RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w16 November pp. 19-20
  • “Basa Iguru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Basa Iguru”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvakawanda Zvavanazvo Zvinozadzisa Kushaya Kwevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
w16 November pp. 19-20
Mambo Dhavhidhi ari kuratidza mumwe murume purani yetemberi; hama yakatarisa purani yekuvaka

“Basa Iguru”

INGUVA yemusangano unokosha chaizvo muJerusarema. Mambo Dhavhidhi ashevedza machinda ake ose, vakuru vakuru, nevarume vane simba. Vari kufara chaizvo nechiziviso chinokosha chavanzwa. Jehovha asarudza Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi, kuti avake chivako chikuru chekunamatira Mwari wechokwadi. Mambo Dhavhidhi agamuchira purani yechivako chacho achiita zvekufemerwa uye aipa Soromoni. Dhavhidhi anoti: “Basa iguru; nokuti chivako ichi chikuru hachisi chomunhu, asi ndechaJehovha Mwari.”​—1 Mak. 28:1, 2, 6, 11, 12; 29:1.

Dhavhidhi anobva abvunza kuti: “Ndiani anozvipira kuzadza ruoko rwake nechipo [chekupa] Jehovha nhasi?” (1 Mak. 29:5) Kudai waivapo, ungadai wakaita sei? Ungadai wakatsigira here basa iri rakakura? VaIsraeri vakaita chipatapata vachitsigira basa racho. “Vakafara nokupa zvinhu nokuzvidira . . . nokuti vakapa Jehovha zvinhu nokuzvidira, nomwoyo wakakwana.”​—1 Mak. 29:9.

Papera mazana emakore, Jehovha akaita kuti pave nechimwe chinhu chakakura kupfuura temberi yakavakwa naSoromoni. Akaita kuti pave netemberi huru yezvekunamata, kureva urongwa hwekuti vanhu vakwanise kumunamata kuburikidza nechibayiro chaJesu. (VaH. 9:11, 12) Jehovha ari kubatsira sei vanhu kuti vayanane naye mazuva ano? Ari kushandisa basa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Nemhaka yebasa iri, gore negore tiri kuitisa mamiriyoni ezvidzidzo zveBhaibheri, zviuru zvevadzidzi zviri kubhabhatidzwa, uye ungano dzakawanda dziri kutangwa.

Kuwedzera kuri kuitika kunoreva kuti tinofanira kuprinda mabhuku akawanda, kuvaka nekugadziridza Dzimba dzeUmambo, uye kutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba dzemagungano. Handizvo here kuti basa redu rekuparadza mashoko akanaka iguru uye rine mubayiro?​—Mat. 24:14.

Kuda Mwari nemuvakidzani uye kuziva kuti basa rekuparidza Umambo rinofanira kuitwa nekukurumidza kunoita kuti vanhu vaMwari vauye “nechipo [chekupa] Jehovha” kuburikidza nekupa mipiro. Zvinofadza zvikuru ‘kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha’ uye kuona zvinhu zvakadaro zvichishandiswa nekuchenjera pakuita basa guru risati ramboitwa.​—Zvir. 3:9.

Zvinoitwa Nevamwe Pakutsigira Basa Romunyika Yose

Vakawanda mazuva ano ‘vanotsaura chimwe chinhu’ kana kuti mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.” (1 VaK. 16:2) Mwedzi wega wega, ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha inoona nezvebasa remunyika yadzinenge dziri. Unogonawo kutumira chipo chako kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yaunogara. Kana uchida zita resangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika mako, tapota nyorera kana kuti fonera hofisi yebazi remunyika yako. Kero yehofisi yebazi inowanika pawww.pr2711.com. Zvipo zvaunogona kutumira wega ndeizvi:

ZVIPO ZVAUSINGATARISIRI KUZODZORERWA

  • Kupa mari uchiibvisa muakaundi yako yokubhengi uchiiendesa muakaundi yebazi renyu. Kune dzimwe nyika, munhu anogona kupa mari achishandisa jw.org kana kuti imwewo website yakasarudzwa.

  • Kupa mari, zvishongo, kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Tumira pamwe chete netsamba inotaura kuti hautarisiri kuzozvidzorerwa.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZODZORERWA

  • Munhu anogona kupa mari kuti ishandiswe asi achizoidzorerwa kana ava kuida.

  • Tumira pamwe chete netsamba uchiratidza kuti unoda kuzoidzorerwa.

HUMWE URONGWA HWOKUPA

Kune dzimwewo nzira dzokupa nadzo zvipo zvokutsigira basa roUmambo romunyika yose. Nzira dzacho dziri pasi apa. Pasinei nekuti uri kuda kupa nenzira ipi, tapota tanga wataura nehofisi yebazi romunyika yako kuti rikuudze kuti panzira dziri pasi apa ndedzipi dzinoshanda munyika yako. Sezvo mitemo ichisiyana munyika nenyika, zvinokosha kuti utange wabvunza vanhu vane ruzivo rwezvemitemo nemitero usati wasarudza kuti wopa chipo uchishandisa nzira ipi.

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha rizopiwa mari yake yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti yemudyandigere.

Maakaundi Ekubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake ekubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti mari yakaiswa kubhengi kuti azoshandisa kana arega basa zvizopiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nemabhengi munyika yacho.

Masheya (Stocks) Uye Magwaro Anoratidza Mari Yakakwereteswa (Bonds): Munhu anogona kusarudza kupa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha masheya ake emubhizinesi kana magwaro anoratidza mari yaakakweretesa, kana kuti anogona kuronga kuti zvizopiwa sangano racho kana afa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Kana iri imba iri kugarwa, anenge apa wacho anogona kuramba achigaramo paanenge achiri mupenyu.

Chipo Chemari Yakawanda (Gift Annuity): Uhwu urongwa hwokuti munhu anopa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha chipo chemari yakawanda uye gore negore sangano rinozopota richimupa mari yavanenge vabvumirana kweupenyu hwake hwose. Anenge apa wacho anogona kuderedzerwa mari yemutero yaanobhadhara mugore raanenge apa chipo chacho.

Wiri: Munhu anganyora pawiri yake kuti anoda kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha risiyirwe zvivako kana mari. Urongwa uhwu hunogona kuita kuti munhu aderedzerwe mutero.

Zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane kabhuku kari mumutauro weChirungu nechiSpanish kanonzi Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide kakaitirwa kuti kabatsire vanhu vanoda kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha remunyika yose. Kabhuku kacho kanotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzekupa zvipo iye zvino kana kuti munhu wacho paanenge afa. Mashoko ari mukabhuku aka angasanyatsoshanda kwauri pamusana pemitemo yemitero kana kuti mimwewo mitemo yemunyika yauri kugara. Vachishandisa nzira idzi dzekupa, vakawanda vakatsigira basa rechitendero chedu uye rekubatsira vanhu pasi rose, uye zvakaita kuti vakwanise kuderedzerwa mitero yavanobhadhara. Kana kabhuku aka kachiwanika munyika yako, unogona kukakumbira kumunyori weungano yako.

Kana uchida mamwe mashoko nyorera kana kuti fonera hofisi yebazi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe