RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 2/1 pp. 10-13
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 2/1 pp. 10-13

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mumwe murimi asiye zvokurima fodya uyewo chitendero chaakanga akadzika midzi machiri? Mumwe mukadzi aiva chidhakwa akakwanisa sei kuchinja mararamiro ake? Verenga zvakataurwa nevanhu ava.

“Ndinofara kuva mumhuri iyi yakakura.”—DINO ALI

GORE ROKUBEREKWA: 1949

NYIKA: AUSTRALIA

NHOROONDO YOUPENYU: MURIMI WEFODYA

MARARAMIRO ANDAIITA: Vabereki vangu vakatama kuAlbania muna 1939 vachienda kuMareeba, guta duku riri muQueensland, kuAustralia. Kune vanhu vakawanda vokuBosnia, Greece, Italy, Serbia nevamwewo vakauya kuzogara munzvimbo iyi, uye havana kusiya tsika dzavo. MuMareeba mairimwa fodya chaizvo uye vabereki vangu vakatanga kuirimawo.

Vachangotamirako, hanzvadzi yangu yakaberekwa ichiteverwa nemadzikoma angu maviri, pachizouya ini. Baba vangu vakafa nechirwere chemwoyo ndiine gore rokuberekwa. Amai vakazoroorwazve ndokubereka vamwe vana 4. Tose takakurira papurazi rababa vokurera.

Ndava mumakore okuyaruka ndakanogara kwangu ndoga. Ndava nemakore 23, ndakachata naSaime muchechi yechiMuslim yataipinda. Hama dzangu dzose dzaivawo vaMuslim. Ndaiverenga bhuku rinonzi Koran uye rimwe bhuku raitaura nezvenhoroondo yomuprofita wechiMuslim ainzi Muhammad. Panguva iyi ndaiverengawo Bhaibheri. Koran rinotaurawo nezvevaprofita vomuBhaibheri, saka kuverenga kwandaiita Bhaibheri kwakaita kuti ndizive kuti vakararama rini.

Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuuya kumba kwedu uye vaigara vachitisiyira magazini nemabhuku eBhaibheri. Ini naSaime tainakidzwa nokuaverenga. Ndichiri kuyeuka ndichiitisa Zvapupu nharo panyaya dzakasiyana-siyana dzechitendero. Nguva dzose vaipindura mibvunzo yangu vachishandisa Bhaibheri pane kungotaura zvomumusoro mavo. Izvi zvakandibaya mwoyo chaizvo.

Zvapupu zvaindikumbira kuti ndidzidze Bhaibheri nazvo uye kuti tiende tose kuchechi asi ndaigara ndichingotsika madziro. Chinhu chandainyanya kufunga kuva nepurazi rangu nevana vakawanda. Zvokuva nepurazi zvakaramba asi ndakazova nevana vangu vashanu vandinoda chaizvo.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Kubvira pandakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha, pakapera makore 9 ndichiri kuenda kuchechi kwangu. Asi ndaifarira kuverenga mabhuku ose avaindipa. Ndaiverenga mabhuku aya naSaime Svondo yoga-yoga. Takachengeta magazini ose ataipiwa. Aindisimbisa chaizvo kutenda kwangu pakwaiedzwa.

Somuenzaniso, ndakaonana nomumwe mufundisi wechechi dzomweya aindimanikidza kuti nditende muna Jesu kuti ndiponeswe. Akanga atobudirira kutendeutsa hanzvadzi yaSaime uyewo munin’ina wangu kuti vamutevere. Vanhu vaindiziva vomumachechi akawanda vakatanga kundinyengetedza kuti ndiende kumachechi avo. Vamwe vaindipa mabhuku aitsoropodza Zvapupu zvaJehovha. Ndakakumbira vatsoropodzi ava kuti vanditsanangurire dzidziso dzavo kubva muBhaibheri, asi vakatadza.

Kupikiswa uku kwakatoita kuti ndinyure pakutsvakurudza muBhaibheri ndichishandisa mabhuku andakapiwa neZvapupu. Ndakazoona kuti nguva yakanga yasvika yokuti ndiite zvandaidzidza.

Ndakatanga kupinda misangano neZvapupu kunyange pasina Chapupu chaindidzidzisa Bhaibheri. Ndakatanga ndichitya uye ndichinyara, asi vanhu vacho vaindifarira uye ndainakidzwa nezvandaidzidza. Ndakasarudza kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye muna 1981 ndakaratidza kuti ndazvitsaurira kuna Mwari pandakabhabhatidzwa.

Mudzimai wangu akanga asingashori chisarudzo changu kunyange zvazvo aimbotyira kuti ndiri kunyengerwa. Akatouya kuzoona ndichibhabhatidzwa. Ndairamba ndichimuudza chokwadi chandaidzidza. Mumwe musi papera gore ndabhabhatidzwa uye tichibva kuzororo tiri mumotokari, Saime akati aizoda kuva Chapupu. Ndakashamiswa zvokuti mota yakaita kunge ichabuda mumugwagwa. Akazobhabhatidzwa muna 1982.

Kuchinja mararamiro edu kwaisava nyore. Ndakanga ndarega zvokurima fodya nokuti zvaipesana nezvaitaurwa neBhaibheri. (2 VaKorinde 7:1; Jakobho 2:8) Zvakatitorera nguva kuwana basa rakanaka raizotipawo chouviri. Pakaitawo makore akawanda hama dzedu dzichiramba kutishanyira. Taiedza kuvaratidza rudo sezvataidzidza muBhaibheri. Vakazopedzisira vava kutida.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Miedzo yakasiyana-siyana yandakasangana nayo inosanganisira kunyara, kushaya chouviri, uye kushorwa nevoukama, yakandidzidzisa nezvemwoyo murefu una Jehovha Mwari pakundibatsira kukunda matambudziko angu. Iye zvino ndava mukuru muungano uye ndinofanira kugara ndichidzidzisa pamberi peungano. Nanhasi zvichakandiomera nokuti ndinokakama uye ndinomboitawo karuzazu. Zvisinei, ndiri kugona kuramba ndichizviita nokuti ndinobatsirwa naJehovha uye ndinogara ndichinyengetera.

Tava kuwirirana chaizvo nomudzimai wangu. Tine zvataikanganisawo pakurera vana vedu asi takaedza nepataigona kuvadzidzisa chokwadi cheBhaibheri chatakadzidza. (Dheuteronomio 6:6-9) Iye zvino mwana wangu mukuru nemudzimai wake vatova mamishinari.

Ndichiri kuyeuka mumwe musi tichangotanga kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha semhuri. Ndakapaka motokari ndokutarisa mukati meimba yakanga yakazara nevanhu. Ndakabvunza mhuri yangu kuti: “Muri kuonei?” Mukati makanga makazara nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vaitaura mitauro yakasiyana uye vaiva netsika dzakasiyana. Somuenzaniso vamwe vaiva vaAborigine vamwe vachibva kuAlbania, Australia neCroatia asi vachifara pamwe chete. Ndinofara kuva mumhuri iyi yakakura yehama nehanzvadzi dzakasimba pakunamata dzinowanikwa munyika yose, kwete muAustralia chete.—1 Petro 5:9.

“Mukoma wangu haana kumbokanda mapfumo pasi.”—YELENA VLADIMIROVNA SYOMINA

GORE ROKUBEREKWA: 1952

NYIKA: RUSSIA

NHOROONDO YOUPENYU: KUPINDWA MUROPA NEDORO UYE KUDA KUZVIURAYA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa kuKrasnogorsk, kaguta kasina mhere-mhere kari pedyo neguta reMoscow. Baba naamai vangu vaiva maticha. Ndaiva nepfungwa dzakapinza uye ndakadzidzira zvokuimba. Zvaiita sokuti ndaizova neramangwana rakanaka.

Pandakaroorwa, ini nomurume wangu takatamira kunzvimbo yaiva nevanhu vaidhakwa, vaisvuta fodya uye vaiva nemuromo wakaumburukwa nechidembo. Ndakavhiringidzwa unhu hwangu ndakarivara. Pakutanga ndaienda kumapati kungonoimba nokuridza gitare. Asi pandaingosvika ikoko vanhu vaindipa fodya nedoro. Pasina nguva ndakanga ndisisade kushaya doro.

Kupindwa muropa nedoro uku kwakatanga kukanganisa utano hwangu. Zvakambotora kanguva ndisati ndanyatsonyura mazviri, asi ndakaguma ndisisakwanisi kudya chimwe chinhu. Ndakaedza kuzviuraya asi zvakaramba. Ndinofara kuti handina kuzosvika pakuzviuraya.

Paiitika zvose izvi mukoma wangu aingogara achindishanyira. Akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, saka aiedza kunditsanangurira kuti Bhaibheri ringandibatsira sei. Ndakanga ndisingafariri zveBhaibheri, saka ndakamboedza kuita kuti asanditaurira nezveBhaibheri. Asi haana kumbokanda mapfumo pasi. Akandiitira mwoyo murefu chaizvo uye aindida zvokuti ndakazopedzisira ndabvuma kudzidza Bhaibheri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndatanga kudzidza Bhaibheri ndakachera kakomba ndikati handichanwi doro zvakare. Mazuva iwayo ndakarwiswa ndokurikitwa nemumwe muvakidzani akanga akadhakwa. Ndakatozopedzisira ndapihwa mubhedha muchipatara. Mbabvu dzangu ina dzakanga dzatyoka uye ndakakuvara ziso. Sezvineiwo kugara kwandakaita muchipatara kwakatondibatsira kuti ndikwanise kurega doro.

Panguva iyoyo ndaigara ndichingonyengete- ra. Rugwaro rwaMariro 3:55, 56 rwaindinyaradza chaizvo. Runoti: “Haiwa Jehovha, ndakashevedza zita renyu ndiri mugomba rakadzika kwazvo. Inzwai inzwi rangu. Musavanzira nzeve yenyu kuzorora kwangu, uye kuchemera kwangu kubatsirwa.”

Ndine chokwadi chokuti Jehovha akapindura minyengetero yangu. Akandisimbisa kuti ndisadzokera shure. Dzimwe nguva ndaimboda kuita havi yedoro zvakare asi ndinofara kuti handina kuzomborinwa zvachose.

Pandaipfuurira kudzidza Bhaibheri, ndakaona kuti ndaifanira kutsigira murume wangu somusoro wemba. (1 Petro 3:1, 2) Izvozvo zvaisava nyore nokuti ndaimbotonga murume. Ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire. Handina kungomuka ndava mudzimai akanaka anotsigira murume wake, asi ndakachinja zvishoma nezvishoma.

Murume wangu akashamiswa paakaona kuti ndakanga ndachinja unhu hwangu. Akanga asati ava kufarira Bhaibheri. Asi pandakasarudza kurega fodya akandiudza kuti: “Kana ukarega kusvuta fodya, ndichabva ndatanga kudzidza Bhaibheri!” Takasiya zvokusvuta musi mumwe chete.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Murume wangu akatanga kudzidza Bhaibheri sezvaakanga avimbisa. Iye zvino tiri kuverenga Bhaibheri pamwe chete, tinofungisisa zvatinenge taverenga uye tinoedza kushandisa zvatinenge taverenga muupenyu hwedu.

Zvakaoma kutsanangura kubatsirwa kwakaita mhuri yedu uye kwandakaitawo. Ndinotenda Jehovha kuti akandidana kuti ndiuye kwaari. (Johani 6:44) Ndinotendawo mukoma wangu asina kukanda mapfumo pasi pakundibatsira. Ndakanyatsozvionera kuti zvechokwadi Bhaibheri rinochinja upenyu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Ndakaona kuti nguva yakanga yasvika yokuti ndiite zvandaidzidza

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Mukoma wangu akandiitira mwoyo murefu chaizvo uye aindida zvokuti ndakazopedzisira ndabvuma kudzidza Bhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe