RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 11/15 pp. 8-9
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakawanda Zvavanazvo Zvinozadzisa Kushaya Kwevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Basa Iguru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 11/15 pp. 8-9

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe

“MHIRIZHONGA yakangotanga pashure pesarudzo, zvikaita kuti zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvitize misha yazvo,” anodaro François, mukuru anogara mune imwe yenyika dzichiri kusimukira. “Zvokudya uye mishonga zvakatanga kunetsa, uye zvaiwanika zvacho zvaidhura zvekudhura zviya. Mabhangi akavhara, uye michina yekudhirowa mari yakasara isisina chinhu kana kuti yafa.”

Hama dzepabazi dzakabva dzatumira mari uye zvinhu zvaidiwa nekukurumidza kuZvapupu zvakanga zvabva mumisha yazvo zvakanga zvakaungana paDzimba dzoUmambo munyika yose. Mapato ainetsana akavhara migwagwa, asi sezvo vose vaiziva kuti Zvapupu hazvina kwazvakarerekera, motokari dzebazi dzaiwanzoregwa dzichipfuura.

“Tichienda kune imwe Imba yoUmambo vanhu vakanga vakahwanda vakatanga kupfura motokari yedu,” anodaro François. “Asi mabara acho akatipotsa. Patakaona musoja aimhanyira kwatiri akapakata, takabva tangodzora mota nekukurumidza ndokuivhetemutsa tichidzoka kubazi. Takatenda Jehovha kuti takapona. Musi waitevera, hama 130 dzaiva muImba yoUmambo iyoyo dzakakwanisa kutizira kusina ngozi. Vamwe vakauya kuhofisi yebazi, kwatakavakabatsira nezvinhu zvekunamata nezvavaida pakurarama kusvikira mhirizhonga yapera.”

“Hofisi yebazi yakazogamuchira tsamba dzakawanda dzaibva kuhama munyika yose dzichitenda zvikuru zvadzakaitirwa,” anodaro François. “Kuona hama dzavo dzokune dzimwe nzvimbo dzichivabatsira, kwakawedzera kuvimba kwavo naJehovha.”

Patinosangana nenjodzi dzinoitika dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu, hatiudzi hama dzedu nehanzvadzi dzinoshayiwa kuti ‘dzidziyirwe uye dzigute.’ (Jak. 2:15, 16) Panzvimbo paizvozvo tinoedza kuvabatsira nezvavanenge vachida. Izvozvo ndizvo zvakaitwa nevaKristu vekutanga pavakanzwa nyevero yekuti kwaizova nenzara. “Vadzidzi vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaigona, kuti vaite basa rokuyamura nokutumira zvinhu kuhama dzaigara muJudhiya.”—Mab. 11:28-30.

Sevashumiri vaJehovha tine chido chekubatsira vanoshayiwa nezvinhu zvavangada pakurarama. Asi vanhu vanodawo kubatsirwa pakunamata. (Mat. 5:3) Kuti vazive kuti vanoda rubatsiro rwakadaro, Jesu akapa vateveri vake basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Mumwe nemumwe wedu anopa nguva yake yakawanda, simba uye zvinhu kuti aite basa iri. Sesangano, tinoshandisa imwe mari inenge yabviswa semipiro pakubatsira vanoshayiwa, asi mipiro iyi inonyanya kushanda pakutsigira Umambo uye kuparidza mashoko akanaka. Patinoita izvi tinoratidza kuti tinoda Jehovha nemuvakidzani.—Mat. 22:37-39.

Vaya vanotsigira basa remunyika yose reZvapupu zvaJehovha vanogona kuva nechokwadi chekuti mipiro yavo iri kushandiswa zvakanaka. Unokwanisa here kubatsira hama dzako dzinoshayiwa? Unoda here kutsigira basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi? Kana zvakadaro, “usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka, kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.”—Zvir. 3:27.

NZIRA DZINOSHANDISWA NEVAMWE KUTSIGIRA BASA ROMUNYIKA YOSE

Sezvaiitwa mumazuva omuapostora Pauro, vakawanda ‘vanotsaura chimwe chinhu’ kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.” (1 VaK. 16:2) Mwedzi woga woga, ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Munhu anogonawo kutumira chipo chake kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yake. Kana muchida zita resangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yenyu, tapota nyorerai kana kuti fonerai bazi remunyika yenyu. Kero yebazi inogona kuwanika pawww.pr2711.com Zvipo zvinogona kutumirwa nomunhu pachake ndeizvi:

  • ZVIPO ZVAUSINGATARISIRI KUZODZORERWA

    • Mari, zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha.

    • Tumirai mari yacho kana zvinhu zvacho pamwe netsamba inotsanangura kuti hamutarisiri kuzozvidzorerwa.

  • CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZODZORERWA

    • Munhu anogona kupa mari kuti ishandiswe asi achizoidzorerwa kana ava kuida.

    • Tumirai pamwe netsamba muchiratidza kuti munoda kuzoidzorerwa.

  • HUMWE URONGWA HWOKUPA

    Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari nezvinhu zvinokosha, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo pakutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho dziri pasi apa. Pasinei nokuti muri kuda kupa nenzira ipi, tapota tangai mataura nehofisi yebazi romunyika yenyu kuti rikuudzei kuti panzira dziri pasi apa ndedzipi dzinoshanda munyika yenyu. Sezvo mitemo ichisiyana munyika nenyika, zvinokosha kuti mutange mabvunza vanachipangamazano vezvemitemo uye zvemitero musati masarudza nzira yakanaka yokupa nayo.

    Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha rizopiwa mari yake yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

    Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe nesangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kana kuti azopiwa sangano racho kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

    Mari Yebhizimisi Neyakakwereteswa: Munhu anganyorerana nesangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kuti paanofa rizopiwa mari yebhizimisi neyaanga akakweretesa.

    Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha sechipo kana kuti, kana iri imba iri kugarwa, anenge apa wacho anogona kuramba achigaramo paanenge achiri mupenyu.

    Chipo Chemari Yakawanda (Gift Annuity): Uhwu urongwa hwokuti munhu anopa sangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha chipo chemari yakawanda uye gore negore sangano rozopota richimupa kana kupa mumwe munhu waanenge ati apiwe, kachitsama kavanenge vabvumirana kweupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara mugore raanenge apa chipo chacho.

    Zvido Zvenhaka: Sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha ringasiyirwa zvivako kana mari sechido chenhaka chepamutemo. Urongwa uhwu hunogona kubatsira panyaya yemutero.

Sezviri kuratidzwa pachikamu chino chakanzi “humwe urongwa hwokupa,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide, rakaitirwa kuti ribatsire vanhu vanoda kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha romunyika yose. Bhurocha racho rinotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzokupa zvipo iye zvino kana kuti pakufa. Mashoko ari mubhurocha iri angasanyatsoshanda kwamuri pamusana pemitemo yemitero kana kuti mimwewo yemunyika yenyu. Saka pashure pokuriverenga, munofanira kutaura navanachipangamazano venyu vezvemutemo kana kuti vezvemitero. Vakawanda pavanoshandisa nzira dzakadai dzokupa, zvinoita kuti vakwanise kutsigira basa rechitendero chedu uye rokubatsira vanhu munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanobatsirwawo pamutero wavanobhadhara. Kana bhurocha iri richiwanika munyika yenyu, munogona kurikumbira kumunyori weungano yenyu.

Kana muchida mamwe mashoko, munganyorera kana kufonera Accounting Office, pakero iri pasi apa, kana kuti hofisi yebazi romunyika yenyu.

ACCOUNTING OFFICE

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001

Westgate

Runhare: 0772 136 002/3/4

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe