Dzidza Kubva Mushoko raMwari
Jesu Akava Mambo Riini?
Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.
1. Jesu akavimbiswa umambo hupi?
Mwari akavimbisa kuti mumwe munhu wedzinza raMambo Dhavhidhi aizova Mambo nokusingagumi. Munhu iyeye akavimbiswa ndiJesu, uye pari zvino ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari.—Verenga Pisarema 89:4; Ruka 1:32, 33.
Dhavhidhi paakanga achiri kakomana, Mwari akamusarudza kuti ave mambo wevaIsraeri. Pakafa Dhavhidhi, Soromoni uyo akanga asarudzwa naJehovha, ndiye akagara “pachigaro choumambo chaJehovha.” (1 Makoronike 28:4, 5; 29:23) Pakafa Soromoni, pane madzimambo akawanda akatonga muJerusarema, asi vakawanda vavo vakanga vasina kutendeka. Jehovha akazorega mauto eBhabhironi achiparadza Jerusarema uye achibvisa mambo aitonga panguva iyoyo pachigaro. Izvi zvakaitika mugore ra607 B.C.E. Kubvira panguva iyoyo hapana kuzova nomumwe mambo wedzinza raDhavhidhi akatonga muguta reJerusarema.—Verenga Ezekieri 21:27.
2. Umambo hwaimiririrwa naDhavhidhi neJerusarema hwakaramba husina mambo kusvika riini?
Jerusarema raparadzwa, Jehovha akaudza muprofita wake Dhanieri kuti aizosarudza mambo aizotonga ari kudenga. Aizotanga kutonga riini?—Verenga Dhanieri 7:13, 14.
Dhanieri akadudzira hope dzakanga dzarotwa naMambo, Mwari achirayira kuti muti wakareba chaizvo utemwe, zvichifananidzira zvaakanga arayira zvokuti umambo hweJerusarema huparadzwe. Asi chigutsa chawo chaifanira kusiyiwa kuitira kuti chizotungira zvekare kana “nguva nomwe” dzapera. Bhaibheri rinoratidza kuti “nguva” nhatu nehafu mazuva 1 260, saka “nguva nomwe” mazuva 2 520. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Muuprofita hweBhaibheri, mazuva anowanzomiririra makore. (Numeri 14:34) Saka paizopera makore 2 520 Umambo hwaMwari husina mambo.—Verenga Dhanieri 4:10-17.
3. Jesu akava Mambo riini?
Pakanyatsokwana makore 2 520 kubva pakaparadzwa Jerusarema, Mwari akagadza Jesu kuva Mambo muna 1914. Jesu agadzwa saMambo, akatanga nokudzinga Satani nemadhimoni ake kudenga. (Zvakazarurwa 12:7-10) Izvi zvakanga zvisingaoneki nemaziso asi zvakakonzera matambudziko kuvanhu. (Zvakazarurwa 12:12) Zvinhu zvakatanga kuitika muna 1914 zvinoratidza kuti Jesu akagadzwa kuva Mambo mugore iroro.—Verenga Mateu 24:14; Ruka 21:10, 11, 31.
4. Kuva mambo kwaJesu kunokubatsira sei?
Kuzadzika kwakaita uprofita hunotaura nezvekuti Jesu aizova mambo kunoratidza kuti unogona kuvimba neShoko raMwari. Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achashandisa simba rake samambo kuti abvise nhamo dzedu dzose.—Verenga Pisarema 72:8, 12, 13; Dhanieri 2:44.
Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 215-218 ebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Chati iri papeji 16]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
October
607 B.C.E. ← makore 2,520 → 1914 C.E.
1000 B.C.E. | 1 B.C.E. | 1 C.E. | 1000 C.E. | 2000 C.E.
← makore 606 nemwedzi 3 →← makore 1 913 nemwedzi 9 →
Umambo hweJerusarema hunoparadzwa
Shandisa calculator: makore 606 nemwedzi 3 + makore 1 913 nemwedzi 9 = 2,520
Mwari anogadza Jesu kuva Mambo ane simba pavanhu vose