Waizviziva Here?
Pavaapostora 12 vaJesu pane vaiva noukama naye here?
▪ Magwaro haanyatsotipa mhinduro chaiyo pamubvunzo uyu. Kunyange zvakadaro mamwe mashoko anoratidza sokuti Jesu akanga aine ukama nevamwe pavaapostora 12, uye ndizvo zvakagara zvichingotaurwa nevanhu.
Vanyori veEvhangeri vanonyora mazita evakadzi vainge vakatarisa Jesu apo ainge ava kufa ari padanda rokutambudzikira. Johani 19:25 inotaura kuti ndivanaani, ichiti: “Amai vake [Mariya] nomunun’una waamai vake; Mariya mudzimai waKropasi, naMariya Magadharini.” Tikaenzanisa rugwaro urwu nezvinorondedzerwa naMateu naMako panyaya imwe chete iyi, tinopedzisira taona kuti munun’una waamai vaJesu akanga ari Sarome. Saka zvinoratidza sokuti Sarome ndiye amai vevanakomana vaZebhedhi. (Mateu 27:55, 56; Mako 15:40) Mune dzimwe ndima vanakomana vake vanonzi ndiJakobho naJohani, zvobva zvaita kuti vave vakoma kana kuti vanun’una vaJesu, vokwamainini vake. Jesu akadana mukoma nomunun’una ava, vakanga vari varedzi vehove kuti vave vadzidzi vake.—Mateu 4:21, 22.
Mamwewo mashoko asiri omuBhaibheri anoratidza kuti Kiropasi kana kuti Arifiyosi murume womumwe wevakadzi vanotaurwa nezvavo pana Johani 19:25, akanga ari mukoma kana kuti munun’una waJosefa, baba vaJesu vokurera. Kana kuri kuti mashoko aya ndeechokwadi, Jakobho mwanakomana waArifiyosi mumwe vevaapostora 12, akanga ariwo munun’una waJesu wokwababamukuru kana wokwababamunini vake.—Mateu 10:3.
Johani Mubhabhatidzi naJesu vakanga vane ukama hwei?
▪ Vamwe vanofunga kuti Jesu naJohani Mubhabhatidzi vaiva mukoma nomunun’una. Izvi zvinenge zvinobva pakusashandurwa zvakanaka kworugwaro rwaRuka 1:36. Somuenzaniso, parugwaro urwu, shanduro yeKing James Version inoti, amai vaJohani Erizabheti, uye amai vaJesu Mariya, vakanga vari mukoma nomunun’una asi vasiri vomudumbu rimwe chete.
Asi kutaura chokwadi, shoko rakashandiswa pachiGiriki chepakutanga mundima iyi rakanga risinganyatsoratidzi kuti rinonyatsorevei. Rinongoratidza chete kuti vakadzi vaviri ava vakanga vane ukama, kwete kuti vaiva mukoma nomunun’una. Semataurirwo azvinoitwa neThe Interpreter’s Dictionary of the Bible, “shoko racho rinoreva zvakawanda, zvobva zvaita kuti zviome kuziva kuti ukama hwacho hwakanga hwakamira sei.” Saka nyaya yokuti Jesu naJohani vakanga vari mukoma nomunun’una inobva kupi? The Catholic Encyclopedia inopindura kuti: ‘Mashoko ose ane chokuita nevabereki vaMariya anobva mumabhuku atisina chokwadi nawo.’
Saka kunyange hazvo Jesu naJohani vakanga vasina ukama hwepedyo, pakanga pane kaukama.