RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/1 pp. 4-6
  • Munzwi Womunyengetero Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munzwi Womunyengetero Ndiani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uchapupu Hwokuti Kune Musiki
  • Munzwi Womunyengetero Munhu Akaita Sei?
  • Rumbidza Jehovha, Munzwi Wemunyengetero
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Swedera Pedyo Nemunzwi Womunyengetero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Ramba Uchinyengetera Kuti Ufarirwe naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/1 pp. 4-6

Munzwi Womunyengetero Ndiani?

KANA paine Munzwi weminyengetero, anofanira kunge ari iye Musiki. Zvechokwadi, hapana angaziva zviri mupfungwa dzako kunze kwaiye akasika uropi hwevanhu. Hapana mumwe angateerera minyengetero yevanhu ovapa zvavanokumbira muupenyu. Asi unganetseka kuti, ‘Zvine musoro here kubvuma kuti kune Musiki?’

Vakawanda vanofunga kuti kubvuma kuti kune Musiki hakupindirani nezviri kutsvakurudzwa mune zvesayenzi mazuva ano. Asi pfungwa iyoyo ndeyenhema. Chimbofunga zviri pasi apa.

◼ Tsvakurudzo ichangobva kuitwa mumayunivhesiti epamusoro-soro 21 kuUnited States inoratidza kuti pana vanamuzvinafundo 1 646 vakabvunzwa, vanenge 550 chete ndivo vaiti havatendi kuti kuna Mwari.

Chokwadi ndechokuti masayendisiti akati wandei anotenda kuti kuna Mwari.

Uchapupu Hwokuti Kune Musiki

Tinofanira kungobvuma kuti Munzwi womunyengetero ariko pasina uchapupu here? Kwete! Pfungwa yokuti kutenda kunoreva kuti unongobvuma zvinhu pasina uchapupu ndeyenhema. Bhaibheri rinoti kutenda “kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaHebheru 11:1) Imwe shanduro inoti “kutenda kunoita kuti tive nechokwadi nezvinhu zvatisati taona.” (The New English Bible) Somuenzaniso haugoni kuona masaisai anoita kuti redhiyo irire, asi kurira kweredhiyo yacho kunoratidza kuti masaisai iwayo ariko. Saizvozvowo, kunyange zvazvo tisingagoni kuona Munzwi womunyengetero, tinogona kuongorora uchapupu hunoratidza kuti ariko.

Saka tingawana kupi uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko? Tinongofanira kutarisa zvakatipoteredza. Bhaibheri rinoti: “Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Unobvumirana nemashoko aya here? Paunofunga nezvemarongerwo akaita zvinhu zvose zvakasikwa, matangiro akaita upenyu, kana kuti masikirwo akaitwa uropi hwomunhu uhwo hwakaoma chaizvo kunzwisisa, ungati panofanira kuva nomumwe munhu akangwara kutipfuura.a

Asi hatigoni kudzidza zvose nezvaMwari kubva pane zvakasikwa. Kudzidza nezvaMwari kubva pane zvakasikwa kwakafanana nokunzwa mutsindo womunhu ari kufamba panze. Ungaziva kuti pane munhu ari kufamba panze asi hauzivi kuti ndiani. Unotofanira kuvhura musuo kuti umuone. Tinofanirawo kuita zvakafanana kuti tizive munhu akasika zvinhu zvose.

Bhaibheri ndiwo musuo unoita kuti tizive nezvaMwari. Kana ukavhura musuo uyu woongorora humwe uprofita hwakadzama hurimo uye kuzadzika kwahwakaita, uchaona uchapupu hwokuti Mwari ariko.b Uyewo nhoroondo yemabatiro aiita Mwari nevanhu iri muBhaibheri inonyatsoratidza kuti Munzwi womunyengetero munhu akaita sei.

Munzwi Womunyengetero Munhu Akaita Sei?

Bhaibheri rinofananidza Munzwi womunyengetero nemunhu kuti zvitiitire nyore kumunzwisisa. Isu tinoziva munhu ari iye chete anogona kuteerera achinzwisisa. Saka tinokurudzirwa chaizvo nemashoko okuti: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.” (Pisarema 65:2) Anonzwa vaya vanonyengetera kwaari nokutenda. Uye ane zita. Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari kure nevakaipa, asi anonzwa minyengetero yevakarurama.”—Zvirevo 15:29.

Jehovha ane manzwiro akafanana needu. Ndi“Mwari worudo” uye anonziwo “Mwari anofara.” (2 VaKorinde 13:11; 1 Timoti 1:11) Panguva yakanga yanyanya kutekeshera uipi panyika, Bhaibheri rinoti Mwari “akarwadziwa mumwoyo make.” (Genesisi 6:5, 6) Zvinotaurwa nevamwe zvokuti Mwari anoedza vanhu nokuita kuti vatambure ndezvenhema. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa.” (Jobho 34:10) Asi unganetseka kuti, ‘Kana Mwari ari Musiki ane simba rose, nei achitirega tichitambura?’

Jehovha akapa vanhu rusununguko rwokuzvisarudzira zvokuita. Zvechokwadi tinofanira kukoshesa chaizvo rusununguko rwatinarwo rwokusarudza mararamiro atinoda kuita. Asi zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanosarudza kuita zvakaipa, zvoita ivo nevamwe vatambure. Saka zvinokosha kuti tifunge zvakadzama mubvunzo wokuti: Mwari aizobvisa sei kutambura vanhu vachisara vaine rusununguko rwokusarudza? Tichaongorora mubvunzo uyu munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti unzwe zvakawanda zvinoratidza kuti Mwari ariko, ona bhurocha rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking uye bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?, akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Bhurocha rinonzi A Book for All People uye bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? akabudiswa neZvapupu zvaJehovha kuti akubatsire kuona uchapupu hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari.

[Bhokisi riri papeji 5]

Chitendero Chiri Kuita Kuti Usava Nechokwadi Here?

Zvinonzwisa tsitsi kuti chitendero ndicho chiri kuita kuti vakawanda vasava nechokwadi chokuti kune Munzwi womunyengetero ane tsitsi. Kupindira kwechitendero muhondo, mukuita zvougandanga uye kurega vana vachishungurudzwa kunoita kuti kunyange vamwe vanhu vanonyengetera vagume vati, “Handitendi kuti Mwari ariko.”

Sei zvitendero zvichiwanzoita kuti zvinhu zvishate? Nyaya iripo ndeyokuti vanhu vanoita zvakaipa vachivanda nechitendero. Bhaibheri rakagara rataura kuti vamwe vaKristu vaizotsauka votanga kuita zvakaipa vachivanda nokunamata. Muapostora Pauro akaudza vakuru vechiKristu kuti: “Pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”—Mabasa 20:29, 30.

Mwari anonyangadzwa nechitendero chenhema. Shoko rake Bhaibheri rinototi chitendero chenhema chine mhosva yokudeura “ropa . . . revaya vose vakaurayiwa panyika.” (Zvakazarurwa 18:24) Zvitendero zvenhema zvine mhosva yeropa mumaonero aMwari nokuti hazvidzidzisi vanhu chokwadi nezvaMwari ane rudo rukuru.—1 Johani 4:8.

Munzwi womunyengetero anonzwira tsitsi vanhu vanodzvinyirirwa nezvitendero. Mwari anoda vanhu zvokuti munguva pfupi iri kuuya, achashandisa Jesu kutonga vanyengeri vose vari muzvitendero. Jesu akati: “Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu . . . here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:22, 23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe