Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Nei Mwari Akakumbira Abrahamu Kuti Ape Mwanakomana Wake Sechibayiro?
▪ Bhuku reBhaibheri raGenesisi rinoti Jehovha Mwari akakumbira Abrahamu kuti ape mwanakomana wake Isaka sechibayiro. (Genesisi 22:2) Vamwe vanoverenga Bhaibheri vanoomerwa nokunzwisisa nhoroondo iyoyo. Mumwe muzvinafundo anonzi Carol anoti: “Pandakatanga kunzwa nyaya iyi ndichiri muduku ndakavira nehasha. NdiMwari worudzii iyeye anokumbira munhu kuti aite chinhu chakaipa kudaro?” Kunyange zvazvo mafungiro akadaro achinzwisisika, zvakanaka kuti tiyeuke pfungwa dzinotevera.
Chokutanga, funga zvisina kuitwa naJehovha. Haana kuzorega Abrahamu achibayira mwana wake, kunyange zvazvo Abrahamu akanga azvipira kumubayira. Uyewo Mwari haana mumwezve munhu waakazombokumbira kuita chinhu chakadaro. Jehovha anoda kuti vanamati vake vose, kusanganisirawo vana vaduku, vararame kwenguva yakareba vachigutsikana.
Chechipiri ndechokuti Bhaibheri rinoratidza kuti paiva nechikonzero chinokosha chakaita kuti Jehovha akumbire Abrahamu kuti abayire Isaka. Mwari aiziva kuti mazana emakore akawanda aizotevera, iye aizopa Mwanakomanaa wake Jesu kuti afire vanhu. (Mateu 20:28) Jehovha aida kutiratidza kuti chibayiro ichi chaizomurwadza zvakadini. Zvaakakumbira Abrahamu zvaienzanisira zvakajeka zvaizenge zvakaita chibayiro ichocho chomunguva yemberi. Sei?
Funga zvakaudzwa Abrahamu naMwari zvokuti: “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka, . . . umupe sechinopiwa chinopiswa.” (Genesisi 22:2) Ona kuti Jehovha akataura naAbrahamu achiti Isaka mwanakomana “waunoda kwazvo.” Jehovha aiziva kuti Abrahamu aida Isaka chaizvo. Iwayo ndiwo manzwiro aiitawo Jehovha nezveMwanakomana wake Jesu. Aimuda chaizvo zvokuti akataura nezvake kaviri achiti “Mwanakomana wangu, anodiwa.”—Mako 1:11; 9:7.
Cherechedzawo kuti Jehovha paaikumbira Abrahamu akataura shoko rokuti “ndapota.” Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti kushandiswa kwakaitwa shoko iri naMwari kunoratidza kuti “ISHE anonzwisisa kurwadziwa kwaizoitwa Abrahamu kana auraya mwana wake.” Kana Abrahamu akashungurudzika nenyaya iyi, Jehovha anofanira kunge akatoshungurudzika zvakanyanya paaiona Mwanakomana wake achiyaura uye achifa. Zviri pachena kuti hapana chimwe chinhu chakanga chamurwadza kana chichazombomurwadza saizvozvo.
Saka, kunyange zvazvo tinganetseka kuti sei Jehovha aizokumbira Abrahamu kuita zvinhu zvakadaro, kuchenjera kuyeuka kuti Jehovha haana kuzorega Abrahamu achiuraya Isaka. Haana kuita kuti Abrahamu aite zvinhu zvaizoita kuti arwadziwe chaizvo nokurasikirwa nemwana wake uyewo akadzivirira upenyu hwaIsaka. Asi Jehovha haana “kuramba noMwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose.” (VaRoma 8:32) Sei Jehovha akazvirwadzisa zvakadaro? Akaita izvozvo kuitira kuti “tiwane upenyu.” (1 Johani 4:9) Ichi hachisi chiyeuchidzo chakasimba here chokuti Mwari anotida? Hazvitikurudziri here kuti timudewo sezvaanotiita?b
[Mashoko Omuzasi]
a Bhaibheri haridzidzisi kuti Mwari akarara nemukadzi kuti abereke Jesu. Asi Jehovha ndiye akamusika sengirozi achibva azotamisa upenyu hwake kuti aberekwe nemhandara yainzi Mariya. Sezvo Mwari ariye akasika Jesu, zvakakodzera kuti anzi Baba vake.
b Kuti udzidze zvakawanda nezvokuti nei Jesu aifanira kufa, uye maratidziro atingaita kuti tinokoshesa rufu rwake, ona chitsauko 5 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?