Nhungamiro Yakavimbika Yenguva Yemberi
KUSAVIMBIKA kwokudzidza zvenhamba nezvadzinoreva uye mamwe marudzi okuuka kunoreva kuti hatina nzira yokuziva remangwana redu here? Kwete!
Nhamba dzisingaoneki hadzikwanisi kuudza vanhu kuti remangwana rine chii. Asi “Mwari mupenyu,” uyo anozivisa “kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira,” akaita kudaro. Anoita izvi achishandisa Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. (1 Timoti 4:10; Isaya 46:10) Ndirori shoko raMwari mupenyu zvekare, kwete revanodzidza nezvenhamba, “rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzomwoyo” uye nokudaro rinokwanisa kukubatsira kunzwisisa zvinokutuma kuita zvimwe zvinhu uye zvichakwanisa kuita kuti ubudirire zvechokwadi.—VaHebheru 4:12.
Musiki wedu, Munyori weBhaibheri, ndiye chete anokwanisa kutaura zviriko mangwana pasina kukanganisa. Chikonzero chacho ndechokuti Mwari ane masimba ose, uye agara achiita zvaanenge ataura. “Ndakataura,” Jehovha Mwari akadaro. “Ndichazviitawo.” (Isaya 46:11) Atungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa, Joshua akakwanisa kutaura nechivimbo kuti: “Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakaitika.”—Joshua 21:45; 23:14.
Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hwakamirira kuzadzika. Humwe hwacho hunotaura nezvenguva apo pasi pachabviswa uipi hwose poitwa paradhiso. (Pisarema 37:10, 11; Zvirevo 2:21, 22) Unofarira nguva yemberi yakadaro here? Unodavira kuti Musiki wedu ane uchenjeri uye simba rokugadzirisa zvinhu pasi pano here? Kana zvakadaro, uchada kuona izvo Bhaibheri rinotaura nezvenguva yemberi yepasi.a
Saka, shandisa nguva yako nokuchenjera iye zvino—kwete nokuedza kuziva remangwana rako nokuverenga nhamba asi nokushingaira kuti uwane nzwisiso yakarurama yeBhaibheri nouprofita hwaro. Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirira kukubatsira kuwana imwe zivo nezvenguva yemberi sezviri muShoko raMwari, Bhaibheri.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvitsauko 1, 10, ne19 zvebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.