Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
Chii chakaita kuti mumwe mukadzi aiita chitsotsi nengoda uye aibira waaishandira azova mushandi akavimbika? Chii chakabatsira mumwe mukadzi akanga aedza kuzviuraya kaviri kuti awane chinangwa muupenyu hwake? Chii chakaita kuti mumwe murume aishandisa zvinhu zvinodhaka awane simba rokurega maitiro akanga amupinda muropa? Inzwa kuti vanhu ava vanoti kudii.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: MARGARET DEBRUYN
MAKORE: 45
NYIKA: BOTSWANA
ZVAAIMBOITA: AIVA MBAVHA
UPENYU HWANGU KARE: Baba vangu vaibva kuGermany uye vakazotanga kugara kuSouth-West Africa (yava kunzi Namibia). Amai vangu vaibva kuBotswana, vari verudzi rwechiMangologa. Ndakaberekerwa mutaundi rinonzi Gobabis kuNamibia.
Muma1970, hurumende yeSouth Africa ndiyo yaidzora zvikuru zvinhu muNamibia uye yakadzika mitemo yakaomarara yorusaruraganda mumaguta ose nemisha. Sezvo vabereki vangu vaiva vendudzi dzakasiyana, vakanzi vaparadzane. Saka amai vakaenda neni nevakoma uye hanzvadzi dzangu kuGhansi, muBotswana.
Muna 1979, ndakatamira kutaundi rinonzi Lobatse, muBotswana uye ndakatanga kugara nevabereki vokurera ndichienda kuchikoro. Ndakazowana basa roumabharani pane rimwe garaji. Ndakakura ndichidavira kuti Mwari haabatsiri vanhu, unotofanira kuita zvaunokwanisa, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa, kuti uzviriritire nemhuri yako.
Sezvo ndaiva nechigaro chakakwirira pabasa, ndakabva ndawana mukana wokuba mapatsi emotokari kumunhu wandaishandira. Chitima pachaipfuura nomutaundi redu, ini neshamwari dzangu taikwiramo, uye taiba chero chataikwanisa. Ndaiitawo chitsotsi chokutengesa zvisiri pamutemo ngoda, goridhe uye bhuronzi. Ndakatangawo kunyanya kushandisa zvinodhaka, kuita zvechisimba, uye kuita vakomana vakawanda.
Zvadaro muna 1993, ndakabatwa ndichiba uye ndikabva ndabudiswa basa. “Shamwari” dzangu dzakandirasa, dzichitya kuti dzaizobatwawo. Kundirasa kwadzakaita kwakandirwadza, uye handina kuzombovimba nomumwe munhu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 1994, ndakasangana nemamishinari maviri aiva Zvapupu zvaJehovha ainzi Tim naViginia. Vakataura neni ndiri kubasa kwandakanga ndava kushanda, vachindibatsira kudzidza Bhaibheri panguva dzokudya kwamasikati. Pave paya, ndava kuona kuti ndinogona kuvimba navo, ndakavabvumira kuti vazodzidza neni kumba kwangu.
Pasina nguva ndakaona kuti kudai ndaida kufadza Mwari, ndine zvinhu zvandaifanira kurega kuita pamararamiro andaiita. Somuenzaniso, ndakadzidza kubva pana 1 VaKorinde 6:9, 10 kuti “zvifeve, . . . kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” Ndakatanga kusiya chimwe nechimwe chezvandaiita. Ndakarega kuba. Ndakarega kushamwaridzana nechikwata chematsotsi chandakakura nacho. Uye ndichibatsirwa naJehovha, ndakarega kudanana nevakomana vaya.
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Ndashanda nesimba, ndakadzidza kudzora hasha dzangu uye kusapopotera vana kana vakanganisa. (VaEfeso 4:31) Ndinoedza kutaura nezvedambudziko racho murugare. Kutaurirana seizvi kunoguma nezvakanaka zvandinenge ndichida uye kunoita kuti mhuri ibatane.
Vandaimboshamwaridzana navo, uye vavakidzani vangu, vakaona kuti vanogona kundivimba. Ndava mushandi akavimbika, akatendeseka anoziva kuchengeta zvinhu uye mari. Saka, ndinogona kuzvitarisira sezvo ndichishandisa nguva yakawanda ndichibatsira vamwe kudzidza Bhaibheri. Ndinobvuma nomwoyo wose kuti mashoko aZvirevo 10:22 anoti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: GLORIA ELIZARRARÁS DE CHOPERENA
MAKORE: 37
NYIKA: MEXICO
ZVAKAMBOITIKA: AKAMBOEDZA KUZVIURAYA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakakurira munzvimbo yakabudirira inonzi Naucalpan iri kuMexico State. Kubvira ndichiri muduku, ndaiva ndisingateereri uye ndaifarira kuenda kumapati. Ndakatanga kusvuta ndiine makore 12, kunwa doro ndava nemakore 14, uye kushandisa zvinodhaka ndava nemakore 16. Makore mashomanene pava paya, ndakabva pamba. Shamwari dzangu dzakawanda dzaibva kumhuri dzisina tsika dzakanaka, dzakakura dzichishungurudzwa nokurohwa kana kuti nokutukwa. Upenyu hwakanga husina tariro kwandiri zvokuti kaviri ndakaedza kuzviuraya.
Pandakanga ndava nemakore 19, ndakatanga kushanda setsvarakadenga yokushambadza zvinhu uye muperekedzi anobhadharwa. Saka, ndaishamwaridzana nevanhu vezvematongerwo enyika uye vezvezvinovaraidza. Ndakazoroorwa uye ndakava nevana, asi ndini ndaisarudza zvose mumhuri yangu. Ndakarambawo ndichisvuta nokunwa zvinodhaka, uye ndaipedza nguva yakawanda ndichinakirwa neshamwari. Pandaitaura ndaishandisa mashoko anonyadzisira, uye ndaifarira kutaura majee anonyadzisa. Ndakanga ndisingatani kutsamwa.
Vanhu vakawanda vandaisarudza kushamwaridzana navo vaiva noupenyu hwakafanana nehwangu. Vaindiona semunhu aiva nezvose. Asi ndakangoramba ndisina chinangwa muupenyu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muna 1998. Bhaibheri rakandidzidzisa kuti upenyu hune chinangwa. Ndakadzidza kuti Jehovha Mwari ane chinangwa chokuita kuti pasi rino rive Paradhiso, kuti achamutsa vakafa, uye kuti ndinogona kuzoraramawo muParadhiso iyoyo.
Ndakadzidzawo kuti tinoratidza kuti tinoda Mwari nokumuteerera. (1 Johani 5:3) Izvi zvakanga zvakaoma pakutanga nokuti ndakanga ndisingabvumi kuudzwa zvokuita nomumwe munhu. Asi, ndakazonzwisisa kuti ndaisagona kuramba ndichizvitungamirira ndoga muupenyu. (Jeremiya 10:23) Ndakanyengeterera kuti Jehovha anditungamirire. Ndakamukumbira kuti andibatsire kurarama maererano nemitemo yake uye kudzidzisa vana vangu kuti vasararame sezvandaimboita.
Zvaiva zvakandiomera zvikuru kuti ndirege zvandaiita, asi ndakatanga kutevedzera zano riri pana VaEfeso 4:22-24: “Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu . . . uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” Kuti ndipfeke unhu hutsva, zvaireva kuti ndaifanira kurega kusvuta, uye ndaifanira kudzidzira kutaura zvakanaka, ndisingashandisi zvinonyadzisira. Zvakanditorera makore anenge matatu kuti ndichinje zvimwe zvinhu kuitira kuti ndibhabhatidzwe somumwe weZvapupu zvaJehovha.
Uyewo, ndakatanga kunyatsokoshesa basa rangu somudzimai uye saamai. Ndakatanga kushandisa zano riri pana 1 Petro 3:1, 2 rinoti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Ndinoonga Jehovha chaizvo nokuti iye zvino ndava kuziva kuti upenyu hune chinangwa. Ndinonzwa kuti ndava kurarama zviri nani uye ndinogona kurera vana vangu zvakanaka. Dzimwe nguva ndinombozvidemba nezvandaimboita kare, asi Jehovha anoziva mwoyo wangu. (1 Johani 3:19, 20) Chokwadi zvakandichengetedza, uye zvakaita kuti ndive norugare mumwoyo kurarama ndichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: JAILSON CORREA DE OLIVEIRA
MAKORE: 33
NYIKA: BRAZIL
ZVAKAMBOITIKA: AINYANYA KUSHANDISA ZVINODHAKA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakaberekerwa muBagé, guta rokuBrazil rine vanhu vanenge 100 000, riri pedyo nomuganhu uri pakati peBrazil neUruguay. Munzvimbo yacho mainyanya kuitwa mabasa okurima uye okuchengeta mombe. Ndakakurira mudunhu revanhu vaiva varombo uye maiva nezvikwata zvaiita zvechisimba, uye zvaive zvakajairika kuona vaduku vachidhakwa nedoro uye vachishandisa zvisina kunaka zvimwe zvinodhaka.
Pandakapedza chikoro, ndakatanga kunwa doro, kusvuta mbanje, uye kuteerera mimhanzi yeheavy-metal ine mutinhimira une ruzha. Ndakanga ndisingatendi kuti kuna Mwari. Ndaifunga kuti kutambura nenyonganyonga yose iri munyika zvairatidza kuti hakuna Mwari.
Ndairidza magitare nokunyora nziyo uye ndaiwanzokurudzirwa nebhuku romuBhaibheri rinonzi Zvakazarurwa. Chikwata changu chevaimbi hachina kubudirira sezvandaitarisira, saka ndakatanga kushandisa zvinodhaka zvinokuvadza zvisingatenderwi nomutemo. Ndakanga ndisina basa nokufa zvakonzerwa nokunyanyoshandisa zvinodhaka. Vaimbi vazhinji vandainamata vakanga vafawo saizvozvo.
Ndaikwereta mari yokutenga zvinodhaka kuna ambuya vangu vakanga vandirera. Ndaivanyepera pavaindibvunza kuti mari yacho ndaiishandisei. Zvakatonyanya kuipa, ndakatanga kuita zvemadhimoni. Ndaifarira mashiripiti ane chokuita nemidzimu yakaipa, ndaifunga kuti zvaizoita kuti ndibudirire pakunyora nziyo.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pashure pokunge ndatanga kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano neZvapupu zvaJehovha, mafungiro angu akatanga kuchinja. Zvishoma nezvishoma ndakanzwa ndichida kurarama uye kufara. Zvichikonzerwa nemafungiro andakanga ndava nawo aya, ndakagera bvudzi rangu. Ndakanga ndarirega richikura kuti zviratidze kugunun’una kwangu uye kupandukira. Apa ndakanga ndava kuziva kuti kana ndaida kufarirwa naMwari, ndaifanira kurega zvinodhaka, kusvuta uye kudhakwa nedoro. Ndaifanira kurega kuteerera mimwe mimhanzi yandaifarira.
Pandakatanga kupinda misangano neZvapupu zvaJehovha, ndakaona mashoko orumwe Rugwaro akanga akanyorwa pamadziro. Aibva pana Zvirevo 3:5, 6, aiti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” Pandakafunga nezveRugwaro irworwu ndakava nechivimbo chokuti Jehovha aizondibatsira kugadzirisa upenyu hwangu kudai ndaizomubvumira kudaro.
Kunyange zvakadaro, zvakanga zvakaoma sokuzvidimbura ruoko kuti ndichinje mararamiro andakanga ndajaira zvikuru uye kusiya zvinodhaka zvakanga zvandipinda muropa. (Mateu 18:8, 9) Ndaisakwanisa kusiya zvinhu izvi zvishoma nezvishoma. Izvozvo zvakanga zvisingashandi kwandiri. Saka ndakangorega zvose kamwe chete. Ndakaregawo kuenda kunzvimbo dzose uye kushamwaridzana nevanhu vaizondinyengera kudzokera kumararamiro angu anokuvadza ekare.
Ndakadzidza kudada nezvinhu zvandainge ndagona kuita zuva nezuva kwete kungofunga zvaiodza mwoyo. Ndakaziva kuti mukuona kwaJehovha, kwaiva kukudzwa kuva munhu akachena mumuviri, mutsika, uye mune zvokunamata. Ndakanyengeterera kubatsirwa naJehovha kuti ndisadzokera kumararamiro angu ekare asi kuti ndirambe ndakatarira mberi uye akandibatsira. Dzimwe nguva ndaimbodzokera kumararamiro angu ekare. Asi pasinei neizvozvo ndakaramba ndichingoda kudzidza Bhaibheri nomudzidzisi wangu kunyange zvazvo pane dzimwe nguva ndaitambura nebhabharasi.
Zvakava nomusoro kwandiri pandakadzidza muBhaibheri chokwadi nezvaMwari kuti anotida somunhu mumwe nomumwe, kuti achaparadza chitendero chenhema, uye kuti pari zvino ndiye ari kutsigira basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose. (Mateu 7:21-23; 24:14; 1 Petro 5:6, 7) Izvi zvakangova nomusoro kwandiri. Pakupedzisira, ndakasarudza kutsaurira upenyu hwangu kuna Mwari. Ndaida kuratidza kumutenda pamusana pezvinhu zvose zvaakanga andiitira.
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Iye zvino ndiri kuona kuti upenyu hwangu hwava negwara nechinangwa. (Muparidzi 12:13) Uye pane kungotora zvinhu kumhuri yangu ndava kukwanisa kuvapawo zvimwe. Ndakaudzawo ambuya vangu zvinhu zvakanaka zvandakadzidza muBhaibheri, uye naivowo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vamwe vanoverengeka vomumhuri yedu nomumwe aimbova muchikwata chandaiimba nacho vakazvitsaurirawo.
Iye zvino ndakaroora, uye ini nomudzimai wangu tinopedza nguva yedu yakawanda tichidzidzisa vamwe zviri muBhaibheri. Ndinonzwa sokuti ndakakomborerwa zvikuru nokuti ndakadzidza ‘kuvimba naJehovha nomwoyo wangu wose.’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Zvishoma nezvishoma ndakanzwa ndichida kurarama uye kufara”