Zvevechiduku
Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Nakidzwa nenyaya yacho sowaivapo.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA RUKA 2:41-47.
Unofungidzira kuti vadzidzisi vakakurukura nyaya dzipi naJesu sezviri mundima 46?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Unofunga kuti nei Jesu akakwanisa kukurukura nevatungamiriri vechitendero pazera duku rakadaro? Nokuti akanga akakwana here kana kuti pane zvimwewo zvikonzero?
․․․․․
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA RUKA 2:48-52.
Unofunga kuti Jesu akaratidza mafungiro api paakabvunzwa kuti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka?”
․․․․․
Nei tiine chokwadi chokuti Jesu haana kutsvinyira kana kuti kutaura asingaremekedzi vabereki vake?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Nei zvichinzwisisika kuti Josefa naMariya vakashungurudzika mupfungwa?
․․․․․
Kunyange zvazvo Jesu akanga akakwana, nei aifanira kuramba achiteerera vabereki vake?
․․․․․
Unofunga kuti Jesu angave akanyara here kururamiswa pamberi pevanhu vaimuyemura?
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kuteerera.
․․․․․
Kukosha kwokuwana zivo yeBhaibheri uchiri muduku.
․․․․․
ZVII ZVIRI MUNYAYA IYI YOMUBHAIBHERI ZVANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․