RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 6/1 pp. 26-27
  • Wati Wambonzwa Sokuti Uri Zambiringa Munyemba Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wati Wambonzwa Sokuti Uri Zambiringa Munyemba Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Vakatsungirira Minzwa Munyama Yavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Dhavhidhi Akaratidza Rudo Rusingachinji
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 6/1 pp. 26-27

Dzidzisai Vana Venyu

Wati Wambonzwa Sokuti Uri Zambiringa Munyemba Here?

KUVA zambiringa munyemba kuonekwa nevamwe sokuti haukodzeri kushamwaridzana navo. Zvingava zvichibva pakusiyana kweruvara rweganda, kwaunobva, matauriro kana maitiro ako. Iwe unombonzwa sokuti uri zambiringa munyemba here?—a

Ngatimbokurukurai nezvomumwe murume akambonzwa saizvozvo. Ainzi Mefibhosheti. Ngationei kuti aiva ani uye kuti chii chaiita kuti anzwe semanzwiro aaiita. Kana wakamboona sokuti wava zambiringa munyemba, une zvakawanda zvaungadzidza kubva kuna Mefibhosheti.

Mefibhosheti aiva mwanakomana waJonatani, shamwari yaDhavhidhi yepamwoyo. Jonatani asati afira kuhondo, akanga audza Dhavhidhi kuti: ‘Uitire vana vangu zvakanaka.’ Dhavhidhi akava mambo, uye kwapera makore akati akazoyeuka zvakanga zvataurwa naJonatani. Mefibhosheti akanga achiri mupenyu. Paaiva achiri muduku, akaita tsaona yakamukuvadza akasara asingachagoni kufamba. Uri kuona here chingava chaiita kuti Mefibhosheti aone sokuti aiva zambiringa munyemba?—

Dhavhidhi aida kuitira mwanakomana waJonatani zvakanaka. Saka akaronga kuti Mefibhosheti azogara pedyo naye muJerusarema, uye akaita kuti achengeterwe nzvimbo patafura yaDhavhidhi yokudyira. Zibha nevanakomana vake nevashumiri vake, vakanzi vashandire Mefibhosheti. Uku ndiko kunonzi kukudzwa chaiko kwakaitwa mwanakomana waJonatani! Unoziva here kuti chii chakazoitika?—

Mumba maDhavhidhi zvinhu zvakatanga kuita manyama amire nerongo. Mumwe wevanakomana vake ainzi Absaromu akamupandukira achida kumubvutira umambo. Dhavhidhi aifanira kutiza kuti asaurayiwa. Vanhu vakatevera Dhavhidhi nokuti vainyatsoziva kuti ndiye akanga akakodzera kuva mambo. Mefibhosheti aidawo kuenda asi akatadziswa nenyaya yokuremara.

Zibha akabva audza Dhavhidhi kuti Mefibhosheti akanga asara nokuti aitoda kuva mambo. Zvinosuwisa kuti Dhavhidhi akatenda nhema idzodzo! Saka akabva apa Zibha zvinhu zvose zvaiva zvaMefibhosheti. Munguva pfupi Dhavhidhi akakurira Absaromu achibva adzoka kuJerusarema. Dhavhidhi ndopaakazonzwa mafambiro akanga aita nyaya naMefibhosheti. Dhavhidhi akazoti Mefibhosheti naZibha vagovane pfuma yacho. Unofunga kuti Mefibhosheti akaita sei?—

Haana kumbochema-chema kuti zvakanga zvaitwa naDhavhidhi zvaiva zvisina kunaka. Mefibhosheti aiziva kuti mambo aida runyararo kuitira kuti atonge zvakanaka. Saka akati Zibha atore hake pfuma yacho yose. Kuna Mefibhosheti chikuru chaiva chokuti Dhavhidhi mushumiri waJehovha akanga adzoka kuJerusarema ari mambo.

Mefibhosheti akatambura zvokutambura zviya. Kazhinji aizviona sezambiringa munyemba. Asi Jehovha aimuda uye aimutarisira. Tingadzidzei panyaya iyi?— Kunyange patinoita zvakanaka, vanhu vangatinyepera. Jesu akati: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.” Vanhu vakatouraya Jesu! Tine chokwadi chokuti kana tikaita zvakanaka, Mwari wechokwadi Jehovha pamwe noMwanakomana wake Jesu, vachatida.

Verenga muBhaibheri rako

  • 1 Samueri 20:15-17, 41, 42

  • 2 Samueri 4:4; 9:1-10; 19:24-30

  • Johani 15:18

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe