Swedera Pedyo naMwari
“Munzwi Womunyengetero”
JEHOVHA Mwari anopindura here minyengetero yevanamati vake vakazvipira kwaari nomwoyo wose? Nhoroondo iri muBhaibheri yomumwe murume asinganyanyi kutaurwa nezvake anonzi Jabhezi inoratidza kuti zvechokwadi Jehovha “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Nhoroondo pfupi iyi inowanikwa munzvimbo yatisingambofungidziri, pakati pemazita akawanda anowanika kwokutanga kwebhuku raMakoronike Wokutanga. Ngationgororei 1 Makoronike 4:9, 10.
Ndima mbiri idzi ndidzo chete dzinotaura nezvaJabhezi. Maererano nendima 9, amai vake “vakamutumidza kuti Jabhezi, vachiti: ‘Ndamubereka ndichirwadziwa.’”a Sei vakasarudza zita rakadaro? Vakarwadziwa nemimba yomwana uyu kupfuura zvinoita mamwe marwadzo okubereka here? Kuti vangadaro vakanga vava chirikadzi, vachishungurudzika nokuti vakanga vasisina murume aizochingura mwana wavo mutsva here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Asi amai ava rimwe zuva vaizova nechikonzero chokudada nomwanakomana wavo uyu. Vakoma vaJabhezi vangadaro vaiva vanhu vakarurama, asi “Jabhezi akakudzwa kwazvo kupfuura hama dzake.”
Jabhezi murume aizivikanwa nokunyengetera. Akatanga munyengetero wake nokuteterera kuti Mwari amukomborere. Zvadaro akaita zvikumbiro zvitatu zvairatidza kuti aiva nomwoyo wakazara nokutenda.
Chokutanga, Jabhezi akateterera Mwari, achiti: ‘Kudzai nharaunda yangu.’ (Ndima 10) Murume uyu aikudzwa akanga asina kuita zvokubvuta munda, uye akanga asingachivi minda yevamwe vake. Zvimwe chikumbiro chake chomwoyo wose chingadaro chaiva nechokuita nevanhu kupfuura munda. Angadaro aikumbira kuti nharaunda yake ikudzwe pasina zvokurwisana kuitira kuti ive nevanamati vaMwari wechokwadi vakawanda.b
Chechipiri, Jabhezi akateterera Mwari kuti “ruoko” rwake ruve paari. Ruoko rwaMwari rwokufananidzira isimba rake raanoshandisa kubatsira vanamati vake. (1 Makoronike 29:12) Kuti apiwe zvaainge akumbira nomwoyo wose, Jabhezi aitarisira kuna Mwari uyo ane ruoko rusina kupfupika kune vaya vanotenda kwaari.—Isaya 59:1.
Chechitatu, Jabhezi akanyengetera kuti: ‘Ndichengetei padambudziko, kuti risandikuvadza.’ Mashoko okuti “kuti risandikuvadza” angareva kuti Jabhezi akanga asinganyengetereri kuti asawirwa nedambudziko, asi kuti asashungurudzwa kana kuti asakurirwa nezvakaipa.
Munyengetero waJabhezi unoratidza kuti aiva nehanya nokunamata kwechokwadi uye kuti aiva nokutenda uye aivimba noMunzwi womunyengetero. Jehovha akamupindura sei? Nhoroondo pfupi iyi inogumisa nemashoko okuti: “Naizvozvo Mwari akaita kuti zvaakanga akumbira zviitike.”
Munzwi womunyengetero haasati achinja. Anofarira minyengetero yevanamati vake. Vaya vanotenda maari uye vanovimba naye vangava nechivimbo chokuti: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.”—1 Johani 5:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokuti Jabhezi rinobva pashoko rinoreva kuti “marwadzo.”
b Shanduro dzeMagwaro Matsvene dzechiJudha dzinonzi Targum, dzinoshandura mashoko aJabhezi seizvi: “Ndikomborerei nokundipa vana, uye kudzai miganhu yangu nevadzidzi vangu.”