Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna July
“Makore ano vanhu vakawanda vari kufarira nyaya dzine chokuita nengirozi. Munofunga kuti ngirozi dziriko zvechokwadi here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaJuly 1 mokurukura zviri pakamusoro kari papeji 16 uye moverenga rugwaro runenge rumwe chete. Govera magazini acho ari maviri woronga kuzodzoka kuzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi July 1
Verenga Pisarema 65:2. Zvadaro chibva wati: “Vakawanda vanobvumirana nemashoko aya okuti Mwari ‘Munzwi womunyengetero,’ uye vanonyengetera mazuva ose. Asi vamwe vanozvibvunza kuti, ‘Kana Mwari ariko, sei achirega panyika pazere matambudziko?’ Imi munotiwo chii? Aripo here Mwari anoteerera minyengetero yedu? [Rega apindure.] Magazini ino inokurukura mhinduro inobva muBhaibheri nezvenyaya iyi: ‘Sei munzwi womunyengetero achitirega tichitambura?’”
Awake! July
“Dai maizova nesimba rokuchinja chimwe chinhu panyika, chii chamaizogadzirisa? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza chikonzero chinoita kuti vanhu vakundikane kunyatsoita zvavanoda. [Verenga Jeremiya 10:23.] Magazini ino inotsanangura zvinhu zvichagadziriswa naMwari.”