Vakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Krisimasi
MAMIRIYONI evaKristu haapembereri Krisimasi. Vanoona sei chisarudzo chavakaita? Vanonzwa sokuti vari kurasikirwa here? Vana vavo vanonzwa sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu here? Chimbonzwa zvinotaurwa nevamwe veZvapupu zvaJehovha vari munyika yose panyaya iyi.
Kuyeuka Jesu Kristu: “Ndisati ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha ndaienda kuchechi pano neapo. Ndaingoenda paKrisimasi nepaIsita chete. Kunyange zvakadaro, ndakanga ndisingambonyatsofunga nezvaJesu Kristu. Handichapembereri Krisimasi, asi ndinoenda kumisangano yechiKristu kaviri pavhiki uye ndinotodzidzisa vamwe zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu!”—EVE, AUSTRALIA.
Mufaro unobva pakupa vamwe zvipo: “Ndinofara chaizvo kana mumwe munhu akangoerekana andipa chipo ndisingambozvitarisiri! Ndinofarirawo kugadzira makadhi nokudhirowa mifananidzo ndichipa vanhu nokuti zvinoita kuti vambofara uye ini wacho ndinofarawo.”—REUBEN, NORTHERN IRELAND.
Kubatsira vanotambura: “Tinonakidzwa nokubikira vanhu vanorwara zvokudya. Dzimwe nguva tinovapa maruva, makeke, kana kuti chipo chiduku kuti vafare. Kuita izvozvo kunotifadza nokuti tinogona kuvashanyira chero panguva ipi yegore.”—EMILY, AUSTRALIA.
Nguva yokumboonana semhuri: “Mhuri yedu painoungana tisingamhanyi-mhanyi, vana vedu vanobva vazivana nehama dzedu dzinosanganisira vanababamunini, vanatete nanamainini uye vanasekuru nanambuya. Hatinetseki nokufunga kushanyira hama dzedu kana zororo rasvika nokuti tinogara tichivashanyira uye vanoziva kuti tinovashanyira nokuti tinovada.”—WENDY, CAYMAN ISLANDS.
Rugare: “Nguva yeKrisimasi ine zvakawanda zvokuita zvokuti vakawanda havafungi nezverugare. Iye zvino ndava nepfungwa dzakagadzikana nokuti ndakadzidza zvatinovimbiswa neBhaibheri. Ndava kuziva kuti vana vangu vachava neramangwana rinofadza.”—SANDRA, SPAIN.