RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 9/1 pp. 30-31
  • Kupomerwa Zvenhema!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupomerwa Zvenhema!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatingaita Kuti Tikunde Miedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 9/1 pp. 30-31

Zvevechiduku

Kupomerwa Zvenhema!

JOSEFA—CHIKAMU 2

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Josefa, Potifari, nomudzimai wake

Nyaya yacho muchidimbu: Josefa anosungwa zvisiri pamutemo, asi Jehovha anaye.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 39:7, 10-23.

Unofunga kuti inzwi romudzimai waPotifari rainzwika sei paaipomera Josefa zvenhema?

․․․․․

Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakanga zvakaita mujeri macho.

․․․․․

Josefa paakatanga kusvika kujeri, unofunga kuti aibatwa sei? (Zvingangokubatsira: Ona Pisarema 105:17, 18.)

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Kudai Josefa akanga asina kutenda kwakasimba, panguva yose yaaiva mujeri angadai akaguma afungei? (Zvingangokubatsira: Ona Jobho 30:20, 21.)

․․․․․

Tinoziva sei kuti Josefa haana kufunga kuti Jehovha ndiye aiita kuti atambure? (Zvingangokubatsira: Ona Genesisi 40:8; 41:15, 16.)

․․․․․

Unofunga kuti unhu hupi hwakabatsira Josefa kuti atsungirire kusungwa kwaakaitwa iye asina mhosva? (Zvingangokubatsira: Verenga uye fungisisa magwaro anotevera: Mika 7:7; Ruka 14:11; Jakobho 1:4.)

․․․․․

Josefa paaiva mujeri zvii zvaakadzidza, uye izvi zvakazomubatsira sei muupenyu? (Zvingangokubatsira: Ona Genesisi 39:21-23; 41:38-43.)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kubatsirwa kunozoitwa vaya vanenge vatsungirira.

․․․․․

Zvaungadzidza paunenge uchitambura.

․․․․․

Kutsigirwa kwaunoitwa naJehovha paunenge uchiedzwa.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Wakambozviwana uchinetseka uye usina wokuturira matambudziko ako here? Kunyange pawaiedzwa, Jehovha angadaro aikubatsira sei? (Zvingangokubatsira: Verenga uye fungisisa 1 VaKorinde 10:13.)

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana usina Bhaibheri, kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti riverenge paIndaneti www.watchtower.org

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe