RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/1 pp. 8-10
  • Swedera Pedyo Nemunzwi Womunyengetero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Swedera Pedyo Nemunzwi Womunyengetero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvionere Uchapupu Hwacho
  • Munzwi Womunyengetero Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Uchifanira Kunyengetera?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Mwari Anopindura Minyengetero Yangu Here?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/1 pp. 8-10

Swedera Pedyo Nemunzwi Womunyengetero

VAKAWANDA vanoti vanotenda kuti Mwari ariko havagoni kutsanangura zvinogutsa chinoita kuti vadaro. Havakwanisiwo kutsanangura kuti sei zvitendero zvichiwanzoita zvakaipa, kana kuti sei Mwari achirega vanhu vachitambura. Chavanongogona kunyengetera kuna Mwari wavasingazivi.

Zvisinei, iwe unogona kuswedera pedyo naMwari. Kana ukaziva Mwari uchamuda uye uchamukoshesa zvoita kuti uve nokutenda kwakasimba. Kuti munhu ave nokutenda kwechokwadi panofanira kuva nouchapupu. (VaHebheru 11:1) Kana ukadzidza chokwadi nezvaMwari, unogona kumuziva uye kutaura naye semunhu ari kutaura neshamwari yake. Ngatimbonzwai vamwe vaimbonyengetera kunyange zvazvo vakanga vasina chokwadi kuti Mwari ariko here.

◼ Patricia, ataurwa munyaya yokutanga anoti: “Rimwe zuva ndaiva nechimwe chikwata cheshamwari dzingasvika gumi pavakatanga kutaura nezvechitendero. Ndakanga ndavaudza kuti ndaiva ndatiza kumba ndikasiya baba vangu vachitaura nechimwe Chapupu chaJehovha kunyange zvazvo vakanga vasingatendi kuti kuna Mwari. Chikwata ichi chakabva chatanga kutaura nezvezvitendero. Imwe shamwari yangu yakabva yati, ‘Zvapupu zvaJehovha zvingangodaro zvichitaura chokwadi.’

“‘Tadii kuenda kumisangano yavo timbonozvionera?,’ akadaro mumwe wacho. Uye ndizvo zvatakaita. Kunyange takambotanga tichienda tisina chokwadi, vamwe vedu takazongoramba tichienda nokuti Zvapupu zvaiva noushamwari chaizvo.

“Zvisinei, mumwe musi iri Svondo ndakanzwa imwe pfungwa yakachinja maonero angu. Mukurukuri akatsanangura kuti nei vanhu vachitambura. Handina kumbenge ndaziva kuti munhu akasikwa asina chitadzo uye kuti chivi norufu zvakatanga nomunhu mumwe chete zvikazopararira kuvanhu vose. Mukurukuri wacho akatsanangurawo kuti sei Jesu aifanira kufa kuti vanhu vawane zvakaraswa nomunhu wokutanga.a (VaRoma 5:12, 18, 19) Zvose zvakabva zvatanga kundijekera. Ndakafunga kuti, ‘Saka chokwadi kuna Mwari ane hanya nesu.’ Ndakaramba ndichidzidza Bhaibheri, uye kokutanga muupenyu hwangu, ndakakwanisa kunyengetera kumunhu wandaiziva.”

◼ Allan, ataurwawo munyaya yokutanga, anoti: “Rimwe zuva Zvapupu zvaJehovha zvakashanya pamba pedu, uye mudzimai wangu akavati vapinde nokuti akafarira zvavakataura zvokuti vanhu vachararama nokusingaperi pasi pano. Handina kumbozvifarira. Saka ndakasiya vaenzi muimba yokutandarira ndikaenda nomudzimai wangu kukicheni ndichibva ndamuti, ‘Unopenga here iwe? Ungatenda zvinhu zvakadaro?’

Mudzimai wangu akandipindura kuti: “‘Kana zvakadaro, enda unovaratidza kuti zvavataura inhema tione.’

“Handina kana chimwe chete chandakakwanisa kuvaratidza kuti vainyepa. Havana kuda kundinyadzisa, asi vakatondisiira bhuku rairatidza kuti vanhu vakaita zvokusikwa here kana kuti vakatanga vari mhuka. Raitaura zvine musoro uye zvakajeka zvokuti ndakabva ndada kuziva zvakawanda nezvaMwari. Ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu, uye pasina nguva ndakaona kuti zvarinotaura zvakasiyana chaizvo nezvose zvandaifungira nezvezvitendero. Pandakadzidza nezvaJehovha, ndakatanga kunyengetera kwaari ndichinyatsodonongodza zvaiva pamwoyo. Ndaiva nehumwe unhu hwakaipa, saka ndakanyengeterera kuti andibatsire. Ndine chokwadi chokuti Jehovha akapindura minyengetero yangu.”

◼ Andrew anogara kuEngland, anoti: “Kunyange ndainyanya kufarira zvesayenzi, ndaitenda dzidziso yokuti munhu akatanga ari mhuka nokuti vanhu vaiti ndeyechokwadi. Ndairamba kuti Mwari ariko nemhaka yezvinhu zvose zvakaipa zvinoitika.

“Asi pamwe pacho ndaimbofunga kuti: ‘Kana kudenga kuina Mwari, ndinoda kuziva kuti sei utsotsi nehondo zvakawanda kudai?’ Pandaisangana nematambudziko, ndaimbonyengetera kuti ndibatsirwe, asi ndakanga ndisingazivi wandaitaura naye.

“Mumwe munhu akabva apa mudzimai wangu turakiti rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha rine musoro unoti Nyika Ino Ichapukunyuka Here? Ndiwo chaiwo mubvunzo wandaigara ndichifunga nezvawo. Turakiti racho rakaita kuti ndifunge kuti, ‘Zvingandibatsira here ndikatsvaka mhinduro dzacho muBhaibheri?’ Kwapera kanguva, ndiri pazororo, mumwe munhu akandipa bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?b Pandakaona kuti Bhaibheri raitaura zvaienderana nesayenzi yechokwadi, ndakaona kuti ndaifanira kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Saka mumwe weZvapupu zvaJehovha paakati aida kuridzidza neni, ndakabvuma. Pandakanzwisisa chinangwa chaJehovha, ndakaona sokuti ndakanga ndava kumuziva somunhu chaiye, wandaigona kunyengetera kwaari ndakasununguka.”

◼ Jan, uyo akakurira mune imwe yechechi dzakabuda muRoma kuLondon anoti: “Unyengeri hunoitwa muzvitendero uye kuwedzera kwokutambura kwakaita kuti ndisada kunamata. Ndakaregawo kuenda kukoreji ndikatanga kuimba uye kuridza gitare kuti ndiwane mari. Ndipo pandakadanana naPat. Akanga arererwawo muchechi yeRoma, asi akanga asingachatendi kuti kuna Mwari sezvandaiita.

“Taigara pane imwe imba yaiva dongo nevamwe vakanga vasiyira chikoro panzira vaifarira zvitendero zvokuAsia. Taipedza maawa akawanda tichikurukura zvakadzama nezvechinangwa choupenyu, kusvikira pakati pousiku. Kunyange zvazvo ini naPat takanga tisingatendi kuti kuna Mwari, taiziva kuti panofanira kunge paine rimwe ‘simba rinoita kuti tirarame.’

“Patakatamira kuchamhembe kweEngland tichitsvaka basa rokuridza mimhanzi, ndipo pakaberekwa mwanakomana wedu. Rimwe zuva akarwara, uye ndakazongoona ndava kunyengetera kuna Mwari wandaiti haako. Izvi zvichangoitika, takatadza kunzwisisana naPat, uye ndakatora mwana wedu ndikasiyana naPat. Apa zvakare ndakanyengeterera kuti ndibatsirwe, ndichingoti zvimwe pane akateerera. Ndaisaziva kuti Pat akanga ari kunyengeterawo.

“Zuva rakwira musi wacho, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakagogodza pamba paPat zvikamuratidza mazano anobatsira ari muBhaibheri. Pat akandifonera akabvunza kana ndingada kudzidza Bhaibheri naye neZvapupu. Munguva pfupi takadzidza kuti taifanira kunyoresa muchato wedu kuti tifadze Mwari. Izvi zvaiita sechinhu chakaoma chaizvo tichifunga zvaiva zvakaita ukama hwedu.

“Taida kuziva zvakawanda nezvokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, kuti Umambo hwaMwari chii uye kuti chii chinoita kuti titambure. Zvishoma nezvishoma, takaona kuti Mwari ane hanya nesu, uye taida kuita zvaanotaura. Takanyoresa muchato wedu. Uchenjeri hweShoko raMwari hwakatibatsira kuti tirere vana vedu vatatu. Tine chokwadi chokuti Jehovha akateerera minyengetero yedu.”

Zvionere Uchapupu Hwacho

Kusiyana nemamiriyoni evanhu, vanhu vataurwa munyaya ino havana kunyengerwa nezvitendero zvenhema uye vakazoziva chinoita kuti Mwari arege vanhu vachitambura. Panyaya dzacho dzose, waona here kuti kunzwisisa Bhaibheri zvakarurama ndiko kwakaita kuti vanhu ava vatende kuti zvechokwadi Jehovha anonzwa minyengetero?

Ungada kuzvionera uchapupu hwokuti Mwari ariko here? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kudzidza chokwadi nezvaJehovha uye kuti ungaswedera sei pedyo no“Munzwi womunyengetero.”—Pisarema 65:2.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko nezvokukosha kworufu rwaJesu, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

“Pandakanzwisisa chinangwa chaJehovha, ndakaona sokuti ndakanga ndava kumuziva somunhu chaiye, wandaigona kunyengetera kwaari ndakasununguka”

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuti munhu ave nokutenda kwechokwadi panofanira kuva nouchapupu uye anofanira kuva nechido chokuziva chokwadi nezvaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe