushumiri wechitendero? Chimboona zvakataurwa nevanhu ava.

“Ndakarega kusvuta.”—PETER KAUSANGA

ZERA: 32

NYIKA: NAMIBIA

NHOROONDO YOUPENYU: AIVA MUCHIKWATA CHEMATSOTSI UYE AISVUTA MBANJE

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kuKehemu, rimwe remapurazi mana akakura ari mutaundi rinonzi Rundu. Vanhu veko vairarama nokutengesa mhunga, huni nemarasha.

Amai vangu vakashaya ndine nemakore maviri, saka ndakarerwa naambuya vangu. Taisava vapfumi. Ndakanga ndisiri munhu wemisikanzwa, asi nemhaka yeshamwari ndakapedzisira ndazvipinza muna taisireva. Ndiri kuchikoro ndakabatana nechimwe chikwata chematsotsi. Izvi zvakaita kuti nditange kurwa mumigwagwa, kushusha vamwe, kuba, kutengesa madhayamondi zvisiri pamutemo, uye kudhakwa nokushandisa zvisina kunaka zvimwe zvinodhaka. Ndakabatwa ndikaiswa mujeri kaviri nemhosva yokupaza ndichiba uye kuita utsotsi.

Ndakasiyira chikoro panzira ndiine makore 18 uye ndakazopedzisira ndabva mutaundi rataigara ndikasiyana nechikwata chandaishamwaridzana nacho. Ndakanga ndava kuda kutanga upenyu hutsva. Asi ndakanga ndichiri kusvuta mbanje. Dzimwe nguva ndaifamba makiromita akawanda kuti ndingonowana mudzanga wembanje.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Kutanga kwegore ra1999, ndakasangana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvaipa vanhu mabhuku mumugwagwa. Vakandibata zvine ruremekedzo nechiremerera, uye izvi zvakandibaya mwoyo. Mashoko aiva mumabhuku andakapiwa akaita kuti ndive nechokwadi chokuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi. Ndakatanga kushingaira kudzidza Bhaibheri uye pasina nguva ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mararamiro angu kuti ndifadze Jehovha Mwari.

Ndakasarudza musi wandakati ndiwo wandaizorega kusvuta ndichibva ndarasa zvose zvaizoita kuti ndide kusvuta. Ndakaudzawo shamwari dzangu kuti dzisandipa midzanga uye ndakavakumbira kuti vasasvuta kana vari pedyo neni. Pasinei naizvozvo, zvinhu hazvina kuita sezvandainge ndakaronga. Kaviri ndakakundwa nehavi ndichibva ndasvuta fodya nembanje. Asi hazvina kundiodza mwoyo. Ndakaramba ndichifunga mashoko akanyorwa pana Zvirevo 24:16, anoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka.” Ndakazopedzisira ndisingachasvuti.

Pandaiwedzera kudzidza nezvaJehovha, ndakanzwa ndichida kuti ave shamwari yangu yepedyo. Imwe ndima yeBhaibheri yakandibaya mwoyo ndiPisarema 27:10, inoti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” Pandakaramba ndichidzidza Bhaibheri zvakadzama, ndakaona kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Jehovha akava Baba vangu chaivo vane hanya.

Ndakanga ndava kugara ndichiwadzana neZvapupu zvaJehovha. Ndakaona kuti vaiva noushamwari hwechokwadi uye kuti vaidanana. Ndakanga ndisati ndamboona vanhu vaidanana saizvozvo.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndichibatsirwa naJehovha neZvapupu, ndakavandudza kushambidzika kwangu, mapfekero, maitiro uye matauriro angu. Pandinofunga zvakanga zvakaita upenyu hwangu, ndinoona kuti hwachinja sezvinoita gonye rinenge rakashata rinozova shavishavi rakanaka kwazvo. Hama dzangu dzinoonga chaizvo nokuchinja kwandakaita, uye dzava kuvimba neni. Iye zvino ndakaroora uye ndiri kuedza kuva murume ane rudo uye kuva baba vanotarisira vana vavo zvakanaka.

“Upenyu hwangu hwava nechinangwa chaicho.”—MARCOS PAULO DE SOUSA

ZERA: 29

NYIKA: BRAZIL

NHOROONDO YOUPENYU: AIRIDZA NEBHENDI RETHRASH METAL

MARARAMIRO ANDAIITA: Mhuri yangu yaigara mutaundi reJaguariuna riri kuSão Paulo. Vabereki vangu vaive vakadzika midzi muchechi yeRoma, uye ndichiri muduku, ndaiperekedza fata paatari. Izvozvo zvakaita kuti vandaidzidza navo kupuraimari vandipe zita remadunhurirwa rokuti Fata. Zvisinei ndava nemakore 15 ndakatanga kufarira musambo werock. Ndakatanga kutamba nevaiuridza. Ndakarega bvudzi rangu richireba. Uye muna 1996, baba vangu vakandibatsira kutenga zvokuridzisa mimhanzi.

Muna 1998, ndakabatana nebhendi rinoridza musambo wethrash metal rock. Musambo watairidza waisimudzira pfungwa dzasatani uye wainyadzisira. Waikurudzira zvokurwisana. Mumhanzi wacho wakakanganisa mafungiro, mararamiro, uye maonero angu. Hapana chandaiti chakanaka uye ndakawedzera kuva nehasha.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha muna 1999. Vakati vaigona kudzidza neni Bhaibheri ndichibva ndabvuma, kunyange zvazvo ndaisanyatsofarira. Zvisinei, zvandakadzidza muBhaibheri zvakachinja maonero andaiita upenyu.

Ndaizivikanwa nemazita okuti “muchinda webvudzi refu,” “shasha yemusambo werock,” kana kuti “muridzi wengoma.” Asi ndakazoona kuti kuridza kwandaiita nebhendi iri kwaiita kuti ndingozvifunga ini chete uye ndide zvemakwikwi, uye ndakanga ndisingachagutsikani nemukurumbira wangu. Ndakazoona kuti vaimbi vandainamata vainge vasina chinangwa chaicho muupenyu hwavo. Zvishoma nezvishoma ndakanzwisisa kuti kana ndichida kufadza Jehovha Mwari, ndaifanira kusiyana nemusambo weheavy metal uye upenyu hwounzenza nokunamata zvidhori hwaienderana nomusambo uyu.

Ndaida mumhanzi uyu uye bvudzi rangu refu. Ndakanetseka ndichifunga kuti ndingararama here ndisina zvinhu izvi. Ndaiva nehasha dzakanyanya uye ndaiziva kuti ndaifanira kudzidza kuzvidzora. Zvisinei, kudzidza Bhaibheri kwandaiita kwakaita kuti ndiwedzere kuda Jehovha. Kudzidza nezverudo rwaMwari, mwoyo murefu wake, uye ngoni kwakaita kuti ndinyatsomuda. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuchinja, uye akandibatsira. Ndakazvionera ndega kuti mashoko ari panaVaHebheru 4:12 ndeechokwadi. Ndima iyoyo inoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”

Pandakatanga kuwadzana neZvapupu zvaJehovha, ndakaona kuti vaive vakasiyana nevamwe. Ndakaona vanhu vachiratidzirana rudo rwechokwadi kekutanga muupenyu hwangu. Rudo rwakadaro rwainyatsooneka pamagungano makuru aiitwa neZvapupu. Ndakabayiwa mwoyo nevashandi vaishingaira vaizvipira kuti kuungana kwacho kunyanye kunakira vamwe.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino ndava kukwanisa kudzora hasha dzangu ndichibatsirwa naJehovha. Ndava kuona kuti handichangonyanyi kuzvifunga ini chete uye handichadadi.

Ndinobvuma kuti pane nguva yandaimbosuwa mararamiro andaiita asi iye zvino zvakapera. Iye zvino upenyu hwangu hwava nechinangwa chaicho. Ndiri kufara kuti ndiri kudzidza kufarira vamwe uye kufarira kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka.

“Ndinofadzwa nokuva nehanya nevamwe.”—GEOFFREY NOBLE

ZERA: 59

NYIKA: UNITED STATES

NHOROONDO YOUPENYU: AISADA KUNZWA ZVECHITENDERO UYE KUREMEKEDZA HURUMENDE

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kuIpswich, Massachusetts, taundi revapfumi riri pedyo negungwa. Pandakanga ndakura ndakasarudza kunogara kumaruwa kuVermont. Kana tichienzanisa nemararamiro evanhu vokuNorth America, ini nemusikana wangu tairarama zvokutamburira chaizvo. Taibika nehuni dzatainotora musango uye ndodzataidziya nokuti takanga tisina magetsi. Chimbuzi chedu chaiva panze uye kakawanda tainge tisina mvura yepapombi. Takanga taramba kurarama munzvimbo yakabudirira, uye chitarisiko chedu chaitoratidza izvozvo. Pane imwe nguva ndaitodada nokusakama bvudzi kwandakanga ndaita kwemwedzi mitanhatu.

Panguva iyoyo United States yainge yapinda muhondo yokuVietnam. Izvi zvakavhiringidza maonero andaiita vane masimba. Ndakaona unyengeri hwaiitwa nehurumende uye nevechitendero. Ndakaona kuti hapana chakanaka chaibuda mumasangano aya uye ndakafunga kuti mumwe nemumwe aifanira kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa. Saka handina kuona pane chakaipa nokuba chero chinhu chandaida.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ini nemusikana wangu tainge tatanga kuverenga Bhaibheri asi hapana chatainzwisisa. Ndaishandisa zvinodhaka, asi ndaive ndiri kuedza kuzvirega. Musikana wangu aida kuti tiroorane uye tive nevana. Panguva iyoyo, mumwe weZvapupu zvaJehovha akatishanyira, ndokutanga kudzidza Bhaibheri nesu.

Munguva pfupi ndakasiya tsika dzangu dzakashata; asi chakanga chakanyanya kundiomera kuchinja maonero andaiita vane masimba. Ndaingopikisa zvose zvose. Kukura kwangu hapana aindiudza zvokuita, saka pfungwa yokurarama ndichiudzwa zvokuita nomumwe munhu yakanga yakandiomera.

Ndakagara ndichidavira kuti kune Musiki, asi ndaisamunzwisisa kuti akaita sei. Zvisinei, pandaidzidza Bhaibheri, ndakazonyatsoona unhu hwaJehovha Mwari. Ndakacherechedza kuti aitaura chaizvo zvaaida kuti ndiite. Mitemo yake yakanga isiri yokuti pamunhondo pamusasa. Ndakadzidzawo kuti ane chinangwa chisingachinji chokuti nyika ive paradhiso. (2 Petro 3:13) Chokwadi ichi chakaita kuti ndide kuchinja, kuitira kuti ndikwanise kumushumira.

Ndakanyanyobayiwa mwoyo nokuramba kunoita Zvapupu zvaJehovha kuenda kuhondo. Munyika yose hakuna chimwe chitendero chandaiziva chaitevedzera murayiro iwoyo womuBhaibheri.

Ndakaziva kuti kana ndichida kushumira Jehovha, ndaifanira kutanga ndagadzirisa chitarisiko changu. Pakutanga, ndaisabvumirana nemapfekero aikurudzirwa neZvapupu. Ini neshamwari dzangu hapana kana mumwe aiva neshati, tirauzi kana shangu dzakanaka, kuzoti tai zvayo! Asi ndakagera bvudzi rangu ndokugadzirisa chitarisiko changu. Ndichiri kuyeuka musi wandakatanga kuenda pasuo nesuo kunoparidza. Ndakaona zvakanga zvaita chitarisiko changu chitsva pagirazi raivapo. Ndakati nechomumwoyo, ‘Ndaitei?’ Ndakazopedzisira ndajaira chitarisiko changu chitsva.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakazochata nemusikana wangu uye tiri kufara pamwe chete. Takakwanisa kurera vana vedu vatatu kuti vade Jehovha uye vamushumire. Ndakafarawo kubatsira vamwe kudzidza chokwadi cheBhaibheri chiya chakandibatsira kuchinja upenyu hwangu.

Ndaimbodada kuti ndakanga ndisina basa nezvaifungwa nevamwe. Iye zvino ndiri kuwana mufaro unobva pakuva nehanya nevamwe uye kuti vamwe vane hanya neni.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]

“Ndaifamba makiromita akawanda kuti ndingonowana mudzanga wembanje”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

“Zvandakadzidza muBhaibheri zvakachinja maonero andaiita upenyu”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

“Ndaisabvumirana nemapfekero aikurudzirwa neZvapupu”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe