RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 5/1 pp. 18-21
  • Vanhu Vasingadi Zvezhowe-zhowe Vanochenura Zita Ravo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vasingadi Zvezhowe-zhowe Vanochenura Zita Ravo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Danho Rakakurumidza Kutorwa Panyaya Yokusvibiswa Kwezita
  • Mushandirapamwe Wacho Unobaya Mwoyo Yevanhu
  • Remangwana Rakamira Sei muRussia?
  • Vanhu vokuRussia Vanokoshesa Rusununguko Rwokunamata
    Mukai!—2000
  • Zvapupu zvaJehovha muRussia
    Mukai!—1997
  • Chii Chichaitika Kuchitendero Munguva Ichauya?
    Mukai!—2001
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuRussia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 5/1 pp. 18-21

Vanhu Vasingadi Zvezhowe-zhowe Vanochenura Zita Ravo

CHIZIVISO KUVAGARI VOMURUSSIA: Kubudiswa kwenyaya ino kuchaita kuti mamiriyoni evanhu vari munyika dzinopfuura 230 vazive nezvekurambidzwa kuri kuitwa Zvapupu zvaJehovha kunamata zvakasununguka muRussia, asi kurambidzwa kwacho kusiri pamutemo. Pasi rose, magazini yeNharireyomurindi ndiyo iri kunyanya kushandurirwa mumitauro yakasiyana-siyana uye kuparadzirwa kuvanhu kupfuura mamwe magazini ose. Nyaya ino ichabudiswa mumitauro 188. Pachabudiswa magazini anopfuura mamiriyoni 40. Vamwe vakuru vakuru vomuRussia vangasada kuti vanhu vari munyika yose vazive zviri kuitika kuZvapupu zvaJehovha zviri munyika iyoyo. Asi mashoko aJesu acharatidza kuti ndeechokwadi. Akati: “Hapana chinhu chakanyatsovigwa chisingazoiswi pachena, nechakavanzika chisingazozivikanwi.”​—RUKA 12:2.

MUNA December 2009 uye January 2010, matare maviri epamusoro-soro okuRussia akapa mutongo wokuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoda kukanganisa magariro evanhu. Kare Zvapupu zvakambopomerwa mhosva iyi. Makore aitonga hurumende yeSoviet Union kuRussia, zviuru zveZvapupu zvaipomerwa kuti vapanduki. Vamwe vaitodzingwa munyika, vamwe vachivharirwa mumajeri uye mumisasa yevasungwa. Zvapupu zvaJehovha zvakazosunungurwa pakaparara hurumende yacho. Hurumende itsva yakazovapo yakachenesa zita reZvapupu.a Iye zvino zvava kuita sokuti vamwe vanhu vava kudazve kusvibisa zita reZvapupu.

Kutanga-tanga kwegore ra2009, vakuru-vakuru vakatanga kurambidza Zvapupu zvaJehovha kunamata zvakasununguka. Mumwedzi waFebruary chete, vachuchisi vakabvunzurudza nyaya dzinopfuura 500 munyika yose. Nechinangwa chei? Kuti vaone kana zvaipomerwa Zvapupu zvaiva zvechokwadi. Mumwedzi yakatevera yacho, mapurisa akavhiringidza misangano inoitwa murunyararo paDzimba dzoUmambo uye mudzimba dzevanhu. Vakatora mabhuku uye midziyo yeZvapupu. Vakuru-vakuru vakadzinga magweta aibva kune dzimwe nyika aimiririra Zvapupu uye vakaarambidza kudzokazve munyika iyi.

Musi wa5 October, 2009, vanoona nezvekupinda kwezvinhu munyika vepabhodha riri pedyo neSt. Petersburg vakatora mabhuku eZvapupu anotaura nezveBhaibheri. Mabhuku acho akanga adhindwa kuGermany uye aiendeswa kuungano dzakawanda dziri muRussia. Rimwe boka rekuRussia rinoona nezvokuti munyika musapinda zvinhu zvine ngozi rakaongorora mabhuku acho. Nemhaka yei? Rimwe gwaro rehurumende rakati mabhuku acho “anogona kunge aine mashoko anorwisanisa zvitendero.”

Kutambudzwa kwacho kwakazokora muto. Matare Epamusoro-soro anoti reRussian Federation uye reAltay Republic akapa mutongo wokuti mabhuku akawanda eZvapupu, kusanganisira magazini ino yauri kuverenga, ndeekuda kukanganisa magariro evanhu. Zvapupu zvaJehovha zvakakwidza nyaya yacho kune mamwe matare uye dzimwe nyika dzakaratidza kushushikana nenyaya iyi, asi hazvina zvazvakabatsira. Mutongo wedare hauna kuchinja, saka mabhuku anotaura nezveBhaibheri anorambidzwa kupinda kana kuparadzirwa muRussia.

Zvapupu zvakaita sei nezvavaiitirwa zvokuda kusvibisa zita ravo uye kuregedzeswa kuita basa ravo? Uye mutongo weMatare unorevei panyaya yerusunguko rwokunamata kuvagari vose vomuRussia?

Unofunga Kuti Mabhuku Aya Anokanganisa Magariro Evanhu Here?

The cover of a book

Mamwe mabhuku eZvapupu zvaJehovha akanzi nedare reRussian Federation Supreme Court anokanganisa magariro evanhu ndeaya:

  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheric (riri pamusoro)

  • Swedera Pedyo naJehovha

  • Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?

  • Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhud

  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Vhoriyumu 1e

  • Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?f

Mabhuku aya anokurudzira kuremekedza Mwari neShoko rake Bhaibheri. Anokurudzira vaverengi kuti vashandise simba ravo rokufunga uye kuti vanyatsoongorora dzidziso nouzivi zvavanodzidziswa. Unofunga kuti mabhuku akadaro anofanira kurambidzwa here?

c Mabhuku aya unogona kuaverenga mumitauro yakawanda paIndaneti, pakero inoti www.watchtower.org.

d Mabhuku aya unogona kuaverenga mumitauro yakawanda paIndaneti, pakero inoti www.watchtower.org.

e Mabhuku aya unogona kuaverenga mumitauro yakawanda paIndaneti, pakero inoti www.watchtower.org.

f Mabhuku aya unogona kuaverenga mumitauro yakawanda paIndaneti, pakero inoti www.watchtower.org.

Zvitupa Zvokusunungurwa

PaZvapupu zvakasungwa panguva yaitonga Soviet Union, vakapedzisira kusunungurwa vakabuda mujeri muna 1990. Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakafara chaizvo kuti mazita azvo akachenurwa, uye vakapiwa zvitupa zvokuti vakanga vasiri “mhandu dzenyika,” asi vaiva vangosungwa vasina mhaka. Magwaro iwayo anonzi Zvitupa Zvokusunungurwa.

Danho Rakakurumidza Kutorwa Panyaya Yokusvibiswa Kwezita

Vladimir Litvin

Vladimir Litvin (ane makore 81) akadzingwa munyika akaendeswa kuKrasnoyarskiy Kray paaiva nemakore 14. Mangwanani-ngwanani omusi weChishanu waiitwa mushandirapamwe, akatungamirira boka reZvapupu zvaJehovha pavaipa vanhu turakiti rinokosha

Musi wa26 February, 2010, Zvapupu zvaJehovha zvinenge 160 000 muRussia yose, zvakatanga kuparadzira maturakiti mamiriyoni 12 aiva nemusoro unoti, Could It Happen Again? A Question for the Citizens of Russia. Somuenzaniso, muguta rinonzi Usol’ye-Sibirskoye kuSiberia, mazana eZvapupu akanga ava mumigwagwa nenguva dza5:30 mangwanani. Vamwe vavo vakanga vamboendeswa kuSiberia muna 1951 nemhaka yezvavanotenda. Chando chairova zvokuti tembiricha yakadzikira kusvika pa-40°C asi vakashingirira kuti vape vanhu maturakiti aisvika 20 000 avaiva nawo.

Nikolai Yasinski

Nikolai Yasinskiy (ane makore 73) akaita mushandirapamwe nomwoyo wose. Akabvunza kuti, “Ichokwadi here kuti vachatitambudzazve votitorera kodzero dzedu dzokunamata Jehovha?”

Zvapupu zvaJehovha zvakaita musangano wakapindwa nevatori venhau muMoscow, guta guru reRussia kuti zvizivise nezvemushandirapamwe uyu wemazuva matatu. Mumwe wevakakokwa kuti vazotaura ndivaLev Levinson, nyanzvi yesangano rinorwira kodzero dzevanhu rinonzi Human Rights Institute. Vakarondedzera muchidimbu kushungurudzwa uye kutambudzwa pasina chikonzero kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha munguva yehurumende yeNazi kuGermany uye yeSoviet Union. Vakataurawo kuti Zvapupu zvakazosunungurwa zviri pamutemo. Vakataurawo kuti: “VaYeltsin, vaimbova Mutungamiriri wenyika vakapa murayiro wokuti vanhu vezvitendero zvose vakatambudzwa panguva yaitonga hurumende yeSoviet Union vanamate vakasununguka. Uye vaifanira kudzorerwa zvinhu zvavo zvose zvavakarasikirwa nazvo. Panguva yaitonga Soviet Union, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina zvinhu, saka zita razvo ndiro rakangocheneswa.”

Zita iroro rava kusvibiswazve. VaLevinson vakati: “Vanhu ava vari kutambudzwa pasina chikonzero nenyika yakambovakumbirazve ruregerero.”

Mushandirapamwe Wacho Unobaya Mwoyo Yevanhu

Mushandirapamwe wokuparadzira turakiti wakashanda here? VaLevinson vakati: “Pandanga ndichiuya kumusangano uno, ndaona vanhu vakagara vachiverenga turakiti riri kuparadzirwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose yeRussia. . . . Vanhu vari kunyatsoriverenga.”b Somuenzaniso, ona zvakaitika zvinotevera.

Vamwe ambuya vanogara munzvimbo izere vechitendero chechiIslam iri nechepakati peRussia, vakagamuchira turakiti racho vachibva vabvunza kuti raitaura nezvei. Pavakaudzwa kuti raitaura nezvekodzero dzevanhu uye nyaya yerusununguko muRussia, vakati: “Mumwe munhu azofungawo nezvenyaya iyi nhai! Nokuti Russia yanga yava kutoita zvaiitwa paitonga Soviet Union. Maita basa chaizvo. Muri kuita basa rakazonaka!”

Mumwe mukadzi anogara kuChelyabinsk akapiwawo turakiti racho akati: “Ndatopiwa rimwe uye ndatoriverenga. Ndiri kukutsigirai chaizvo. Handisati ndaona imwe chechi inogona kudzivirira zvainotenda nenzira yakarongeka seizvi. Ndinofarira mapfekero enyu uye kutaura nokungwaririra kwamunoita. Zviri pachena kuti mune chivimbo chizere chokuti zvamunotenda ichokwadi. Ndinoona sokuti Mwari anemi.”

Mumwe murume wokuSt. Petersburg uyo akataura kuti akanga atopiwa turakiti racho, akabvunzwa kuti akanga afarira here zvaakanga averenga mariri. Akapindura kuti, “Ndazvifarira.” Akaenderera mberi achiti, “Pandanga ndichiriverenga, ropa rangu rati zh-rrr uye ndatochema. Mbuya vangu vaidzvinyirirwa [munguva yaitonga hurumende yeSoviet] uye vakanditaurira zvakawanda nezvevanhu vavaiva navo mujeri. Maiva muzere matsotsi kwozongoitawo vamwe vakanga vasina mhosva asi vakasungirwa zvitendero zvavo. Ndinofunga kuti munhu wose anofanira kuziva zvaiitika, saka zvamuri kuita zvakanaka.”

Mashoko Ane Simba

A special tract in Russian

Turakiti rinonzi Could It Happen Again? A Question for the Citizens of Russia rinonyatsoratidza vanhu vose veko kuti Zvapupu zvaJehovha hazvikanganisi magariro evanhu. Rinofumura zviri kuitwa kusvibisa zita reZvapupu zvaJehovha richiti zvakafanana nekutambudzwa kusina kukodzera kwakaitwa Zvapupu munguva yaitonga Soviet Union. Turakiti racho rinokumbira vaverengi kuti vaende pakero yepaIndaneti inoti, www.jw-russia.org, pavanogona kuwana mamwe mashoko nezvebasa reZvapupu zvaJehovha muRussia uye matangiro azvakaita. Turakiti racho rinotaurawo nezvekero yevhidhiyo iri paIndaneti yakaiswa naPurezidheni weRussia Dmitri Medvedev, achicherechedza Zuva Rokuyeuka Vanhu Vakatambudzwa Nevematongerwo Enyika.g Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvaingova zvishomanana muSoviet Union panguva iyoyo, ndivo vamwe vanhu vakaitirwa utsinye chaizvo nehurumende yeSoviet.

g Ona bhokisi rinoti “Kuyeuka Vakadzvinyirirwa.”

Remangwana Rakamira Sei muRussia?

Stepan and Yelena Levitsky

Stepan Levitsky (ane makore 85) nomudzimai wake Yelena. Akapedza makore gumi ari mujeri nokungoti akabatwa aine magazini imwe chete yeNharireyomurindi

Zvapupu zvaJehovha zvomuRussia zvinokoshesa kumboti sunungukei kwazvakaita mumakore 20 apfuura. Asi zvinoziva kuti rusununguko irworwo rwunogona kungomuka rusisipo. Hatizivi hedu kana kupomerwa zvenhema kwavari kuitwa kuchireva kuti Russia yava kudzokera pakudzvinyirira sezvayaimboita. Izvozvo zvichazoonekwa nokufamba kwenguva.

Nyangwe kwouyei, Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuramba zvichiita basa razvo rokuparidza mashoko eBhaibheri anotaura nezverugare uye tariro. Vakataura chitsidzo chavo muturakiti rinokosha vachiti, “Udzvinyiriri hahuzombobudiriri. Hatizomboregi kutaura nezvaJehovha Mwari neShoko rake Bhaibheri, asi tichazviita neuchenjeri uye noruremekedzo. (1 Petro 3:15) Hatina kurega pataishungurudzwa munguva yeNazi Germany, hatinawo kurega paiitwa zveudzvinyiriri munyika ino uye iye zvino hatisi kuzomborega.”—Mabasa 4:18-20.

Kuyeuka Vakadzvinyirirwa

Munguva pfupi yapfuura, vanhu vokuRussia pavaiyeuka vanhu vakanga vakadzvinyirirwa panguva yaitonga hurumende yeSoviet Union, Mutungamiriri wenyika yeko vaDmitri Medvedev akataura kuti:

“Nhasi iZuva Rokuyeuka Vanhu Vakatambudzwa Nevematongerwo Enyika. . . . Zvakaoma kuedza kufungidzira kutambudzwa kwavakaitwa munyika yose . . . Vanhu vakasiyana-siyana verudzi rwedu vakaurayiwa. . . . Vanhu vezvitendero zvose vakaoneswa chitsvuku. [Tiri kuyeuka] mamiriyoni evanhu akaurayiwa. Tinoyeuka zvekare vanhu vakaurayiwa vasina kana kumbomiswa mudare; vamwe vakadzingwa munyika vachiendeswa kumisasa yevasungwa, vachinyimwa kodzero dzavo pamusana pokuti basa ravaisarudza rainzi rakaipa kana kuti rudzi rwavaibva rwakanga rwusingadiwi. Aipomerwa mhosva pamwe chete nevaimubatsira uye mhuri dzavo vainzi ‘imhandu dzenyika.’ Ngatimbozvifungai: Mamiriyoni evanhu akafa pamusana pokupomerwa nhema uye kurohwa. Vakanyimwa kodzero dzavo dzose dzinosanganisira kodzero yokuvigwa zvinoremekedzeka. Kwemakore akawanda hapana akambofunga nezvavo.

Hapana chatingambozvipembedza nacho nezveudzvinyiriri hwakaitika.”

a Ona Bhokisi rakanzi “Zvitupa Zvokusunungurwa.”

b Zvapupu zvaJehovha zvokuMoscow zvakatanga kugovera turakiti racho pachine maawa kuti musangano uyu utange.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe