RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-33 pp. 1-4
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Mashoko Akafanana
  • Unoona Sei Ramangwana?
    Unoona Sei Ramangwana?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Vakafa Vachararamazve Here?
    Vakafa Vachararamazve Here?
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
    Kutambura Kuchazombopera Here?
Ona Zvimwe
Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
T-33 pp. 1-4

Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?

Unofunga kuti . . .

  • ndiMwari here?

  • vanhu here?

  • ndiSatani here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Satani ndiye anotonga pasi pano.”​—1 Johani 5:19, Bhaibheri Rinoera.

‘Mwanakomana waMwari akauya . . . kuzoparadza mabasa aSatani.’​—1 Johani 3:8, Bhaibheri Rinoera.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Uchawana tsanangudzo dzinonzwisisika dzekuti matambudziko ari munyika ari kubva kupi.​—Zvakazarurwa 12:12.

Uchawana chikonzero chekutenda kuti nyika ino ichachinja, yonaka.​—1 Johani 2:17.

Satani ari kutonga vezvematongerwo enyika, mauto, zvitendero, nevamwe vanhu

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:

  • Utongi hwaSatani hahuna kwahuchasvika. Jehovha haasi kuzosiya Satani achiramba achitonga vanhu. Anovimbisa ‘kuparadza Dhiyabhorosi,’ obvisa zvakaipa zvese zvakakonzerwa naSatani.​—VaHebheru 2:14, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

  • Mwari akasarudza Jesu Kristu kuti atonge nyika. Jesu akasiyana zvachose nemutongi wenyika ariko iye zvino ane utsinye, anongotsvaga zvakamunakira. Achitaura nezveutongi hwaJesu, Mwari akavimbisa kuti: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo . . . Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”​—Pisarema 72:13, 14.

  • Mwari haanyepi. Bhaibheri rinonyatsoti: ‘Hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’ (VaHebheru 6:18) Kana Jehovha akavimbisa kuita chimwe chinhu, zvakangofanana nekuti atochiita! (Isaya 55:10, 11) “Mutongi wenyika ino achadzingwa.”​—Johani 12:31.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Mhuri iri kufamba zvayo ichifara

Nyika ichange yaita sei kana mutongi wayo abviswa?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana PISAREMA 37:10, 11 naZVAKAZARURWA 21:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe