Swedera Pedyo naMwari
“Zvinhu Zvekare Hazvizoyeukwi”
NDANGARIRO dzinogona kufadza. Kumbofunga nezvenguva dzawainakidzwa nehama dzako kunogona kukunyevenutsa mwoyo. Asi dzimwe nguva ndangariro dzinogona kusuwisa. Uri kushushikana here nezvakamboitika kwauri zvinorwadza? Kana zvakadaro unganetseka kuti, ‘Ndangariro idzi dzinosuwisa dzichazombobuda mupfungwa dzangu here?’ Tinowana mhinduro inokurudzira chaizvo mumashoko akanyorwa nomuprofita Isaya.—Verenga Isaya 65:17.
Jehovha anovimbisa kuti achabvisa chacho chinokonzera ndangariro dzinorwadza. Achazviita sei? Achabvisa nyika ino yakaipa uye kutambura kwose kuri mairi, oita kuti pave nenyika yakanaka nokusingaperi. Akavimbisa achishandisa muprofita Isaya achiti: “Tarirai ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva.” Kunzwisisa vimbiso iyi kunogona kuita kuti tive netariro yakasimba.
Matenga matsva chii? Bhaibheri rinotaura zvinhu zviviri zvinogona kutibatsira panyaya iyi. Chokutanga ndechokuti matenga matsva anotaurwa nevamwe vanyori veBhaibheri vaviri, uye pose pavanotaura nezvematenga matsva vanotaura nezvekuchinja kukuru kuchaitika panyika. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4) Chechipiri ndechokuti muBhaibheri shoko rokuti “matenga” rinogona kureva utongi kana kuti hurumende. (Isaya 14:4, 12; Dhanieri 4:25, 26) Saka matenga matsva ihurumende itsva inokwanisa kuita kuti panyika pave nezvinhu zvakarurama chete. Panongova nehurumende imwe chete inogona kuita izvi, kureva Umambo hwaMwari huri kudenga hwatakadzidziswa naJesu kuti tinyengeterere. Umambo ihwohwo huchaita kuti zvinodiwa naMwari zvakarurama zviitwe munyika yose.—Mateu 6:9, 10.
Nyika itsva chii? Ona zvinhu zviviri zvinotaurwa neMagwaro zvinotibatsira kunzwisisa nyaya iyi. Chokutanga ndechokuti, mune dzimwe ndima dzeBhaibheri shoko rokuti “nyika” rinenge richireva vanhu, kwete pasi redu. (Pisarema 96:1) Chechipiri ndechokuti Bhaibheri rakafanotaura kuti kana Mwari ava kutonga, vanhu vakatendeka vachadzidza kuita zvakarurama uye kuti zvichaitika munyika yose. (Isaya 26:9) Saka nyika itsva inoreva vanhu vachabvuma kutongwa naMwari uye vachange vachiteerera mitemo yake yakarurama.
Uri kuona here kuti Jehovha achabvisa sei chacho chinokonzera ndangariro dzinorwadza? Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achanyatsozadzisa vimbiso yake yokuti achaunza matenga matsva nenyika itsva oita kuti pave nevanhu vakarurama munyika yose.a Munyika itsva iyi muchange musisina zvachose zvinhu zvinokonzera ndangariro dzinorwadza, zvakadai sokurwara uye kushungurudzika mupfungwa. Vanhu vakatendeka vachanakidzwa noupenyu uye vachafadzwa nokuyeuka zvinhu zvakanaka zvichange zvichiitika zuva rimwe nerimwe.
Zvakadini nokushushikana kwatinoita mazuva ano? Jehovha anopfuurira kutivimbisa achishandisa Isaya, achiti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” Kurwadziwa kwose kwatiri kuita iye zvino kuchapera zvachose zvishoma nezvishoma. Haufadzwi here nemashoko iwayo? Kana zvakadaro wadii kuongorora kuti ungaswedera sei pedyo naMwari uyu anotivimbisa ramangwana rakanaka?
Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna March:
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti unzwe zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari uye zvahuchaita munguva pfupi iri kuuya, ona zvitsauko 3, 8 uye 9 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Jehovha anovimbisa kuti achabvisa chacho chinokonzera ndangariro dzinorwadza