RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 11/15 pp. 14-15
  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MUENZANISO WAKANAKISISA WERUPO
  • “Basa Iguru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Zvakawanda Zvavanazvo Zvinozadzisa Kushaya Kwevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 11/15 pp. 14-15
Mukadzi ari kuisa kadhi rake rokubhengi mumuchina

Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha

JEHOVHA ndiMwari ane rupo. (Jak. 1:17) Kubvira kumatenga akazara nenyeredzi kusvika kuzvinhu zviri panyika, zvisikwa zvose zvaJehovha zvinoratidza kuti ane rupo.—Pis. 65:12, 13; 147:7, 8; 148:3, 4.

Munyori wepisarema aikoshesa Musiki wake zvakadzama zvekuti akasvika pakunyora rwiyo rwekurumbidza mabasa aJehovha. Verenga Pisarema 104, uone kana uchibvumirana nemaonero aaiita. Munyori wepisarema akati: “Ndichaimbira Jehovha muupenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu rwiyo chero bedzi ndichiri mupenyu.” (Pis. 104:33) Ndicho chido chakowo here?

MUENZANISO WAKANAKISISA WERUPO

Jehovha anoda kuti titevedzere muenzaniso wake werupo. Anotipawo zvikonzero zvakanaka zvekuti tive nerupo. Akafemera muapostora Pauro kunyora kuti: “Rayira vaya vakapfuma mumamiriro ezvinhu epanguva ino kuti varege kuzvikudza, uye kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare; kuti vaite zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka, kuti vave norupo, vanoda kugovana, vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Tim. 6:17-19.

Pauro paakanyora tsamba yake yechipiri kuvaKorinde, akasimbisa maonero atinofanira kuva nawo panyaya yekupa. Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:7) Pauro akabva ataura nezvevaya vanobatsirwa nerupo runenge rwaratidzwa, kureva vacho vanenge vapiwa rubatsiro rwavanenge vachida; uye vanopa vacho vanokomborerwa naMwari pakunamata.—2 VaK. 9:11-14.

Pauro akapedzisa chikamu ichi chetsamba yake nekuratidza uchapupu hwakasimba hwekuti Mwari ane rupo. “Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki,” akanyora kudaro Pauro. (2 VaK. 9:15) Zviri pachena kuti chipo chaJehovha chinosanganisira zvinhu zvese zvakanaka zvaanoitira vanhu achishandisa Jesu Kristu. Chipo chacho chakakura zvekuti kukosha kwachinoita hakutsananguriki nemashoko.

Tingaratidza sei kuti tinoonga zvese zvatakaitirwa naJehovha neMwanakomana wake uye zvavachatiitira? Chimwe chatinogona kuita kutsigira kunamata kwakachena tichishandisa nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu, pasinei nekuti zvatiinazvo zvishoma here kana kuti zvakawanda.—1 Mak. 22:14; 29:3-5; Ruka 21:1-4.

Zvinoitwa Nevamwe Pakutsigira Basa Romunyika Yose

Sezvaiitwa mumazuva omuapostora Pauro, vakawanda ‘vanotsaura chimwe chinhu’ kana kuti mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.” (1 VaK. 16:⁠2) Mwedzi woga woga, ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha inoona nezvebasa remunyika yadzinenge dziri. Unogonawo kutumira chipo chako kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yaunogara. Kana uchida zita resangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika mako, tapota nyorera kana kuti fonera hofisi yebazi remunyika yako. Kero yehofisi yebazi inogona kuwanika pawww.pr2711.com. Zvipo zvinogona kutumirwa nomunhu pachake ndeizvi:

ZVIPO ZVAUSINGATARISIRI KUZODZORERWA

  • Kupa mari uchiibvisa muakaundi yako yokubhengi uchiendesa muakaundi yebazi renyu. Kune dzimwe nyika munhu anogona kupa mari achishandisa jw.org kana kuti imwewo Website yakasarudzwa.

  • Kupa mari, zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Tumira pamwe chete netsamba inotsanangura kuti hautarisiri kuzozvidzorerwa.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZODZORERWA

  • Munhu anogona kupa mari kuti ishandiswe asi achizoidzorerwa kana ava kuida.

  • Tumira pamwe chete netsamba uchiratidza kuti unoda kuzoidzorerwa.

HUMWE URONGWA HWOKUPA

Kune dzimwewo nzira dzokupa nadzo zvipo zvokutsigira basa roUmambo romunyika yose. Nzira dzacho dziri pasi apa. Pasinei nokuti uri kuda kupa nenzira ipi, tapota tanga wataura nehofisi yebazi romunyika yako kuti rikuudze kuti panzira dziri pasi apa ndedzipi dzinoshanda munyika yako. Sezvo mitemo ichisiyana munyika nenyika, zvinokosha kuti utange wabvunza vanhu vane ruzivo nezvemitemo nemitero usati wasarudza kuti wopa chipo uchishandisa nzira ipi.

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha rizopiwa mari yake yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti mari yakaiswa kubhengi kuti azoshandisa kana arega basa zvizopiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nemabhengi munyika yacho.

Masheya (Stocks) Uye Magwaro Anoratidza Mari Yakakwereteswa (Bonds): Munhu anogona kusarudza kupa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha masheya ake emubhizimisi kana magwaro anoratidza mari yaakakweretesa, kana kuti anogona kuronga kuti zvizopiwa sangano racho kana afa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Kana iri imba iri kugarwa, anenge apa wacho anogona kuramba achigaramo paanenge achiri mupenyu.

Chipo Chemari Yakawanda (Gift Annuity): Uhwu urongwa hwokuti munhu anopa sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha chipo chemari yakawanda uye gore negore sangano rinozopota richimupa mari yavanenge vabvumirana kweupenyu hwake hwose. Anenge apa wacho anogona kuderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara mugore raanenge apa chipo chacho.

Wiri: Munhu anganyora pawiri yake kuti anoda kuti sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha risiyirwe zvivako kana mari. Urongwa uhwu hunogona kuita kuti munhu aderedzerwe mutero.

Zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane kabhuku kari mumutauro weChirungu nechiSpanish kane musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide, kakaitirwa kuti kabatsire vanhu vanoda kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha romunyika yose. Kabhuku kacho kanotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzokupa zvipo iye zvino kana kuti munhu wacho paanenge afa. Mashoko ari mukabhuku aka angasanyatsoshanda kwauri pamusana pemitemo yemitero kana kuti mimwewo yemunyika yauri kugara. Saka pashure pokukaverenga, unofanira kutaura nachipangamazano wako anoziva zvemitemo kana kuti zvemitero. Vachishandisa nzira idzi dzekupa, vakawanda vakatsigira basa rechitendero chedu uye rekubatsira vanhu pasi rose, uye zvakaita kuti vakwanise kuderedzerwa mutero wavanobhadhara. Kana kabhuku aka kachiwanika munyika yako, unogona kukakumbira kumunyori weungano yako.

Kana uchida mamwe mashoko, unogona kunyorera kana kufonera hofisi yebazi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe