RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 pp. 5-6
  • Abrahamu—Murume Aiva Nokutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Abrahamu—Murume Aiva Nokutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Abrahamu naSara Vakateerera Mwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 pp. 5-6

Abrahamu—Murume Aiva Nokutenda

Manheru kwati mwiro-o, Abrahamu anomira panze. Paanotarisa denga riri kupenya nenyeredzi anobva afunga vimbiso yaMwari yokuti vana vake vachawanda senyeredzi idzodzo. (Genesisi 15:5) Nyeredzi idzodzo dzinoyeuchidza Abrahamu nezvevimbiso yaJehovha uye dzinoita kuti ave nechokwadi chokuti achaizadzisa. Uyezve, kana Jehovha aine simba rokusika zvinhu zvose zviri pasi nokudenga, haangambotadzi kuita kuti Abrahamu naSara vave nemwana. Aya ndiwo masimbiro akaita kutenda kwaAbrahamu.

CHII CHINONZI KUTENDA? MuBhaibheri shoko rokuti “kutenda” rinoreva kunyatsova nechokwadi chokuti chimwe chinhu chausiri kuona chichaitika. Kutenda uku kunobva pauchapupu hwakasimba hunenge huripo. Munhu anotenda muna Mwari anofunga nezvekuzadzika kwevimbiso dzaJehovha achiona zvinhu zvacho sokuti zvatoitika.

ABRAHAMU AKARATIDZA SEI KUTENDA? Abrahamu akaratidza kuti aivimba nezvipikirwa zvaMwari. Nemhaka yokuti Abrahamu aiva nokutenda kwakasimba, akabva munyika yaakaberekerwa aine chivimbo chokuti Jehovha aizozadzisa zvaakataura zvokuti aizomuendesa kune imwe nyika. Aingotama-tama munyika yeKenani, aine chokwadi chokuti vana vake vaizogara munyika iyi. Uye nemhaka yokuti aiva nokutenda, akateerera paakanzi ape Isaka sechibayiro aine chivimbo chokuti Jehovha aizomumutsa kana aona zvakakodzera.—VaHebheru 11:8, 9, 17-19.

Abrahamu haana kuramba achifunga zvaakanga asiya asi akafunga zvaiva mberi. Kunyange zvazvo Abrahamu naSara vakanga vamborarama upenyu hwomutambarakede muUri kusiyana nezvavakanga vava muKenani, “havana kuramba vachiyeuka nyika yavakanga vasiya.” (VaHebheru 11:15, Today’s English Version) Asi vakaramba vachifunga nezvokukomborerwa kwavaizoitwa naMwari ivo nevana vavo.—VaHebheru 11:16.

Abrahamu aiva nezvikonzero zvakadzama zvokuva nokutenda kwakadaro here? Hongu, nokuti Jehovha akazadzisa zvose zvaakanga amuvimbisa. Vana vaAbrahamu vakazopedzisira vawanda kusvikira vava rudzi rwainzi Israeri. Nokufamba kwenguva, vaIsraeri vakazogara muKenani, inova ndiyo nyika yakanga yavimbiswa Abrahamu naJehovha.—Joshua 11:23.

TINODZIDZEI? Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achazadzisa zvaakapikira. Kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti zvimwe zvacho hazvizombofi zvaitika, tine chivimbo chokuti “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26.

Muenzaniso waAbrahamu unotidzidzisawo kuti tisaramba tichifunga zvaiva zvakaita upenyu hwedu hwekare asi tifunge zvatichawana mune remangwana. Mumwe murume anonzi Jason akadzidza chidzidzo ichocho. Jason ane chirwere chakaipisisa chakamusiya aoma mitezo asisina zvaachakwanisa kuita. “Ichokwadi kuti dzimwe nguva ndinombofunga zvandaiva ndakaita,” anodaro Jason. Anowedzera kuti: “Zvinhu zvingaita sezvidiki zvakadai sokumbundira mudzimai wangu Amanda, ndizvo zvandinonyanya kusuwa.”

Kunyange zvakadaro, Jason anotenda zvakasimba kuti Jehovha achazadzisa zvaanovimbisa zvakadai sokuti munguva pfupi iri kuuya pasi redu richava paradhiso uye kuti vanhu vakatendeka vachapiwa upenyu husingaperi vaine utano hwakanaka.a (Pisarema 37:10, 11, 29; Isaya 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:3, 4) Jason anoti: “Ndinozviudza kuti nguva dzakanakisisa dziri mberi. Munguva pfupi iri kuuya, zvinhu zvakadai sekunetseka, kuzvidya mwoyo, kusuruvara uye kuzvipa mhosva zvichange zvisisipo zvachose.” Chokwadi uyu muenzaniso wakazonaka wokutenda kwakafanana nekwaAbrahamu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti udzidze zvakawanda nezvepasi richazova paradhiso, ona zvitsauko 3, 7, ne8 zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe