RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 8/1 pp. 18-20
  • Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Mubati Wehove

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Mubati Wehove
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kusagadzikana Kukuru Kwakavapo Mugungwa”
  • “Vakabata Hove Zhinjizhinji”
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuredza Hove Mugungwa reGarireya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Pamahombekombe eGungwa reGarireya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 8/1 pp. 18-20

Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Mubati Wehove

“[Jesu] achifamba murutivi megungwa reGarireya, akaona mukoma nomunun’una, Simoni anonzi Petro naAndreya munun’una wake, vachidzikisa mambure okubatisa hove mugungwa, nokuti vaiva vabati vehove. Iye akati kwavari: ‘Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.’”—MATEU 4:18, 19.

NHOROONDO dzeEvhangeri dzinotaura kakawanda nezvehove, kubata hove uye vabati vehove. Jesu akatoshandisa mienzaniso yakawanda yaitaura nezvekubata hove. Izvozvo hazvishamisi nokuti nguva yakawanda aiparidza pedyo neGungwa reGarireya kana kuti mumhenderekedzo yaro. (Mateu 4:13; 13:1, 2; Mako 3:7, 8) Dziva iri rine mvura inoyevedza rakareba makiromita anenge 21 uye rakafara anenge 11. Vaapostora vaJesu vanomwe vanoti Petro, Andireya, Jakobho, Johani, Firipi, Tomasi naNatanaeri vangangodaro vaiva vabati vehove.—Johani 21:2, 3.

Panguva yakararama Jesu, basa rokubata hove raiitwa sei? Wadii kumboongorora zvishoma nezvevanhu ivavo uye basa ravo? Izvi zvichaita kuti uwedzere kunzwisisa vaapostora vaJesu uye kunzwisisa zvakawanda zvaiitwa naJesu nemienzaniso yaaishandisa. Ngatimbotanga nokuona mashandiro aiita vanhu muGungwa reGarireya.

“Kusagadzikana Kukuru Kwakavapo Mugungwa”

Gungwa reGarireya riri munzvimbo yakadzikira uye rakadzika mamita anenge 210. Mumhenderekedzo yaro muzere matombo akatenuka-tenuka, uye nechokuchamhembe kwaro kune gomo refu chaizvo reHemoni. Munguva dzechando, mhepo inotonhora inombovhuvhuta mugungwa ichisimudza masaisai. Muchirimo, mhepo inopisa inovhuvhuta nepamusoro pemvura. Mvura ine dutu inogona kungoerekana yava kutsvotsvoma ichibva mumakomo ari pedyo, zvoita kuti gungwa risagadzikane uye zvinobva zvaomera vanhu vanenge vachikwasva mugungwa. Jesu nevadzidzi vake vakambosangana nedutu rakadaro.—Mateu 8:23-27.

Vabati vehove vaikwasva zvikepe zvematanda zvaigona kunge zvakareba mamita anenge masere uye zvakafara mamita anenge maviri. Muzvikepe zvavo zvakawanda maiva nematanda aisungirirwa maseiri uye nzvimbo yakati farei yokuzororera nechekumashure. (Mako 4:35-41) Zvikepe zvavo zvaifamba zvishoma nezvishoma, asi zvakanga zvakasimba zvokuti zvaisaparara pasinei nokuti mhepo yaisundira maseiri nematanda aisungirirwa maseiri kune rimwe divi ukuwo mambure achidhonzera kune rimwe divi.

Varume vaifambisa chikepe vachishandisa zvikwasviso zvaisungirirwa mumativi echikepe. Vabati vehove vaigona kushanda vari vatanhatu kana kupfuura. (Mako 1:20) Muzvikepe maigonawo kunge muine mbatya dzebasa uye zvimwe zvokushandisa zvakadai seseiri rerineni (1), tambo (2), zvikwasviso (3), dombo rinomisa chikepe (4), hembe dzinodziya dzakaoma (5), zvokudya (Mako 8:14) (6), mabhasikiti (7), mutsago (Mako 4:38) (8), uye mambure (9). Vaigona kutakurawo zvituba zvaiita kuti mambure asanyura (10), zvokunyudzisa mambure (11), maturusi ekugadzirisa zvafa (12), uye mwenje (13).

“Vakabata Hove Zhinjizhinji”

Sezvazvakanga zvakangoita muzana remakore rokutanga, mazuva ano hove dzakawanda dzinobatwa panodira zvitubu nenzizi muGungwa reGarireya. Munzvimbo idzi munenge muine zvinomera zvakawanda zvinokukurirwa mugungwa izvo zvinokwezva hove. Kazhinji vabati vehove vepanguva yakararama Jesu vairedza huri usiku vachishandisa mwenje. Pane imwe nguva vadzidzi vaJesu vakatombopedza usiku hwose vachiredza asi havana chavakabata. Mangwana acho Jesu akavati vadzikise mambure avo uye vakaita saizvozvo, ndokubata hove dzakawanda zvokuti chikepe chavo chakapotsa chanyura.—Ruka 5:6, 7.

Dzimwe nguva vabati vehove vaishandira kunonyudza. Zvikepe zviviri zvaishanda pamwe chete. Vaisungirira mambure pazvikepe zvavo zviviri, vokwasva zvakasimba vakafuratirana vachibhedhenura mambure, votenderera kusvika vasangana, hove dzichivharirwa pakati. Vaibva vadhonza tambo dzainge dzakasungirirwa pamambure vokuturira hove muchikepe. Mambure acho aigona kunge akareba mamita anopfuura 30 uye akafara mamita anenge maviri zvokuti aikwana hove dzacho dzose. Pamusoro, mambure aisungirirwa zvituba uye nechepasi aiiswa zvinoita kuti anyure. Vabati vehove vaitandira mambure avo zvakare, voaburitsa uye vairamba vachidaro.

Munzvimbo dzisinganyudze vabati vehove vaishandisa imwe nzira. Vaisiya rimwe divi remambure pamahombekombe rimwe divi voriisa muchikepe, votenderera nechikepe mumvura kusvika vadzoka pamahombekombe vachivharira hove pakati. Vanhu vaiva pamahombekombe vaibva vakwevera mambure kunze, vobvisa hove. Vaiisa hove dzakanaka mumudziyo. Vaitengesa dzimwe dzichiri nyoro munzvimbo iyoyo. Dzimwe vaidzisasika uye dzimwe vaidziisa munyu vachidziomesa nezuva vodziisa mumidziyo yevhu, vozodzitengesa kuJerusarema nokune dzimwe nyika. Dziya dzaiva dzisina zvimbi nemakwande dzakaita sehunga dzairaswa nokuti dzainzi hadzina kuchena. (Revhitiko 11:9-12) Jesu aitaura nezvenzira iyi yokubata hove paakafananidza “umambo hwokumatenga” nemambure okukudzisa uye paakafananidza hove dzemarudzi akasiyana-siyana nevanhu vakanaka nevakaipa.—Mateu 13:47-50.

Munhu airedza ari oga aigona kushandisa tambo yaisungirirwa zviredzo zvaigadzirwa nesimbi. Aigonawo kushandisa mambure madiki. Kuti akande mambure acho, aipinda mumvura akaabata oakandira kure osara akabata tambo yainge yakasungirirwa pakati pawo. Mambure acho ainge akamonererwa kuita raundi aibva apararira mumvura, onyura. Kana zvamufambirawo, mambure ake aigona kubata hove shoma oakweva netambo.

Mambure aidhura uye zvaida kushanda nesimba kuti urambe uchiagadzira kana abvaruka, saka vaiashandisa nokungwarira. Mubati wehove aitora nguva yakawanda achiruka, achiwacha, uye achiomesa mambure ake uye aigara achiita izvi pose paainge apedza kubata hove. (Ruka 5:2) Vaapostora vanoti Jakobho naJohani vainge vakagara muchikepe chavo vachigadzira mambure Jesu paakavadana kuti vamutevere.—Mako 1:19.

Varedzi vomuzana remakore rokutanga vainyanya kubata zvigwaya. Hove idzi ndidzo dzainyanya kudyiwa nevanhu vomuGarireya. Jesu anofanira kunge akadyawo hove idzi dzinonaka, uye paakaita chishamiso chokupa zviuru zvevanhu zvokudya, anofanira kunge akashandisa zvigwaya zviviri zvakaomeswa nemunyu. (Mateu 14:16, 17; Ruka 24:41-43) Hove idzodzo dzinowanzofamba dzakaisa vana vadzo mumuromo. Kana dzisina kutakura vana dzinogona kunge dzakaruma tumatombo uye dzinogona kuruma mari yesirivha inopenya inenge yadonhera mumvura.—Mateu 17:27.

Muzana remakore rokutanga vabati vehove vairatidza mwoyo murefu, vaishanda nesimba uye vaitsungirira matambudziko kuti vabate hove. Vose vakabvuma kukokwa naJesu kuti vashande naye mubasa rokudzidzisa vanhu, vaifanirawo kuva nounhu hwakadaro kuti vabudirire mubasa ‘rokubata vanhu.’—Mateu 28:19, 20.

[Mufananidzo uri papeji 19]

(Ona bhuku racho)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe