RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 6/15 pp. 8-11
  • Tingabatsira Sei Watinonamata Naye Akarambana Nemumwe Wake?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingabatsira Sei Watinonamata Naye Akarambana Nemumwe Wake?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MANZWIRO AKASIYANA-SIYANA AVANOEREKANA VAVA NAWO
  • DAMBUDZIKO ROKUFUNGA KUTI VAMWE HAVAKUFARIRI
  • KUSURUKIRWA UYE KUNZWA SOKUTI VANHU HAVACHAKUDI
  • Upenyu Pashure Pokurambana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kurambana Kunokanganisa Sei Vana?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Chatanuro—Muuyo Wayo Wakakomba Zvikuru
    Mukai!—1992
  • Zvinhu Zvina Zvine Chokuita Nokurambana Zvaunofanira Kuziva
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 6/15 pp. 8-11

Tingabatsira Sei Watinonamata Naye Akarambana Nemumwe Wake?

Mukadzi ari kunyaradza hanzvadzi yechiKristu yakarambana nemurume wayo

Zvimwe une vanhu vaunoziva vakarambana nevavainge vakaroorana navo. Izvozvo zvinodaro nokuti mazuva ano vanhu vakawanda vava kungorambana-rambana. Somuenzaniso, imwe ongororo yakaitwa kuPoland yakaratidza kuti vanhu vane makore 30 vave vari muwanano kwemakore anotangira pamatatu kusvika kumatanhatu, vanogona kurambana uye vanhu vezera iroro handivo chete vanorambana.

Rimwe sangano rinonzi Institute for Family Policy rokuSpain rinoti “ongororo yakaitwa inoratidza kuti hafu yevanhu vanochata [muEurope] inorambana.” Izvi ndizvo zviri kuitikawo mune dzimwe nyika dzakasimukira.

MANZWIRO AKASIYANA-SIYANA AVANOEREKANA VAVA NAWO

Ndezvipi zvimwe zvinoitika kana vanhu varambana? Mumwe anopa mazano vakaroorana ari kuEastern Europe akati: “Vanhu pavanozodimbura muchato, vanenge vatova nenguva vasisadanani uye vasisagari vose izvo zviri zvinhu zvinorwadza chaizvo.” Akawedzerawo kuti kazhinji vanopedzisira vava “kunzwa hasha, kuzvidemba, kugumbuka, kushaya tariro uye kunyara.” Dzimwe nguva izvi zvinowanzoita kuti munhu apedzisire ava kuda kuzviuraya. “Kana muchato wadimburwa nedare redzimhosva, munhu anotanga kunetseka zvakanyanya. Anotanga kufunga kuti: ‘Ndichiri munhu here ini. Ndichiri kuraramirei?’”

Achiyeuka manzwiro aaiita, Ewa anoti: “Ndainyara chaizvo pashure pokunge tarambana, nokuti vavakidzani vangu uye vandaishanda navo vaindishevedza kuti ‘mukadzi wokurambana nemurume.’ Ndainzwa hasha chaizvo. Ndakasiyirwa vana vaduku vaviri uye ndainge ndava amai uye baba vavo.”a Adam uyo aishumira semukuru airemekedzwa chaizvo kwemakore 12 akati: “Ndinozviona sendisingabatsiri zvokuti dzimwe nguva ndinonzwa hasha uye ndinombopindwa nepfungwa yokuda kunogara kwangu ndega.”

DAMBUDZIKO ROKUFUNGA KUTI VAMWE HAVAKUFARIRI

Vamwe vanoramba vachinetseka chaizvo nezveramangwana ravo kunyange papfuura makore varambana. Vangafunga kuti vamwe vanhu havachavafariri. Mumwe anonyora nyaya mupepanhau anotiwo vanhu ivavo vanenge vava kufanira “kuchinja maitiro avo uye kudzidza kuti vangagadzirisa sei voga matambudziko avo.”

Stanisław anoti: “Patakarambana nemudzimai wangu, aisada kuti ndione vanasikana vangu vaviri. Izvi zvakaita kuti ndinzwe sokuti vanhu vose vainge vasingachandidi uye kuti kunyange Jehovha ainge andisiya. Ndaingoti dai ndafa hangu. Nokufamba kwenguva, ndakazoona kuti mafungiro angu ainge asina kunaka.” Mumwe mukadzi anonzi Wanda akarambana nemurume, aimbonetsekawo kuti zvinhu zvichamumirira sei mune remangwana. Anoti: “Ndaifunga kuti nokufamba kwenguva, vanhu, kusanganisira vandinonamata navo, vaisazotifarira ini nevana vangu. Asi kutaura chokwadi hama dzakaisa misoro pamwe chete kuti dzindibatsire kurera vana vangu kuti vave vanamati vaJehovha.”

Mashoko akataurwa nevanhu ava anoratidza kuti vamwe vanonetseka chaizvo pashure pokurambana. Vangatanga kuzvitarisira pasi vachifunga kuti havakoshi uye havakodzeri kudiwa. Vangatangawo kufungira vamwe zvisina kunaka. Izvi zvinoita kuti vatange kuona sokuti vanhu vari muungano havana ushamwari uye havana tsitsi. Asi zvakaitika kuna Stanisław naWanda zvinoratidza kuti vanhu vakaramba vanogona kupedzisira vava kuona kuti hama nehanzvadzi dzavo dzine hanya navo chaizvo. Chokwadi ndechokuti vatinonamata navo vanonyatsoratidza kuti vanoda vamwe kunyange pakutanga zvichiita sokuti havana zvavari kuita.

KUSURUKIRWA UYE KUNZWA SOKUTI VANHU HAVACHAKUDI

Ziva kuti pasinei nokuti tabatsira zvakadini vanhu vakarambana, dzimwe nguva vanombonzwa kusurukirwa. Kazhinji vanhukadzi ndivo vanova nedambudziko rokufunga kuti vamwe havavafariri. Alicja anoti: “Pava nemakore masere tarambana nemurume wangu. Asi dzimwe nguva ndinombonzwa sokuti handikoshi. Panguva dzakadaro ndinowanzoenda pangu ndega ndochema uye ndinotanga kuzvitarisira pasi.”

Manzwiro ataurwa pano anowanzoitika kune vanhu vanenge varambana, asi Bhaibheri rinopa zano rokuti tisazviparadzanisa nevamwe. Kana tikasateerera zano iri tinenge tichiramba “uchenjeri hwose hunobatsira.” (Zvir. 18:1) Asi kana ari kusurukirwa wacho ari munhukadzi anofanira kungwarira kuti asaramba achingotsvaka mazano uye kunyaradzwa nemunhu wechirume uye izvozvo zvinoshandawo kumunhurume. Izvi zvinobatsira kuti vasazopedzisira vaita unzenza.

VaKristu vanenge varambana nevavakaroorana navo vanogona kunetseka nezveramangwana uye kunzwa kusurukirwa kana kuti kuona sokuti vanhu havachavafariri. Kuziva kuti vanhu vakawanda vanonetseka nemanzwiro akadaro uye kuti haasi nyore kukunda, kunofanira kuita kuti tibatsire hama nehanzvadzi idzodzo tichitevedzera Jehovha. (Pis. 55:22; 1 Pet. 5:6, 7) Tinogona kuva nechokwadi chokuti vachaonga chaizvo rubatsiro rwatichavapa. Chokwadi vachawana rubatsiro muungano kubva kushamwari dzechokwadi!—Zvir. 17:17; 18:24.

a Mamwe mazita akachinjwa.

Kuona Zvakanaka Nyaya Yokurambana

Vashumiri vaJehovha vanokoshesa muchato. Tinoukoshesa nokuti ndizvo zvatinokurudzirwa neMagwaro. Somuenzaniso, pana Maraki 2:16 tinoverenga kuti Mwari “anovenga kurambana.” Upombwe ndicho chikonzero chimwe chete chinobvumirwa neMagwaro kuti vanhu varambane. Saka chikanganiso chakakura chaizvo kuronga kuramba mumwe pasina chikonzero cheMagwaro, zvimwe uchitoronga kuroorana nemumwe.—Gen. 2:22-24; Dheut. 5:21; Mat. 19:4-6, 9.

Asi kana vaKristu vakarambana zvimwe nepamusana pokuti mumwe wavo aita upombwe, hama nehanzvadzi dzomuungano dzinobatsira. Dzinotevedzera Jehovha nokuita zvose zvadzinogona kubatsira vanhu vakarurama pavanenge “vakaora mwoyo.”—Pis. 34:15, 18; Isa. 41:10.

UNGABATSIRA SEI?

Ungakwanisa kubatsira here? Ungaitei kuti ubatsire munhu ane manzwiro akafanana neataurwa munyaya ino? Funga zvinotaurwa neBhaibheri uye ona kuti vamwe vaKristu vakabatsira sei.

Nyatsoteerera. (Zvir. 16:20, 23)

Kana vanhu varambana, mumwe angasada kuudza vanhu zvose zvakakonzera kuti varambane. Uye chokwadi ndechokuti hazvina zvazvinobatsira kana munhu akataura achiratidza kuti akagumbuka nezvakaitika uye izvozvo zvingatoita kuti awedzere kuzvidya mwoyo. (Zvir. 12:25; VaR. 12:15) Michał, uyo akabatsira Adam ambotaurwa nezvake munyaya ino anobvumirana nepfungwa yokuti unogona kunzwira munhu tsitsi uye kumuteerera, usingaratidzi kuti unoda kuziva zvose zvakaitika. Anoti: “Ndakabatsira Adam kuti azive kuti panguva dzaanenge achinyanya kunetseka angwarire kundiudza zvinhu zvingaita kuti azozvidemba mangwana.” Saka Michał akanyatsomuratidza kuti aisada kuziva zvose zvainge zvaitika. Asi airatidza kuti aiva shamwari yechokwadi nokumuteerera. Misangano painenge isati yatanga kana kuti yapera tinogona kubatsirawo chaizvo kana tikangotaura kuti: “Muri sei mazuva ano? Zvinhu zvinofanira kunge zvakakuomerai chaizvo. Kana muine zvamuri kuda musazeza kundiudza.”

Ratidza kuti unomufarira. (VaF. 2:4)

Mirosław anoti: “Ini nomudzimai wangu takaronga kuti tive nenguva yokubatsira imwe hanzvadzi yakarambana nemurume wayo. Somuenzaniso, takaigadzirira dhoo rayo. Takaiperekedzawo nemota kwachiremba.” Izvi zvingaita sezvinhu zvidiki asi zvaikosha chaizvo. Hanzvadzi iyi yavakabatsira yakazotanga kunzwa zviri nani. Chinofadza ndechokuti yakazotanga kupayona uye mwanasikana wayo aiva nemakore 11 akazobhabhatidzwa.

Murume nemudzimai vari kuratidza kuva nehanya nehanzvadzi yechiKristu yakarambana nemurume wayo

Vimbisa munhu wacho kuti Jehovha anonyatsoziva kuti zvinhu zvakamumirira sei.

Kana mumwe munhu achinetseka nokunzwa seasingakoshi, unogona kumuvimbisa kuti Mwari anoda chaizvo mushumiri wake mumwe nemumwe. Chokwadi Mwari anotikoshesa chaizvo “kupfuura shiri duku zhinji.” (Mat. 10:29-31) “Jehovha ndiye muongorori wemwoyo” saka anonzwisisa kunetseka kunoita vaya vanenge varambana nevavakaroorana navo. Haazombosiyi vashumiri vake vakatendeka. (Zvir. 17:3; Pis. 145:18; VaH. 13:5) Saka paunenge uchiratidza kuti une hanya naye, muvimbise kuti Mwari anokoshesa chaizvo kuda kwaanoita chokwadi uye zvaanoita kuti atsigire kunamata kwechokwadi.—VaF. 2:29.

Mukurudzire kuti arambe achipinda misangano.

Vamwe vanoomerwa nokupinda misangano kana vaine zviri kuvanetsa mupfungwa. Asi misangano yeungano inotisimbisa uye inotikurudzira. Chokwadi yakaitirwa kuti ‘tivakwe.’ (1 VaK. 14:26; Pis. 122:1) Panyaya iyi, zvinokosha chaizvo kuti vakuru vatange ivo kubatsira. Wanda, uyo ambotaurwa nezvake anoti, “Tichiri kuyeuka rudo rwavaitiratidza.”

Mukurudzire kuti asimbise ukama hwake naMwari nokunyengetera, kudzidza ari oga uye kufungisisa. (Jak. 4:8)

Kunyange zvazvo Jehovha aine masimba ose uye achigara kudenga, ane hanya nemunhu “anotambudzika neakasuruvara uye anodedereswa neshoko” rake. Muudze mashoko iwayo uye mubatsire kuona kuti kana mumwe nomumwe wedu akanyengetera uye akadzidza ari oga achakwanisa kuswedera pedyo naMwari.—Isa. 66:2.

Mukumbire kuti mubude mose muushumiri kana kugadzirira misangano pamwe chete.

Hama mbiri dzechiKristu dziri muushumiri

Izvi zvichabatsira muKristu iyeye kuti awedzere kuva nechivimbo sezvo anenge ava kurarama asisina mumwe wake. Marta, uyo akatsigira imwe hanzvadzi yaishingaira chaizvo yainge yaora mwoyo pashure pokunge yarambana nemurume wayo, anoti: “Tinowanzobuda tose muushumiri. Zvinotifadza chaizvo patinoona kuti takwanisa kuita chimwe chinhu chatinenge taronga kuita. Dzimwe nguva tinogadzirira tose misangano uye kana tapedza togadzira zvokudya zvinonaka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe