RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 1/1 p. 3
  • Kuipa Kwaita Uori Hwehurumende

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuipa Kwaita Uori Hwehurumende
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Uori Hunoitwa Muhurumende Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Umambo hwaMwari Ihurumende Isina Uori
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Chipikirwa Chenyika Isina Ushati
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Uori—Hwapararira Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 1/1 p. 3
Mupurisa ane uori ari kupiwa chiokomuhomwe

NYAYA IRI PAKAVHA | HURUMENDE ISINA UORI

Kuipa Kwaita Uori Hwehurumende

Uori hwehurumende hunorondedzerwa sekushandisa simba zvisiri izvo kunoitwa nevashandi vehurumende kuti zvinakire ivo chete. Uori hwakadaro hwakatanga kare. Somuenzaniso, Bhaibheri rine mutemo unorambidza kutambira pfumbamuromo pakutonga nyaya, zvichiratidza kuti uori hwakanga hwava kutoitwa makore anopfuura 3 500 adarika. (Eksodho 23:8) Asi kuita uori hakusi kutambira chiokomuhomwe chete. Dzimwe nguva vashandi vehurumende vane uori vanoba zvinhu, mari, kana kuti vanoitirwa mabasa avanenge vasina kodzero yokuitirwa. Vanogonawo kushandisa chinzvimbo chavo zvisina kukodzera kuti vabatsire hama neshamwari.

Kunyange zvazvo uori huchigona kuitwa mumasangano akasiyana-siyana, zvinoita sokuti hurumende ndidzo dziri pamberi. Muna 2013, sangano reTransparency International rakati munyika yose vanhu vanoona sokuti kune masangano mashanu ari pamberi panyaya dzeuori. Masangano acho ndeanoti, mapato ezvematongerwo enyika, mapurisa, vemuhurumende vanoshanda nevoruzhinji, matare anodzika mitemo, uye matare edzimhosva. Ona mienzaniso inotevera inoratidza kukura kwaita dambudziko iri.

  • AFRICA: Muna 2013, kuSouth Africa, vashandi vemuhurumende vanoshanda nevoruzhinji vanenge 22 000 vaipomerwa kuti vakaita uori.

  • AMERICAS: Muna 2012, kuBrazil, pane vanhu 25 vakabatwa nemhosva yekutsvaka rutsigiro mune zvematongerwo enyika nemari yaifanira kubatsira veruzhinji. Mumwe wacho akambova mukuru wevaishanda muhofisi yemutungamiriri wenyika, ari wechipiri kubva kumutungamiriri wenyika.

  • ASIA: Muna 1995, vanhu 502 vakafa muguta reSeoul kuSouth Korea, pakadonha chimwe chivako chezvitoro. Vaferefeti vakaona kuti vakuru vakuru veguta vainge vapiwa chiokomuhomwe kuti vabvumire vaivaka kushandisa kongiri isina kusimba uye kuti vasatevedzera mavakiro avaifanira kuita.

  • EUROPE: Gurukota Rinoona Nezvemukati Menyika musangano reEuropean Commission, Cecilia Malmström akati, “[Zvaita uori muEurope] zvinoshamisa.” Akawedzera kuti, “zvinoita sokuti vezvematongerwo enyika hapana chavari kuita chinoratidza kuti vanoda kupedza uori.”

Uori hwehurumende hwadzika midzi. Muzvinafundo Susan Rose-Ackerman, uyo anoongorora nezvekupedza uori, akanyora kuti kupedza uori kunotoda “kuti hurumende inyatsochinja maitiro ainoita zvinhu.” Kunyange zvazvo zvingaita sokuti uori haufi hwakapera, Bhaibheri rinoratidza kuti zvinokwanisika uye kuti pane zvimwe zvikuru zvichatochinja.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe